Tine Zvomudzimu Zvakawanda Kwazvo Zvatisina Kutongova Nazvo Kare!
1 Vanhu vakawanda zvikurusa vanoshuva zuva apo vanogona kuti, “Tine zvakawanda kwazvo zvatisina kutongova nazvo kare!” Mundangariro yavo, zuva iroro richasvika apo vanova nezvinhu zvokunyama zvakawanda, zvichivabvumira ku‘zorora, kudya, kunwa, uye kufara zvavo.’ (Ruka 12:19) Mukupesana, iye zvino tinokwanisa kutaura kuti mupfungwa yomudzimu, hatisiri kushayiwa chinhu chipi nechipi chakanaka. (Pis. 34:10) Ikoko kunobvira sei?
2 Zvirevo 10:22 (NW), inozivisa kuti “chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa.” Isu tinowana nyasha dzaMwari dzakadaro tinogona kutaura zvirokwazvo kuti Mwari “unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo.” (1 Tim. 6:17) Ikoku kunoita kuti tive vanhu vakapfuma zvikurusa pasi pano!
3 Kuverenga Zvikomborero Zvedu: Vashomanene vedu vane zvinhu zvokunyama zvakawanda. Bva, takakomborerwa nemhaka yokuti hatinyanyofunganya pamusoro pezvinodikanwa zvedu zvezuva nezuva. Jehovha anoziva kuti tinoda zvinhu zvipi, uye anovimbisa kuzvigovera. (Mat. 6:31-33) Vimbiso yake inotipa rugare rwendangariro urwo runokosha zvirokwazvo.
4 Zvikomborero zvedu zvomudzimu, zvisinei, zvakatokura zvikuru. Upenyu hwedu hunotsamira pazvokudya zvomudzimu zvinobva kuna Jehovha. (Mat. 4:4) Avo vanotarira kumanyuko enyika nokuda kwezvokudya zvomudzimu vanova nenzara nepo isu tichidya nokunwa kusvikira taguta. (Isa. 65:13) ‘Muranda akatendeka’ anoita kuti tiwane manyuko asingaperi ezivo inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mat. 24:45; Joh. 17:3.
5 Uhama hwedu hunokosha hwomunyika yose hunotigovera ushamwari hunofadza hwehama nehanzvadzi dzine rudo dzinogara murutivi rwuri rwose rwapasi. (Joh. 13:35) Ungano yomunzvimbomo inzvimbo yorugare, umo tinogona kuwana nyaradzo nezorodzo. Vakuru vari kurinda mweya yedu, vachitibetsera kugonana nemarudzi akawanda ezvinetso. (VaH. 13:17) Kuswedera kwedu pedyo nehama dzedu kunoguma nokukurudzirana, kuchitisimbisa kuti tipfuurire.—VaR. 1:11, 12.
6 Kunyange basa redu chikomborero. Mabasa okunyika akawanda anofinha uye haagutsi. Kugoverana mashoko akanaka kunounza mufaro kuvamwe nomufarwa kwatiri timene. (Mabasa 20:35) Tinokwanisa zvirokwazvo kuona zvakanaka nokuda kwebasa redu rose rakaoma.—Mup. 2:24.
7 Kupfuura zvose, tine tariro yakaisvonaka yenguva yemberi. (VaR. 12:12) Tinokarira nyika itsva yakakwana yokururama, umo tichagara navadiwa vedu mumufarwa norugare nokusingaperi! Iyi tariro ipfuma inokosha zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi icho nyika ino inacho chokupa.—1 Tim. 6:19.
8 Tinogona Sei Kuratidza Kuonga Kwedu? Hatitongogoni kuripira Jehovha nokuda kwezvaakatiitira. Tinogona kuratidzira bedzi kuonga kwedu kupfurikidza (1) nokumutenda zuva riri rose nokuda kwomutsa wake usakafanirwa (VaEf. 5:20), (2) nokuratidzira rudo rwedu kupfurikidza nokuteerera (1 Joh. 5:3), (3) nokutsvenesa zita rake kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka (Pis. 83:18), uye (4) kutsigira ungano yechiKristu kupfurikidza nebatira pamwe yedu yemwoyo wose.—1 Tim. 3:15.
9 Tine chikonzero chiri chose chokuva vanhu vanofara zvikurusa pasi pano. (Pis. 144:15b) Chimiro chedu chendangariro, mufambiro, uye basa ngazviratidze mufaro watinonzwa muparadhiso yedu yomudzimu. Tine zvakawanda kwazvo zvatisina kutongova nazvo kare!