Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 2 kusvikira kuna April 17, 1995. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Apo Mwari akagamuchira rupfidzo rwaDhavhidhi nokuda kwokuita chivi naBhatishebha, Dhavhidhi nemhuri yake nokudaro vakasunungurwa pamigumisiro yakaipa yomufambiro wake wakaipa. [uw-CA peji 127 ndima 5]
2. Nheyo huru yaZvirevo 11:1 ndeyokuti tinofanira kuva vakarurama uye vakatendeseka mumiitiro yedu yose yebhizimisi kana tichida fariro yaJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 11/15 peji 19.]
3. Kugamuchira zano chiratidzo choutera. [uw-CA peji 127 ndima 4]
4. Zvirevo 14:17 inotanga kupa ngwariro kumirangariro nemhaka yokuti inowanzotangira zviito. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 8/15 peji 20-1.]
5. Vose vanodana Jesu kuti Ishe vachaponeswa. [uw-CA peji 105 ndima 5]
6. Muna 33 C.E., apo akamutswa ndokutora nzvimbo yake kuruoko rworudyi rwaMwari, Jesu akavamba kutonga panguva iyoyo pavadzidzi vake vakazodzwa. (VaK. 1:13) [gt-CA ganh. 132]
7. Anenge makore 3 000 vasayendisiti vasati vawana gadziriro yamavara anogarwa nhaka, Pisarema 139:13-16 rakaratidzira kuiziva. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 5/15 peji 4.]
8. Zvirevo 8:22-31 kurondedzerwa bedzi kwouchenjeri. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 5/15 peji 28.]
9. MuKristu wechokwadi haafaniri kuvenga chinhu chipi nechipi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 1/1 peji 21.]
10. Mamiriro ezvinhu anoita zvakajeka kuti kupayona kuve kusingabviri nezvikwaniriso zvakakodzera zvomudzimu zvinhu zviviri zvinokosha zvinogona kubetsera mumwe munhu kusarudza kana angapayona. [w94-CA 1/15 peji 21]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Kuparadzwa kwetsika iripo yezvinhu nokurwadza kwayo, kusaruramisira uye kutambura uye kutsiviwa kwayo netsika itsva yakarurama mashoko akanakisisa kumhuri yorudzi rwomunhu. [w94-CA 4/15 peji 6]
12. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichida kutarisira vabereki vazvo vakwegura panzvimbo pokuronga mariro makuru parufu rwavo? [w94-CA 3/15 peji 22]
13. Mumamiriro ezvinhu anoda betsero yokukurumidza hungava umbavha here kana hama inotarisira mari yeungano ikashandisa mari yacho kupedza zvinetso zvayo? [w94-CA 4/15 peji 19, 20]
14. Maria Magdharene akafunga kuti Jesu akamutswa akanga ari ani apo akataura kwaari mubindu, uye chii chakamubetsera kumuziva zvakarurama? [gt-CA ganh. 128]
15. Ndeipi mitezo miviri yeSanihedrini iyo yakanga yave ichitya kuziviswa naJesu yakabetsera kugadzira muviri wake nokuda kwokuviga? [gt-CA ganh. 127]
16. Tinogona sei kuratidza mumibato yezuva riri rose kuti tine rudo rwokuzvibayira nokuda kwehama dzedu? [uw-CA peji 132-3 ndima 3, 4]
17. Chiitikoi chenhau icho Pisarema 136:10-15 rinorondedzera, uye chiiko chakaitika kuna Farao? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 6/15 peji 5.]
18. Chinangwai chakapetwa kaviri icho ropa rakadeurwa raKristu rinobatira? [uw-CA peji 115 ndima 13]
19. Neiko vaapostora vakatendeka, munun’una kuna mai vaJesu Jakobho, uye vadzidzi vanopfuura 500 vakapwiswa kuti Jesu akamutswa? [gt-CA ganh. 131]
20. Chii chakaita kuti Jesu Kristu ave munhu mukurusa ati amborarama? [gt-CA tsinhiro dzesumo]
Govera shoko kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kuzadza kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
21. Matanho anotevedzana okusika anodudzwa muBhaibheri akanyorwa anopfuura makore ․․․․․․․․ apfuura anobvumirana ne ․․․․․․․․. [w94-CA 4/15 peji 5]
22. ․․․․․․․․ na ․․․․․․․․ vanovavarira kubvisa vanhu pazvokwadi yeShoko raMwari kupfurikidza nokutsigira pfungwa yokuti upenyu hunopfuurira pashure porufu. [w94-CA 3/15 peji 23]
23. Sangano raJehovha nderoubati ushe hwaMwari, uko kunoreva kuti ․․․․․․․․; Jehovha anogovera nhungamiro kupfurikidza noMusoro weungano, ․․․․․․․․, kupfurikidza neShoko Rake, ․․․․․․․․; uye Jesu akaronzesa basa chairo ku ․․․․․․․․. (Mat. 24:45) [uw-CA peji 118-19 ndima 4-6]
24. Mukupesana navane 144 000 avo vanoendeswa kudenga, ․․․․․․․․, iro raisagona kuverengwa nomunhu, richapukunyuka ․․․․․․․․ pano chaipo. (Zvak. 7:9, 14) [uw-CA peji 104 ndima 3, 4]
25. Kuti usvike chisarudzo chaitenderwa naMwari, mutumbi unodzora wezana ramakore rokutanga wakasanorangarira icho ․․․․․․․․ akafuridzirwa aitaura panhau yairangarirwa pamwe chete noufakazi hwokushanda kwo ․․․․․․․․. (Mabasa 15:6-29) [uw-CA peji 120 ndima 8]
Sarudza mhinduro yakarurama mukumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
26. Pakurovererwa kwake padanda, Jesu akapiwa waini yaive nemura, asi akaramba kuinwa nemhaka yokuti (Mutemo waikurambidza; akanga ari muNaziri; aida kuva namano ake akazara). [gt-CA ganh. 125]
27. Kusuka nguo dzedu ndokudzichenesa muropa reGwayana kunoreva kuti (tinorega kuita zvivi; tinoziva kuda kwedu ukoshi hunoyananisa zvivi hwechibayiro chaJesu; tinotsaurira upenyu hwedu kuna Mwari ndokubhapatidzwa). [uw-CA peji 106 ndima 7]
28. Jesu akanzi haana mhaka kanenge kashanu na(Herodhe; Pirato; Feriksi), uyo gare gare akatera kuzvido zvoutsinye zvavaJudha ndokupa Jesu kuti aurawe. [gt-CA ganh. 124]
29. Vabatiri vaMwari vose vakatendeka avo vakafa ndokuramba vakafa Pentekosta ya (36; 35; 33) C.E. isati yasvika havana kuzodzwa nomudzimu mutsvene nokuda kwoupenyu hwokudenga. [uw-CA peji 111 ndima 5]
30. Satani anoita nharo kuti vanhu vose vanosundwa no(rudo; ruvengo; chishuvo chebetsero yomunhu oga) uye kuti itiro hanya yavo huru ndeye(zita raMwari; vamwe; munhu oga). [uw-CA peji 124 ndima 14]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Zvir. 3:27, 28; Joh. 19:4-6; 19:25-27; VaR. 15:2, 3; Zvak. 7:16, 17
31. VaKristu vane mutoro wokutarisira vabereki vavo vakwegura. [gt-CA ganh. 126]
32. Tinoitira hanya zvechokwadi pamusoro petapuro iyo chitarisiko chedu chinova nayo pana vamwe, naizvozvo tinorega nokudisa kuzvifadza isu timene. [uw-CA peji 130 ndima 10, 11]
33. Panguva ipi kana ipi apo tinova nomukana wokuitira vamwe zvakanaka, mungava munzira yomudzimu kana kuti yenyama, tinofanira kushandisa mukana wacho ndokubetsera munhu biyedu, zvikurukuru hama dzedu dzomudzimu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 12/15 peji 20.]
34. Chiremera chakanyarara nokuterama mukutarisana nenhamo zvinogona kuunza rukudzo kuna Jehovha ndokuwana ruremekedzo rwavanhu. [gt-CA ganh. 123]
35. Tava kutovamba kufarikanya mamiriro ezvinhu akapikirwa ayo anodanwa nenzira yakakodzera kuti “paradhiso yomudzimu.” [uw-CA peji 107-9 ndima 9-11]