RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/97 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 9/97 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00. October: Kuzvinyoresa kweMukai! neNharireyomurindi nokuda kwe$40,00 pagore kana kuti $20,00 kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$20,00 pagore.) Kutanga norutivi rwepashure rwemwedzi wacho, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 richaparadzirwa. November: Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 kuchapfuurira. Ungano dzinofukidza ndima dzadzo nokusvika vanasaimba mumusha mumwe nomumwe kana kuti vanogara vane kopi yeMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 dzingagovera bhuku raZivo. December: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Zivisai ungano pazvinenge zvaitwa.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuhwirudzura mirayiridzo yakapiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, pamusoro pevapi nevapi vakadzingwa kana kuti vanhu vakazvibvisa musonganiro vangava vachifunga kudzorerwazve.

◼ Avo vanosonganira neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kwose kutsva uye kumutsidzirwa kweNharireyomurindi neMukai! kupfurikidza neungano.

◼ Sosaiti haiiti odha dzemabhuku dzevaparidzi vamwe nevamwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe ungano isati yatumira odha yemwedzi nemwedzi yemabhuku kuSosaiti kuitira kuti vose vanofarira kuwana mabhuku emunhu oga vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti zvinyorwa zvipi zviri zvinhu chaizvo zveodha.

◼ Pakuita odha dzemabhuku, ungano dzinofanira kuyeuka kuti maCD-ROM eSosaiti haaparadzirwe zvachero. Anoshandiswa zvikurukuru nevaparidzi.

◼ “Bhokisi Remibvunzo” reUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1997 hwakarumbidza kuti tingwarire pakushanda muushumiri nevaparidzi vemitezo yakasiyana. Pane zvikonzero zvakanaka zvokuti vose vashandise chisarudzo chakanaka munhau iyi. Izvi hazvirevi kuti vatariri vematunhu kana kuti kunyange dzimwe hama hadzigoni kushanda muushumiri hwemumunda nehanzvadzi. Panzvimbo pezvo, mufungo wakataurwa ndewokuti hakusi kuchenjera kuti hama ipedze nguva nguva dzose iri yoga nemunhu mumwe chete wemitezo yakasiyana waisina ukama naye.

◼ Chinyorwa cheNharireyomurindi chaOctober 15, 1997 chine nyaya dzinofadza zvikuru dzatiri kukurudzira vaparidzi vose kucherekedza ndokurava:

 Uri mubereki here? Ipapo unofanira kuwana nyaya inoti “Kurera Vana Vane Tsika—Zvichiri Kubvira Here?” kuva inobetsera zvikuru uye inofadza. Zvikarakadzo zvinoshanda zvinopiwa mumashoko aya zvichabetsera vabereki mumugove wavo unodenha wekudzidzisa vana kutya Mwari munyika ino isingadi Mwari.

 Wakambofunga here nezvezvikomborero zvebasa roupiyona? Nyaya inoti “Zvikomborero Zveushumiri Hwoupiyona” inofanira kukurudzira vose vari kufunga kutanga basa iri uye avo vari kutorifarikanya.

◼ Gadziridzo: Papeji 47, ndima 9, mutsetse wechi 7, yebhuku raZivo muShona, tapota chinjai shoko rokuti “zvomunhu” kuti rirave kuti “zvomudzimu.”

◼ Vaparidzi vari kuronga kubatira semapiyona ebetsero muna October vanofanira kuunza mafomu avo nokukurumidza. Izvi zvichabvumira vakuru kuita gadziriro dziri madikanwa nokuda kwemagazini, mabhuku nendima.

◼ Tinocherekedza kuti vaparidzi vakawanda vachiri kuwana magazini kupfurikidza nokuzvinyoresa. Sosaiti yakakurudzira vaparidzi vose nemapiyona kuti vawane makopi avo emunhu oga kupfurikidza neDhipatimendi Remagazini Reungano. Izvi zvichachengetedza chitsama chakati chemari nebasa. Tinofanokuongai nokuda kwebatira pamwe yenyu.

◼ Tingada kukurudzira vaparidzi kutevera kuzvinyoresa kwose kwakawanwa, nomurangariro wekutanga fundo dzeBhaibheri.

◼ Zvinyorwa Zvitsva Zviripo:

Watchtower Publications Index—1986-1995. (Mapiyona: $39,00; Vaparidzi: $53,00.)—chiNgezi

◼ Maaudiocassette nemaCD Aripo:

Kingdom Songs (makaseti akaparadzana). (Mapiyona $16,80; Vaparidzi: $20,00.)

Kingdom Melodies pamaCD (Mavhoriyamu 1-3). ($29,00 rimwe.)

◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:

Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault (Mapiyona: $80,00; Vaparidzi: $100,00.)—chiNgezi

◼ Zvinotevera zvichave zvisingachawaniki mumitauro yose kana migove iripo yapera:

Happiness—How to Find It

“Let Your Kingdom Come”

KuTeerera kunoMudzidzisi muKuru

Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva

Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?

Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare”

Avo vanoda makopi ezviri pamusoro apa vanofanira kuzviodha kupfurikidza neungano. Ungano dzinofanira kungwarira kusaodha migove yakawandisa yezvinhu izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe