Paridza Umambo
1 Pana VaHebheru 10:23, tinokurudzirwa ku“chenget[a] kwazvo kupupura kwetariro yedu.” Uye tariro yedu yakanangidzirwa paUmambo hwaMwari. Jesu akarayira zvakananga kuti mashoko akanaka oUmambo anofanira kuparidzwa mumarudzi ose. (Marko 13:10) Tinofanira kuyeuka ikoku apo tinenge tiri muushumiri hwedu.
2 Apo tinoonana nevanhu, tinoedza kutanga kurukurirano pamusoro pechimwe chinhu chinovafadza kana kuti chinovanetsa. Kazhinji kazhinji tinodudza zvinhu zvavanotoziva, zvakadai soutsotsi munharaunda, zvinetso zvevanhu vaduku, funganyo pamusoro pokuwana zvokurarama nazvo, kana kuti dambudziko munhau dzenyika. Sezvo ndangariro dzevanhu vakawanda zvikurusa dzakanangidzirwa pa“kufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu,” apo tinoratidza kuti tinoitira hanya uye tinonzwisisa, vanhu kazhinji kazhinji vachataura zviri mundangariro dzavo. (Ruka 21:34) Ikoku kungazarura nzira yokuti tigoverane tariro yedu.
3 Kana tikasangwarira, zvisinei, kurukurirano yacho inogona kunyanyosimbisa zvinhu zvakashata kusvikira kupfundo rokuti tinokundikana kupedza chinangwa cheshanyo yedu—kuparidza shoko roUmambo. Kunyange zvazvo tichidanira ngwariro kumamirire ezvinhu akashata ayo anounza nhamo huru kwazvo, nharidzano yedu ndeyokunangidzira ngwariro kuUmambo, uhwo pakupedzisira huchapedza zvinetso zvose zvorudzi rwomunhu. Zvirokwazvo tine tariro inoshamisa iyo vanhu vanoda zvikuru kunzwa nezvayo. Naizvozvo nepo tingakurukura pakutanga rutivi rwakati rweidzi “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” tinofanira kukurumidza kunangidzira ngwariro pashoko redu guru, “mashoko akanaka asingaperi.” Neiyi nzira tichaita zvizere ushumiri hwedu.—2 Tim. 3:1; 4:5; Zvak. 14:6, NW.