RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 pp. 5-6
  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 pp. 5-6

Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aSeptember 4 kusvikira kuna December 18, 1995. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.

[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]

Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. “Mwanakomana” anonongedzerwa kwaari pana Isaya 66:7 anomirira kuberekwa kworudzi rwomudzimu rwavaKristu vakazodzwa muna 1919, kwete kuberekwa kwoUmambo hwaMesiya muna 1914. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 9/1 p. 18.]

2. Bhuku raIsaya 38:5 rinotibetsera kunzwisisa kuti mikumbiro yapachokwadi ingasunda Jehovha kuita izvo zvimwe angadai asina kuita. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 4/1 p. 15.]

3. Munhu akaderera papasi anogona kuita kuti Musiki wechisiko chose anzwe akuvadzwa kana kuti kufara. (Isa. 63:10) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 6/15 p. 15.]

4. Bhuku raJeremia 1:5 rinotsigira izvo Bhaibheri rinoratidzira pamusoro pokuvamba kwoupenyu pakunambwa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 6/15 p. 29.]

5. Bhuku raIsaya 53:5, 12 rakafanotaura kuti Jesu Kristu aizofa sechibayiro chorudzikinuro kuti afukidze zvivi zvavamwe. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 10/1 p. 14.]

6. Bhuku raIsaya 48:17 riri kutiudza zvomenemene kuti tishandise Shoko raMwari muupenyu hwedu uye kuzvionera timene kuti nheyo dzinowanika mariri dzinoshanda chaizvoizvo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 3/1 p. 12.]

7. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisingatori rutivi kunyange zvodini mumibato yezvematongerwe enyika, hazvibonderani neizvo vamwe vanoita pamusoro pokukumbanira bato rezvematongerwe enyika, kukwikwidza nokuda kwenzvimbo, kana kuti kuvhota musarudzo. [uw-CA p. 166 ndima 12]

8. Vabatiri vakatendeka vaMwari vakatangira nguva yaKristu vakanga vasina zivo pamusoro penyika itsva yatinokarira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 2/15 p. 11.]

9. Koreshi akava “muzodzwa” waJehovha kunyange zvazvo pasina ufakazi hwokuti mafuta chaiwo akadururwa paari. (Isa. 45:1) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 11/15 p. 30.]

10. Kuti vagobatira Mwari nokuzvipira kwakazara, vaKristu vanofanira kuziva zuva neawa apo Jehovha achaparadza tsika yapasi yaSatani. [uw-CA p. 176 ndima 2]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Ndirini apo muKristu anofanira kutaura kuna chiremba wake pamusoro pechisarudzo chake chokurega ropa? [uw-CA p. 158 ndima 9]

12. Jesu akanga asiri rutivi rwenyika munzirai? [uw-CA p. 161 ndima 2]

13. Kutaura Shoko raMwari noushingi hakurevi chii? [uw-CA p. 175 ndima 13]

14. Kana tikagamuchira zvirokwazvo mashoko akanaka, mutoroi watinawo? [uw-CA p. 169 ndima 2]

15. Pamarudzi ose ari papasi, ndorupi rwuri “rudzi rwakarurama, rwuno[chengeta mufambiro wakatendeka, NW]” kuna Mwari, uye ndivanaani vari kuwedzerwa kurudzi irworwo? (Isa. 26:2, 15) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 1/1 map. 10-11.]

16. Mukuwirirana naIsaya 32:1, 2, nderipi riri basa guru ravakuru? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 4/1 p. 30.]

17. Mugumisiroi unooneka zvakajeka uyo kudzidzisa kwoumwari kwakaparira pakati peZvapupu zvaJehovha munyika yose? (Isa. 54:13) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 3/1 p. 17.]

18. Mumabhuku api namaganhuro umo nhatu dzeEvhangeri dzinogovera mashoko pamusoro pechiratidzo chinoumbwa nezvizhinji chinozivisa “kuguma kwenyika”? [uw-CA p. 178 ndima 5]

19. Neiko muchinyorwa chenhau chaSanheribhi akanga asingakwanisi kuganza pamusoro pokukunda dzimbahwe raJudha, Jerusarema, munzira iyo akaganza nayo pamusoro pokukunda kwake nhare yechiJudha yeRakishi? (Isa. 37:36) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 6/1 p. 6.]

20. Ndiani uye chii chinofananidzirwa ne“Revhiatani” muna Isaya 27:1? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 8/15 p. 31.]

Govera shoko (mashoko) kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedza kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:

21. Apo muKristu anonyoreswa muchipatara, anofanira kukumbira ․․․․․․․․ kuti pasave neropa rinoshandiswa, uye anofanira ․․․․․․․․ pamusoro pako somunhu oga kuna chiremba uyo achabata nhau yake. [uw-CA p. 158 ndima 9]

22. Nzira mbiri idzo tinoratidza nadzo kuvimba kwedu naJehovha dziri kupfurikidza nokupinda ․․․․․․․․ nguva dzose uye kupfurikidza nokutendeukira kwaAri mu․․․․․․․․ nguva dzose. [uw-CA mapeji 170-1 ndima 5-7]

23. Unogona kutarira mberi kukubatanidzwazve navadiwa vakafa, asi ikoku kunoda kuti u․․․․․․․․ muna Jesu so․․․․․․․․ wako ndokumuteerera saMambo akagadzwa waMwari. [w94-CA 6/15 p. 7]

24. Kutarisira kunonongedzerwa kwakuri pana VaEfeso 1:9, 10 kunonangidzira pana ․․․․․․․․, uye kupfurikidza naye vanhu vanounzwa mumumiriro wezvinhu ․․․․․․․․ pamberi paMwari, vamwe nekariro yokuva mu․․․․․․․․, vamwe pa․․․․․․․․. [uw-CA p. 186 ndima 6]

25. “Vanakomana vaMwari” vanonongedzerwa kwavari pana VaRoma 8:19-21 vanakomana vakazodzwa nomudzimu avo vakawana tuso yavo ․․․․․․․․, uye vacharatidzirwa apo vanhu vari ․․․․․․․․ vanoona ufakazi hwokuti vakatanga kushanda, vachigoverana naKristu mu․․․․․․․․ kwetsika ino yakaipa yezvinhu. [uw-CA p. 188 ndima 11]

Sarudza mhinduro yakarurama mune kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:

26. VaKristu vapakuvamba vainyombwa savavengi vedzinza romunhu nemhaka yokuti (vaisataura kuvasingatendi; havana kunamata zvifananidzo; vaidzivisa varaidzo yamasimba masimba yakashata). [uw-CA p. 163 ndima 7]

27. Mumuenzaniso waJesu uri pana Mateo 13:36-43, gorosi rinomirira (varume vakatendeka vekare; boka guru; vaKristu vakazodzwa), nepo mashawi anomirira (vasingatendi vose; vaKristu vokuedzesera; Vanyori navaFarise). [uw-CA p. 179 ndima 7]

28. Pashure pokunge vatongi vezvematongerwe enyika vaparadza rudzidziso rwenhema, vachatendeukira nenzira yokudenha ku(tsika yezvokutengeserana; Chibatanwa chaMarudzi; avo vanotsigira uchangamire hwaJehovha). [uw-CA p. 182 ndima 13]

29. Muna 1914 kwakanga kune vanenge (1100; 5100; 10000) avo vakanga vachiparidza nokushingaira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 9/1 p. 16.]

30. Muporofita (Ezekieri; Dhanieri; Maraki) akaziva ‘nhamba yamakore okuzadzika kuparadzwa kweJerusarema’ kubva mubhuku raJeremia namamwe mabhuku. [w94-CA 6/15 p. 8]

Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:

Revh. 17:11, 12; Isa. 43:10; Jer. 7:31; Joh. 8:41, 44, 47; Mabasa 4:13

31. Dzidzo yenyika yakaganhurirwa haiiti kuti munhu ave asingakwanirisi kuva muzivisi asingatyi wamashoko akanaka. [uw-CA p. 172 ndima 8]

32. Kushandiswa bedzi kwapaMagwaro uko ropa raigona kuitwa kunosimbisa kuyera kwaro ndokusimbisa ukoshi hwechibayiro chaKristu. [uw-CA p. 159 ndima 11]

33. Zviito zvomunhu nomudzimu waanoratidza zvinowadzanyura nenzira yakajeka zvikuru uyo ari baba vake vomudzimu kupfuura zvinoita mashoko ake. [uw-CA p. 185 ndima 5]

34. Jehovha haana anomutangira; hapana mwari akamutangira kuvapo, uye hakusati kuchizova nomumwe pashure pake nemhaka yokuti ndewokusingagumi, Changamire Mukurusa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 1/15 p. 22.]

35. Vakura vazhinjisa nhasi vangasatongofunga nezvokubayira vana vavo sezvibayiro kuzvidhori, bva mamiriyoni asingaverengeki avana anoparadzwa namaune nokubvisa pamuviri, uye mamiriyoni epwere akabayirwa paatari yehondo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 1/15 p. 31.]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe