Betsera Vamwe Kunzwisisa Ukoshi hweBhaibheri
1 Jesu akagovera icho vadzidzi vake vaida. Ruka 24:45 inoshuma, kuti: “Akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.” Iye aiziva kuti kana vaida kuva netendero yaBaba vake, kwakanga kuchikosha kuti vafunde ndokunzwisisa Shoko raMwari, Bhaibheri. (Pis. 1:1, 2) Basa redu rokuparidza rine chinangwa chakafanana. Chinangwa chedu ndechokutanga fundo dzeBhaibheri, uko tinogona ku‘dzidzisa vanhu kuchengeta zvinhu zvose izvo Jesu akarayira.’ (Mat. 28:20) Tine izvi mumurangariro, zvinotevera zvikarakadzo pane izvo zvingava zvinobetsera apo unoita shanyo dzedzokerero.
2 Kana pakuvamba makakurukura bhuku ra“Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?” mungapfuudzira kurukurirano yenyu neiyi nzira:
◼ “Ndingada kukuratidzai chimwe chinhu icho chinoenzanisira ukoshi hunoshanda hwezano reBhaibheri. Vanhu vakawanda vanokuwana kwakaoma kuwirirana nevamwe. Chii chatinogona kuita kutanga ukama huri nani naavo vari vakatipoteredza? [Pashure pemhinduro, tendeukira kumapeji 167-8, ndima 15, uye rava Mateo 7:12. Wedzera mifungo inoratidzirwa mundima 16.] Iwoyu ndomumwe muenzaniso wouchenjeri hunowanwa muzano reBhaibheri. Nguva inotevera yandinoshanya, ndingada kukuratidzai zano iro Bhaibheri rinopa kubetsera varoorani kuwana mufaro mukurusa muukama hwavo.” Ita gadziriro dzokudzoka kuzokurukura mapeji 170-2, ayo anoratidza icho Bhaibheri rinorumbidza nokuda kwoupenyu hwemhuri hunofadza.
3 Kana makataura kune mumwe munhu akaratidza fariro mubhuku ra“Rugare Rwechokwadi”, ipapo zvichida uku kusvika kungava kunoshanda mukutanga fundo:
◼ “Vanenge vose vamunotaura kwavari vachakuudzai kuti vangada kuva nenyika ine rugare uye yakachengeteka yokurarama mairi. Kana zvirizvo izvo munhu ari wose anoda, neiko tine nyika yakazadzwa nengwavaira namasimba masimba? [Bvumira mhinduro.] Iri bhuku rinokuratidzai kuti ndokupi muBhaibheri kwamunogona kuwana mhinduro kumubvunzo iwoyo.” Tendeukira kumapeji 46-8 pasi pomusoro muduku unoti: “Mavambo Okushorwa kwoUbati Ushe hwaMwari.” Rava ndima 11 papeji 47. Tsanangura kuparadza kuchaita Mwari Dhiyabhorosi uye nzira yaachaunza nayo nyika yorugare runogarisa uye mufaro. Rava Zvak. 21:3, 4. Unogona ipapoka kuti: “Nguva inotevera yandichashanya, ndingada kukuratidzai magwaro akati ayo anotsanangura chikonzero nei tichigona kutarira mberi kunyika isina nhamo.”
4 Kana makashandisa kusvika kwakananga kutanga fundo uye pakanga pane kudavidza kwakanaka, mungataura izvi pamunodzokera:
◼ “Patakataura nguva yakapfuura, takakurukura zvimwe zvikonzero nei kuchibetsera kufunda Bhaibheri. Nhamburiko yapachokwadi yokuita zvakawanda zveizvi inogona kutibetsera kunzwisisa icho Mwari akatichengetera. [Rava Joh. 17:3.] Takatanga purogiramu yefundo yeBhaibheri iyo yakabatsira zviuru kudzidza zvakawanda pamusoro peizvo Mwari akapikira uye kumufadza kwatinogona kuita.” Ratidzira bhuku raZivo, hwirudzurai misoro yemaganhuro, uye enzanisira maitisire edu fundo yeBhaibheri.
5 Kana uchigona kubetsera vanhu vapachokwadi kunzwisisa ukoshi hweShoko raMwari, wakavabetsera munzira yakanakisisa inobvira. Uchenjeri hwavanogona kudzidza kupfurikidza nefundo yemapeji aro hunogona kuva “muti woupenyu,” uchavaunzira mufaro mukuru zvikuru.—Zvir. 3:18.