Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$5,00. Zvinogoverwa zveZulu/Chicheŵa: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00. April naMay: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku nokuda kwe$5,00. Zulu/Chicheŵa: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai! nokuda kwe$40,00 kwegore rimwe kana kuti $20,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. Nokuda kwebasa repakati pevhiki uye mundima inowanzofukidzwa, bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri?, ringashandiswa. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$7,00. Ipai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana March 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira. Zivisai ungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Hurukuro chaiyo yavose yenguva yeChirangaridzo gore rino ichapiwa muungano zhinjisa paSvondo, April 6. Hurukuro yacho ine musoro unoti “Ramba Wakachena Pazvinosvibisa Zvenyika.” Vose vanofanira kupinda, uye tinofanira kubatsira vanofarira vakauya kuChirangaridzo kuti vavepo nokuda kwehurukuro yacho. Zvatichanzwa zvirokwazvo zvichava chisakiso chokutsunga kwakamutsidzirwa kwekufadza Mwari.
◼ Kuwana zvizhinjisa mufundo dzeungano mubhuku raMunhu Mukurusa, tapota rangarirai nhungamiro iri papeji 1 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1994. Nyaya yacho inotsanangura magadzirirwe echifundo chimwe nechimwe uye muitiro uyo fundo yebhuku ichatevera. Vaitisi vefundo uye vose vanopinda vachabetserwa nokuhwirudzura aya mashoko.