Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$7,00. Ipai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. July naAugust: Ripi neripi remabhurocha ane mapeji 32 nokuda kwe$2,00 rimwe: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Ungariwana Sei?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana June 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Zivisai ungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Kuvamba nomwedzi waOctober, bhuku rinonzi, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, richafundwa muFundo Dzebhuku Dzeungano. Kuti dzigamuchire aya mabhuku munguva, tinokurudzira ungano dzose kuisa odha zvino.
◼ Hamvuropu dzeSosaiti dzinogoverwa kuungano ndedzekushandisa bedzi pakutumira mishumo yeungano kuSosaiti netsamba dzinobatanidzwa nemishumo yacho. Kwakacherekedzwa kuti vamwe vari kushandisa idzi hamvuropu nokuda kwetsamba dzomunhu oga kana kuti pakunyorerana nedzimwe ungano. Izvi hazvifaniri kuitwa.