Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa nokuda kwaMarch: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$5,00 kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00. (Chinyorwa chiduku: $7,50). April naMay: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi nokuda kwe$25,00 nokuda kwegore rimwe kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. Bhurocha ripi neripi (kunze kwamabhurocha aDzidzo naSchool) ringagoverwawo nokuda kwe$1,50. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$5,00 kana kuti Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$15,00.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana March 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Sezvakaziviswa muchinyorwa chaJanuary 1996 choUshumiri Hwedu hwoUmambo, hurukuro yavose chaiyo yomwaka weChirangaridzo gore rino ichapiwa muungano dzakawanda zvikurusa paSvondo, April 21. Hurukuro yacho ine musoro unoti “Kuramba Tisina Chatinopomerwa Pakati Porudzi Rwakakombama.” Nhamburiko chaiyo inofanira kuitwa yokukoka avo vanopinda Chirangaridzo pana April 2.
◼ Une chakaitika chaungada kugoverana here? Tapota chinyore uye chipe mutariri wenyu anotungamirira. Iye achachirava kuti aone kuti mashoko ose akakodzera ane chokuita nechakaitika ichocho agoverwa uye akarurama. Pashure pokunge gadziridzo dzipi nedzipi dziri madikanwa dzaitwa, iye achachitumira kuhofisi yedu.