RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/96 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 10/96 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaOctober: Kuzvinyoresa kweMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kumwe nokumwe kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai!/Galamukani! i$12,50 nokuda kwegore rose uye hapana kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) November: Api naapi amabhurocha anotevera nokuda kwe$1,50: Chii Chiri Donzo Roupenyu? Hurumende Ichaunza Paradhiso, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here? kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. December: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$5,00 kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1984 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mabhuku iwayo dzingagovera Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva.

◼ Wedzero iri muchinyorwa chino choUshumiri Hwedu hwoUmambo “Rudungwe rweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rwa1997” uye runofanira kuchengetwa nokuda kwenongedzero muna 1997 mose.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1997 neodha yadzo yamabhuku yaOctober. Mabhukwana acho achawanika muChichewa, chiNgezi, Shona uye Zulu. Kusvikira mabhukwana aya ava kuwanikwa uye kutumirwa kwaitwa, achawanika se“Akamirirwa” pamainivhoisi eungano. Mabhukwana aKunzvera Magwaro Zuva Nezuva zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Dzimwe ungano hadzina kudzosera kuSosaiti fomu radzo reMushumo Wokukamuranisa Ungano (S-10), uye fomu radzo roRudungwe Rwokuverengwa Kwamabhuku (S-18). Tinoda kuti mutariri anotungamirira mumwe nomumwe abvunze munyori kuti aone kuti mafomu ari pamusoro apa akadzoserwa kuSosaiti here kana kuti kwete. Kana asati adzoserwa, tapota ivai nechokwadi chokuti ikoku kunoitwa iye zvino.

◼ Hofisi ichiri kugamuchira masiripi okuzvinyoresa anotumirwa asina fomu roKuzvinyoresa Kwevhiki Nevhiki (M-203). Mazhinjisa amasiripi iwaya anotumirwa nekeshi. Tinoda kuzivisa kuti masiripi ose okuzvinyoresa anotumirwa kuhofisi anofanira kubatanidzwa neM-203. Uyewo mari yose inotumirwa kuhofisi yedu inofanirwa kubatanidzwa neS-20.

◼ Vamwe vaparidzi nemapiyona vachiri kutumira kuzvinyoresa kwavo zvakananga kuSosaiti. Kuzvinyoresa kwose kunofanira kuendeswa kuhama inotarisira kuzvinyoresa muungano. Batira pamwe yenyu muna ikoku ichaongwa zvikuru kwazvo.

◼ Zviri Kuwanikwa Zvakare muZimbabwe:

Mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi: 1958-59 chiNgezi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe