Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maOctober: Kuzvinyoresa nokuda kweMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 pagore kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! i$12,50 pagore rimwe uye hapana kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$5,00. Kana musina iri bhuku mudura, mungagovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? nokuda kwe$5,00. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$15,00. January: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose” kana kuti bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika, nokuda kwe$5,00. CHEREKEDZAI: Ungano dzisati dzaodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita kudaro paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.
◼ Wedzero iri muchinyorwa chino choUshumiri Hwedu hwoUmambo “Rudungwe Rwechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rwa1996” uye rwunofanira kuchengetwa nokuda kwenongedzero muna 1996 mose.
◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1996 neodha yadzo yamabhuku yaOctober. Mabhukwana acho achava achiwanika muChichewa, chiNgezi, Shona uye Zulu. Mabhukwana aKunzvera Magwaro zvinhu chaizvo zvinokumbirwa.
◼ Nguva dzose munotakura chinyorwa cheMedical Directive chakasainwa uye chakazadzwa zvakarurama here? Mishumo inoratidza kuti vaparidzi vakati havaiti kudaro. Somugumisiro, vamwe vakava nezvinetso navanachiremba muzviitiko zvinoda betsero yokukurumidza. Tapota ivai nechokwadi chokuti munotakura Medical Directive yenyu panguva dzose. Mwana wenyu anofanirawo kuva neIdentity Card rake nguva dzose.
◼ MUNYORI: Pakutumira masiripi okuzvinyoresa kuSosaiti, nguva dzose atumirei nefomu roKunyoresa Kwevhiki Nevhiki (M-203), pasinei hapo nokuti mari yapfigirwa here kana kuti kwete nokuda kwokuzvinyoresa.
◼ Tingada kuonga ungano dzose uye vanhu vamwe navamwe nokuda kwemipiro yavo yorupo yemari kana kuti zvinhu zvokunyama nokuda kwePurogiramu Yeyamuro Mukusanaya Kwemvura. Vamwe vakagovera zvifambiso kuti zvitakure zvinhu zvokubetsera kwazvaidikanwa. Somugumisiro, vaparidzi vakawanda vari munzvimbo dzisina kunaya mvura vakabetserwa neiyi gadziriro. Tapota pfuurirai kutumira mipiro kusvikira maudzwa neSosaiti kurega.
◼ Zvinowanika Zvakare muZimbabwe:
Aya Mashoko Akanaka oUmambo—Shona
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda Worugare”—Shona
Mabhaundi Vhoriyamu eAwake! a1989-94—chiNgezi
Mabhaundi Vhoriyamu eWatchtower a1976-79; 1983; 1986-90; 1992-94—chiNgezi
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda—Shona
Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?—Shona
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi—Shona
◼ MaAudiocassettes Anowanika Zvakare:
Doing God’s Will With Zeal (mutambo)—chiNgezi
Doing What Is Right In Jehovah’s Eyes (mutambo)—chiNgezi
The Greatest Man Who Ever Lived (makaseti masere mualbum)—chiNgezi
◼ Mavideocassette Anowanika Zvakare:
Purple Triangles—chiNgezi
The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy—chiNgezi
The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book—chiNgezi
◼ Madiskette eKomupiyuta Anowanika Zvakare:
GetVerse (madiskette 3 1/2 uye 5 1/4)—chiNgezi
◼ Maaudiocassettes Matsva Anowanika:
Kingdom Melodies Album (makaseti masere mualbum; vaparidzi: $142,00; mapiyona: $114,00)