Mibato Yechikoro Yapashure Pechikoro—Ndoupi Uri Murangariro Wakafanira?
1 Mishumo inoratidzira kuti vamwe vaparidzi muungano havana mirangariro inotsinhirana zvizere pamusoro peiyi nhau uye nhau yacho yave iri inotapura kwenguva yakati. Somugumisiro, anopfuura makore 10 akapfuura, boka romuranda rakagovera rubatsiro muchimiro chebhurocha, School and Jehovah’s Witnesses. Nhungamiro chaiyoiyo panhau yemibato yapashure pechikoro inopiwa pamapeji 22-25 ebhurocha racho.
2 Ngwariro yako inokweverwa zvikurukuru kupeji 23. Ichi chikamu chinopa zano rakananga mukurwisana nomutambo wamakwikwi, chichiuratidza kuva unokuvadza kumufambiro wechiKristu nezvimiro zvendangariro. Mudzimu wamakwikwi uyo unovapo pamutambo wakarongwa une migumisiro inokuvadza. Makwikwi chibereko chomudzimu wenyika uye anofanira kudziviswa navabatiri vose vaJehovha.—VaG. 5:26.
3 Vabereki vechiKristu vangada zvirokwazvo kugadza nhungamiro yomuenzaniso mukushandisa iyi nhungamiro muupenyu hwavo vamene uye kubatsira vana vavo kuita zvimwe chetezvo. Iyi nhau yakakomba zvikurukuru nokuda kwehama dzinobatira sevakuru kana kuti vabatiri vanoshumira avo vanofanira kupa ngwariro chaiyo kumuenzaniso wavanogadza muungano. Kana hama ipi neipi yakadaro isiri yomuenzaniso muno urwu rutivi, zvikwaniriso zvayo zvaizoda kunzverwazve nomutumbi wavakuru.
4 Kana vaparidzi vapi navapi veungano vakawanikwa kuva vanobatanidzwa mumutambo wamakwikwi, vakuru vachasvika vakadaro kuitira kuti va‘vagadziridze’ nomudzimu wounyoro. Vabereki vechiKristu vanofanira kuvapo apo vakuru vanotaura kumuduku.—VaG. 6:1.
5 Kurangarira kwedu nhau mutsinhirano nenhungamiro inopiwa neSosaiti kuchaguma norugare uye chinzwano muungano.—1 Pet. 5:3; 1 VaK. 1:10.