RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/97 pp. 3-4
  • Kuvaka Horo dzoUmambo muZimbabwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvaka Horo dzoUmambo muZimbabwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 8/97 pp. 3-4

Kuvaka Horo dzoUmambo muZimbabwe

1 Patinotarira munda wenyika yose, zvinofadza kuona wedzero huru iri kuwanikwa nesangano raJehovha repasi. Gore rapfuura muZimbabwe moga, ungano itsva 45 dzakaumbwa, ukuwo hwerengedzo yeungano 3 288 dzakawedzerwa munyika yose. Nokukura kwose uku, hazvishamisi kuti pane kudikanwa kweHoro dzoUmambo dzekuwedzera.

2 Hama dzakawanda nehanzvadzi dzinoratidza kushingaira kwakatanhamara nokutsigira sangano raJehovha kupfurikidza nokupa nguva yadzo nepfuma mukuvakwa kweHoro dzoUmambo. Matare Ekuvaka Emunharaunda matatu ari kushanda muZimbabwe anotarisira zvinodikanwa zveungano dzinenge 260 rimwe munharaunda yawo yaakagoverwa. Gore rimwe nerimwe, Horo dzoUmambo itsva dzinovakwa uye dzimwe dzinovandudzwa. Matare emunharaunda akanzi atarisire izvi zvivako, uye mabasa awo anoongwa. Gadziriro yose yekuvaka Horo dzoUmambo inoitwa kupfurikidza nomudzimu wechiKristu wokupa uye wokurega zvimwe zvinhu—wakasiyana nomudzimu unowanzoratidzwa munyika.—2 Tim. 3:2, 4.

3 Kuti tibetsere kuva neHoro dzoUmambo dzakafanana, Sosaiti yakagovera matare emunharaunda bhukwana rine mapurani akasiyana-siyana eHoro dzoUmambo anowirirana neungano dzeukuru hwakasiyana nemamiriro ezvemari akasiyana. Matare acho anokarakadzawo mitoo yekuvaka horo munhambo yemavhiki mashomanene bedzi. Ungano dzingakurukura izvi zvisarudzo neDare radzo Rekuvaka Remunharaunda kuti dzisarudze nzira inoshanda uye inochengetedza mari zvikurusa yekushandisa yakanakira vose. Nemitengo yezvinhu inoramba ichiwedzera, zvinokosha kuti Horo yoUmambo itangwe ndokupedzwa munguva pfupisa inobvira kuitira kuti mari yakapiwa ishandiswe nokuchenjera.

4 Vazvipiri Vanotsigira Basa Rakaisvonaka: Sosaiti inoonga vazvipiri vakawanda vanobetsera kuvaka Horo dzoUmambo. Chokwadi zvinofadza kuona mazana evazvipiri achizvipira mumativi ose ekuvakwa kweHoro dzoUmambo. Kubudirira kweiyi purogiramu kunobvira nemhaka yomudzimu wakadaro wekudisa, wekupa, uye wekubatira pamwe wevazvipiri, vanopa nguva iyo yaigona kupedzwa zvakanaka kuungano dzavo nemhuri. (Pis. 110:3; VaK. 3:23) Uku kutsigira kwerudo kunovaita kuti vave vakakodzerwa nokurumbidzwa nesu, kuonga, uye tsigiro yakazara.—VaR. 12:10; VaH. 13:1.

5 Vose vanokwanirisa kubetsera nguva dzose muMatare Ekuvaka Emunharaunda vakakumbirwa kuzadza mafomu eKingdom Hall Volunteer Worker Questionnaire (S-82). Ungano inotumira aya kudare remunharaunda, achiratidza zvikwaniriso zvemushandi uye paanowanikwa. Pakunova negadziridzo mumamiriro ezvinhu emuzvipiri, sepaanotama kana kuti paanogadzwa semubatiri anoshumira kana kuti semukuru, mafomu matsva anofanira kuzadzwa nokukurumidza ndokutumirwa nemunyori weungano. Kana muzvipiri asingachakwanirisi, vakuru vanofanira kuzivisa dare remunharaunda netsamba. Apo mamwe mafomu anenge achidikanwa, angakumbirwa pafomu reOdha Yamabhuku. Mutariri wedunhu anofarirawo avo vakazvipira nokuda kwerutivi urwu rwebasa rinoyera. Naizvozvo, anohwirudzura fayira rine makopi ebvunzurudzo dzevashandi vakazvipira kuvaka Horo dzoUmambo nguva imwe neimwe yaanoshanyira ungano.

6 Kuchengeta Mitengo Yekuvaka Yakaderera: Matare Ekuvaka Emunharaunda akarayirwa kuti aronge dhipatimendi rekutenga rinotarisirwa nemukuru anokwanisa. Hama dzinoshanda mudhipatimendi iri dzinotsvaka mitengo nokushingaira kuitira kuti dziwane mitengo yakaderera kupfurikidza nokuenzanisa mitengo yezvinhu uye kukarakadza mitengo yakaderera kunobudirira. Munzira iyi, vatengesi vanofanira kushandiswa vanogona kusarudzwa uye kuti zvinhu zvipi zvinofanira kutengwa. Dzimwe nguva, mubasa rechivako cheHoro yoUmambo, hama dzakakwaniriswa muungano yemunzvimbomo dzinokumbirwa kuzobetsera muiri dhipatimendi.

7 Kuti rive nechokwadi chokuti mari ichashandiswa norutsuta sezvinobvira, Dare Rekuvaka Remunharaunda rinofanira kutendera ndyiko dzose dzinobhadharwa nehomwe yekuvaka, zvimwe kupfurikidza nokusaina tsamba dzekukumbira mari inobva kuchikwereti chinotenderwa neSosaiti kana kuti kusaina bvumiro yekutenga. Pose apo basa reHoro yoUmambo, ringava rekuvaka kutsva kana kuti kuvandudza, rinobatanidza betsero yevazvipiri vanobva kudzimwe ungano kunze kweungano (dz)ichasanganira muhoro yacho, dare remunharaunda rinotarisira basa racho.

8 Munhu upi noupi anoita chibvumirano chekuita rimwe rebasa paHoro yoUmambo anofanira kugovera chibvumikiso cheinishuwarenzi yekuva nemutoro wekutarisira tsaona dzipi nedzipi kana kuti zvinhu zvingaitika.

9 Kubetsera Zvinodikanwa Zvemamwe Mapazu: Pane nguva apo mamwe mapazu anoda betsero inobva kumatare emunharaunda emuZimbabwe. Betsero yakadaro kakawanda iri madikanwa kugadziridza kuvadziko inovapo pashure pengwavaira kana kuti kugovera rovedzo kuDare Rekuvaka Remunharaunda remunzvimbomo. Kuratidzwa kwechokwadi kwerudo apo hama dzine mutoro dzinobva munyika ino dzinodisa kufamba pandyiko yadzo kuti dzibetsere mune imwe nyika. Nguva pfupi yapfuura, rimwe dare redu remunharaunda rakabetsera kuvaka Horo dzoUmambo nhatu muMozambique uye kugadziridzwa kwakatevera kwehoro yakakuvadzwa nedutu. Zvikumbiro zvakadaro pakutanga zvinotenderwa nehofisi yebazu. Izvi zvinoita kuti pave negadziriro yakarongeka.

10 Nemhaka yekudikanwa kuri kuramba kuchiwedzera kweHoro dzoUmambo mune dzimwe nyika, pane kudikanwa kwekushandisa mari iripo nokuchenjera sezvinobvira. Takakurudzirwa kuva norutsuta mukuvaka Horo dzoUmambo itsva uye mukunatsiridza dziripo. Ichi chikumbiro chakagamuchirwa nebatira pamwe yakaisvonaka. Nemhaka yeizvi, Homwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo zvino yave kushandiswa kugovera zvikwereti kuungano dziri munyika dzine kudikanwa kwekukurumidzira nokuda kweHoro dzoUmambo dzekuwedzera asi idzo dzine pfuma yakaganhurirwa uye zvinetso zvemari zvakakomba.

11 Kudikanwa kweHoro dzoUmambo dzekuwedzera munyika dzakati kunosimbiswa ne1997 Yearbook. Somuenzaniso, Ukraine inodudzwa, uko Horo dzoUmambo 47 dzakavakwa kusvika panguva ino uye dzimwe 56 dzichiri kuvakwa. Kudikanwa munyika dzakadaro kuri pachena zvikuru. Mushumo wacho unoti: “Dzimwe Horo dzoUmambo dzakawanda dzinodikanwa muRussia. Wedzero munhamba yeZvapupu ikoko inokurumidza zvikuru, asi inenge 85 muzana yeungano dziri mubazu reRussia haina nzvimbo dzekusanganira dzechigarire. MuZimbabwe, mune ungano dzinenge 800, zvave zviri madikanwa kuti dzakawanda dzeidzi dzisanganirane panze. Izvi zvakaparira kuti vamwe vachangobva kufarira varege kupinda.” Mamiriro ezvinhu akafanana ari mudzimwe nyika muEastern Europe, Africa, neLatin America.

12 Kunyange zvazvo rudo rwevazhinji zvikuru verudzi rwemunhu rwakatonhora muaya mazuva ekupedzisira, vanhu vaMwari vanopfuurira kuratidza ufakazi hwerudo rwavo nokuda kwemumwe nomumwe, rudo runopfuura miganhu yedzinza nenyika. (Mat. 24:12) Mukutevedzera Baba vedu vekumatenga, ngatipfuurirei kuratidza rudo rwakadaro kupfurikidza nokuratidza kutsigira kwedu kwekudisa kuvakwa kweHoro dzoUmambo, mose muri muviri muZimbabwe nekwose kwose, kana kuchidikanwa. Kuita kwedu saizvozvo kuchaunza chikomborero chaJehovha chakapfuma netendero.—Mar. 3:10; VaH. 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe