Nguva Dzachinja
1 Bhaibheri rinotiudza kuti “mugariro wenyika ino unopfuura.” (1 VaK. 7:31) Ikoko ndokwechokwadi sei nhasi! Kunyange munduramo yedu, takaona chinjo huru mukufunga nomufambiro zvavanhu pamwero uri wose wenzanga yavanhu. Kana tichizova vanobudirira mukuvasvika neshoko roUmambo, kusvika kwedu kunofanira kuwirirana nenguva dziri kuchinja.
2 Makore apfuura, munyika dzakawanda basa rokupupura rakanga rakasiyana nemhaka yokuti, zvikurukuru, vanhu vairarama upenyu hwakaterama zvikuru, uye vainzwa vakachengeteka. Rudzidziso rwaiva nenzvimbo inoyera muupenyu hwavo. Bhaibheri rairemekedzwa zvikuru. Mumazuva iwayo kupupura kazhinji kazhinji kwaibatanidza kuramba zvibvumikiso pamusoro penhau dzedzidziso. Nhasi, upenyu hwavanhu hahuna kugadzikana. Rudzidziso runonyombwa. Vashomanene vanotenda Bhaibheri. Uye nokuda kwevakawanda, rondedzero yemhindumupindu yakaparadza kutenda Mwari.
3 Mumwe mutariri anofambira akatsinhira, kuti: “Zvino, kunoratidzika kuti, kune zvinetso zvakawanda kwazvo nezvitambudzo muupenyu hwavanhu zvokuti tinofanira kuvadzidzisa nzira yokurarama nayo.” Itiro hanya dzazvino dzavanhu nenzira yomuzvarirwo dziri pavari vamene, mhuri dzavo, uye funganyo dzavo. Izvi ndizvo zvinhu zvavanotaura pamusoro pazvo zvikurusa apo vanova pamwe chete. Tinofanira kurangarira izvozvo mubasa redu rokupupura.
4 Umambo hwaMwari Ndiyo Tariro Yechokwadi Bedzi Yenguva Yemberi: Vanhu vakawanda zvikurusa vanovimba zvishomanene nehurumende yomunhu. Vanonzwa kuti hakuna kariro yokuona nyika iri nani munduramo yavo. Rudzidziso rwenhema rwakakundikana kuvapa hwaro hupi nohupi hwetariro. Ndicho chikonzero nei chinodikanwa chikurusa chorudzi rwomunhu chiri chokunzwa mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. Ratidza nzira iyo ihwo pakupedzisira huchapedza nayo zvinetso zvose zvakanangana norudzi rwomunhu.
5 Bhaibheri Ndiro Manyuko Bedzi Akavimbika Enhungamiro: Vazhinji vanhasi vakatsauswa navatungamiriri vanovimba nouchenjeri hwomunhu nouzivi hwenyika. Vanhu vachigere kuziva kuti “munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jer. 10:23) Chidzidzo chinokosha zvikurusa chavanogona kudzidza ndechokuti vanofanira ku‘vimba naJehovha nemwoyo wavo wose uye kusatsamira pakunzwisisa kwavo vamene.’ (Zvir. 3:5) Nepo nguva dzachinja, Bhaibheri harina. Nokudaro, muushumiri hwedu nguva dzose tinofanira kusimbisa Shoko raMwari, tichidzidzisa vamwe kuonga nhungamiro yaro yakafuridzirwa, youmwari. (2 Tim. 3:16, 17) Kuti tiite chinangwa ichocho, tinofanira kuita kuti vanhu varambe vachiona ukoshi hweBhaibheri kupfurikidza nokunongedzera kwariri mumharidzo dzedu, tichirishandisa kupindura mibvunzo yavo, uye kutsigira kudikanwa kwokurifunda nokushandisa uchenjeri hwaro hunoshanda.
6 Kunyange nenguva dzinochinja dzanhasi, vavariro dzedu muushumiri dzinoramba dziri dzimwe chetedzo. Tinofanira kuparidza mashoko akanaka oUmambo, kuvaka chivimbo muShoko raMwari, uye kubetsera vamwe kuona kudikanwa kwokufunda Bhaibheri nesu. Zvatinotaura zvinofanira kuwirirana nezvinodikanwa zvazvino zveavo vatinopupura kwavari. Kupfurikidza nokuita ikoku, tingava vagoverani vamashoko akanaka navamwe nokudaro ndokuwana vanhu vakawanda zvikurusa.—1 VaK. 9:19, 23.