Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa nokuda kwaJuly, August uye September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano (chinyorwa chiduku) nokuda kwe$7,50 kana kuti bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raSchool) nokuda kwe$1,50. Nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. October: Kuzvinyoresa kweMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 pagore kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! inoita $12,50 kwegore rimwe uye hapana kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) CHERECHEDZAI: Ungano dzisati dzaodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita kudaro paFomu radzo reKumbiriso yeMabhuku romwedzi nomwedzi (S-14).
◼ Vatariri vamatunhu vari kupa hurukuro yavose ine musoro unoti “Vimba naMwari Wenyaradzo Yose” kusvikira pamugumo waAugust. Kuvambira pana September 1 vachapa hurukuro ine musoro unoti “Kudzidzisa Kwoumwari Kunoziviswa Pasi Pose”—kuratidzwa kwamasiraidhi anosimbisa kokorodzano chaidzo dzo“Kudzidzisa Kwoumwari” dzamarudzi ose dzakaitwa misi ichangobva kupfuura.
◼ Tinoyeuchidza ungano dzose kurovedza kuimba nziyo dzichaimbwa pakokorodzano yoruwa gore rino. Tsamba yeSosaiti yomusi waMarch 15, 1995 kuungano dzose yakaronga nhamba yenziyo dzichaimbwa.
◼ TAPOTA CHERECHEDZAI: Mishumo inoratidzira kuti kuchine vaparidzi vakawanda vanogoverana mubasa romumunda asi vanokanganwa kupinza mishumo yavo muBhokisi Remishumo. Unova nechokwadi here chokuti unopinza mushumo wako pakupera kwomwedzi mumwe nomumwe? Ikoku kwaizobetsera kupa mushumo wakarurama wechiri kuitwa mwedzi mumwe nomumwe mubasa.
◼ MUNYORI: Tapota nzverai kaviri Kadhi roMushumo weUngano yenyu (S-1) kuti muve nechokwadi chokuti chikamu chimwe nechimwe chazadzwa zvakarurama musati mariposita kuhofisi yedu. Mimwe mishumo inotisvika ine mashoko anoshayikwa kana kuti isina zita reungano nenhamba. Ivai nechokwadi chokuti munotumira mushumo weungano yenyu pasati pari pashure pezuva rechi 6 romwedzi unotevera. Shandisai mutoo wakanakisisa wokutumira tsamba kuitira kuti Sosaiti igamuchire mushumo wenyu munguva kuti ubatanidzwe nomushumo wenyika watinotumira kuBrooklyn. Batira pamwe yenyu ichaongwa zvikuru kwazvo.
◼ MUTARIRI ANOTUNGAMIRIRA: Tapota onai kuti mukuru anotarisira nhau dzokurapwa muungano yenyu anofanira kuva nechokwadi chokukumbira kuSosaiti wedzero dzoUshumiri Hwedu hwoUmambo pamusoro pokurapwa pasina ropa. Idzodzi dzinofanira kupiwa kumunhu mumwe nomumwe ari kubhapatidzwa muungano yenyu. Tapota ipaiwo munhu wacho kadhi reAdvance Medical Directive rimwe. Ikoku kunokosha zvikuru.
◼ Ruramiso: Tapota itai ruramiso dzinotevera mubhuku ra“Munhu Mukurusa Ati Amborarama” muShona: Ganhuro 119, ndima 1, mutsetse 1 unofanira kurava kuti “Anasi” uye kwete “Kayafasi.” Mutsetse 4 wendima imwe cheteyo unofanira kurava kuti: “akashamisa vadzidzi vavaRabhi paTembere.” Ganhuro 120, ndima 7, mutsetse 6 unofanira kurava kuti: “ihama yokunyama yaMarkosi, ane nzeve iyo Petro akacheka.”