RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/97 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 2/97 p. 7

Zviziviso

◼ Zvinyorwa zvinogoverwa nokuda kwaFebruary: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wavo Pedyo! nokuda kwe$20,00. Sechokutsiva shandisai bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 ramunaro mudura. March: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00. April: Kuzvinyoresa Nharireyomurindi neMukai! nokuda kwe$40,00 nokuda kwegore kana kuti $20,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$20,00 nokuda kwegore rimwe.) Nokuda kwebasa repakati pevhiki uye mundima inogarofukidzwa, bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri?, ringashandiswa.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuhwirudzura mubato wemapiyona enguva dzose ose. Kana api neapi ari kuva nechinetso chokusvitsa chinodikanwa chemaawa, vakuru vanofanira kuronga kuti rubatsiro rupiwe. Nokuda kwezvikarakadzo, hwirudzurai tsamba dzeSosaiti (S-201) yaOctober 1, 1993, uye yaOctober 1, 1992. Onaiwo ndima 12-20 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1986.

◼ Vaparidzi vanoda kubatira semapiyona ebetsero muna March, April, uye May vanofanira kuita rongedzero dzavo zvino ndokupinza kumbiriso yavo nokukurumidza. Ikoku kuchabetsera vakuru kuita gadziriro dziri madikanwa dzebasa romumunda ndokuva nemagazini akakwana nemamwe mabhuku. Mazita avose vanotenderwa kuita upiyona hwebetsero anofanira kuziviswa kuungano.

◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! nokuda kwa1996 neodha yavo yemabhuku yaFebruary. Mabhaundi vhoriyamu achawanika muchiNgezi. Kutozosvikira mabhaundi vhoriyamu ave kuwanika uye atumirwa, iwayo acharatidzwa pamainivhoisi eungano sezvinhu zvamaodherwa zvatisina. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Mitumbi yavakuru inoyeuchidzwa kuti vanofanira kugovera bedzi mukuru akakwaniriswa zvikurusa ari pakati pavo kuti ape hurukuro yeChirangaridzo. Tapota cherekedzai kuti haisiri nhau yokungoita madzoro. Iyi inhambo inokosha naizvozvo tingada kuti vose vari muvateereri vabetserwe zvakazara.

◼ Zvinyorwa Zvitsva Zvinowanika:

Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri—Chichewa

◼ Zvinowanikazve muZimbabwe:

Mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi 1951-59—chiNgezi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe