Vabetsere Ku“nzwazve”
1 “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.” (Mabasa 17:32) Ndiko kwakanga kuri kuita kwavamwe kuhurukuro yakakurumbira yaPauro paAreopago. Nhasiwo, vamwe vanodisa kunzwa zvakawanda pamusoro peshoko roUmambo ratakavagovera pashanyo yedu yokutanga.
2 Tinoita kwakawanda zvikurusa kwokudzidzisa kwedu apo tinodzokera kuti tisakurire fariro. Gadziriro yakanaka ichatibetsera kuwana migumisiro yakanaka. Peji 51 yeBhuku Rinotungamirira reChikoro inorumbidza, kuti: “Tanga kuwana zvibvumikiso zvinotsigira mapfundo nenzira yakajeka mundangariro. Edza kutema chikonzero nei chinhucho chakadaro. Ona kana ungagona kutaura mifungoyo namashoko ako umene. Wana nzwisiso yakanaka yezvibvumikiso zvapaMagwaro. Iva akagadzirira kushandisa magwaro nenzira inobudirira.”
3 Kana wakagovera bhuku ra“Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?,” ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Apo takataura munguva yakapfuura, takakurukura zvikonzero nei tichigona kuva nechivimbo muBhaibheri. Bhuku randakakusiyirai rinomutsa mubvunzo wokuti, ‘Kuravirei Bhaibheri?’ [Rava sumo papeji 5, uye bvumira mhinduro yomubvunzo wokugumisa.] Bhaibheri rinotiudza kuti nokukurumidza zvikuru Mwari amene achapedza zvinetso zvose zvinokatyamadza zvorudzi rwomunhu, uye rinotitungamirira munzira yatinofanira kufamba nayo kuti tifarikanye zvikomborero zvenguva iyoyo yakanaka. [Rava Pisarema 119:105.] Iri bhuku rakagadzirwa seyamuro yefundo yomunhu oga neyemhuri yeBhaibheri. Ndingafara kukuratidzai mashandisirwe aro.”
4 Pashanyo uko wakagovera turakiti ra“Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri,” ungagona kuti:
◼ “Tose zvedu tinofarira chine nguva yemberi. Mukurangarira mamirire azvino ezvinhu munyika, munofunga kuti chii chichaitika? [Bvumira mhinduro.] Nepo munhu angagona bedzi kufungidzira pamusoro pechichaitika, Mwari anoziva chaizvoizvo chichaitika. [Rava Isaya 46:10.] Kungakushamisai kuziva kuti Bhaibheri rinodeya kutaura kuti nokukurumidza tichafarikanya zvikomborero zvenyika itsva yeparadhiso. [Rava ndima yechitatu papeji 4.] Regai ndikuudzei zvakawanda pamusoro peichi chipikirwa chinoshamisa.”
5 Kusvika kwechipiri kwaunogona kushandisa uko wakagovera bhuku ra“Shoko raMwari” kunogona kuva sezvinotevera, kuti:
◼ “Nguva pfupi yapfuura, ndakakusiyirai kopi reBhaibheri, uye ndakavimbisa kudzokera kuzokubetserai kurishandisa zvakanakisisa. Padzimwe nguva tingashamisika kuti tinogona sei kuchengeta kuwirirana kwoushamwari navamwe. Bhaibheri rine zano rakanaka rokupa, uye bhuku raShoko raMwari rinoita kuti kuve nyore kuwana zvatinoda. [Tendeukira kupeji 167 ndima 15, 16. Danira ngwariro kundima dzakadai saMateo 7:12; 22:39; Johane 13:34, 35. Tsanangura nokupfupikisa kuti kushandisa idzi nheyo kunogona sei kuparira migumisiro yakaisvonaka.] Uyu muenzaniso mumwe unoratidza kuti Bhaibheri rinopa sei zvigadzikiso zvinoshanda zvezvinetso zvedu. Nguva inotevera, ndingada kukuratidzai imwe nzira iyo Bhaibheri rinogona kutibetsera nayo kuwana mufarwa norugare rwendangariro.”
6 Hakuna pfuma huru zvikuru iyo tinogona kupa kune vamwe inopfuura zivo yakarurama yeShoko raMwari. Zivo yakadaro inogona kudzidzisa kutya Jehovha ndokukurudzira vanhu kufamba munzira yake, uko kunounza zvikomborero zvisingaperi.—Zvir. 2:20, 21.