Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aSeptember 3 kusvikira kuna December 19, 1994. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana Nhema:
1. Satani anonyengera vanhu nenzira yamanomano kuti vagutse zvishuvo zvenguva dzose nenzira dzisina kururama. [uw-CA peji 65 ndima 9]
2. Sheori, Hadhesi, uye Gehena ose anonongedzera kuguva ravose rorudzi rwavanhu. [uw-CA peji 72 ndima 6]
3. Sezvo kuzadzika kwePisarema 110:1, 2 kuchisvika mumazuva okupedzisira enyika ino, idzi ndima dzinotibetsera kunzwisisa kuti uporofita hwaJesu pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu hwakanga husina kuganhurirwa kuruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 2/15 peji 12 ndima 17.]
4. Sanihedrini rakanga riri Dare Rapamusoro reRoma remitezo 71 iro raisangana muJerusarema. [gt-CA ganh. 119]
5. “Madzishe enyika” anonongedzerwa pana VaEfeso 6:12 vatungamiriri vezvematongerwe enyika vakaparadzaniswa nenyasha dzaMwari. [uw-CA p. 63 ndima 4]
6. Mamiriyoni achamutswa muna vakafa achatongwa maererano namabasa ayo vakaita pamberi porumuko rwavo. [uw-CA peji 75 ndima 12]
7. Mukuwedzera mukubatira soMurevereri wesungano itsva, Jesu pachake akaita sungano navaapostora vake vakavimbika nokuda kwoUmambo. [gt-CA ganh. 115]
8. Rubhapatidzo, irwo rumene, isimbisiro yoruponeso. [uw-CA peji 100 ndima 12]
9. Apo Jesu akanyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri!” akanga achikumbira kuti asaurawe. (Ruka 22:42) [gt-CA ganh. 117]
10. Maererano nePisarema 58:4, chiva hachikwanisi kunzwa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona it-1 peji 485.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Kuziva kuti Jehovha anodyisa shiri uye anopfekedza zvakaisvonaka maruva kunofanira kusunungura varanda vake vounhu pafunganyo dzipi? [uw-CA peji 87 ndima 3]
12. Sezvinorondedzerwa pana Pisarema 58:3-5, vakaipa vakafanana sei nenyoka? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 10/15 peji 30.]
13. Mutsinhirano naVaEfeso 5:3-5, muKristu anonzwisisa acharamba pahwaroi nziyo dzakati idzo dzingava namarimba anofadza, mutinhimira unotapura, kana bhiti inopfuurira? [uw-CA peji 67 ndima 12]
14. Chii icho Bhaibheri rinoreva pana Zvakazarurwa 20:14, apo rinotaura kuti Hadhesi ya“kakandirwa mudziva romwoto”? [uw-CA peji 75 ndima 12]
15. Makwai nembudzi zvinotongwa pahwaroi mumuenzaniso waJesu uri pana Mateo 25:31-46? [gt-CA ganh. 111 ndima 43]
16. Kana Nisani 11, 33 N.V., akaguma pakunyura kwezuva paChipiri, Nisani 14 akavamba ndokuguma rini? [gt-CA ganh. 112]
17. Kunorevei kubhapatidzwa muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene? [uw-CA peji 98 ndima 9]
18. Munzirai umo vadzidzi vaJesu vaizoita mabasa makuru kupfuura ayo akaita, sezvaakazivisa pana Johane 14:12? [gt-CA ganh. 116 ndima 6]
19. Chii chiri “nzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro” inonongedzerwa kwairi pana Pisarema 91:1, uye chii chatinofanira kuita kuti tigarepo? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 12/15 peji 12; w86 12/15 peji 29.]
20. Neiko Jesu aigona kutaura pana Johane 16:33 kuti akanga akunda nyika? [gt-CA ganh. 116 ndima 37]
Govera shoko kana chikamu chamashoko anodikanwa kuzadzisa kutaura kumwe nokumwe kunotevera:
21. Sezvinoratidzwa muchinoitika chaJobho, Satani anotaura kuti tinofarira zvikurukuru zvinhu ․․․․․․․, nyaradzo uye garikano zvedu timene, uye kuti vavariro yedu mukubatira Mwari ndeiya yo ․․․․․․․. [uw-CA peji 93 ndima 13]
22. Apo Jesu akatongwa zvisina kururama, ․․․․․․․ akanga ari gavhuna weJudhea, uye ․․․․․․․ akanga ari mutongi weGarirea. [gt-CA maganh. 121, 122]
23. Mutsinhirano neizvo ․․․․․․․ akatsanangura pana Ruka 3:16, paPentekosta ya 33 N.V., vadzidzi vaJesu vakatanga kuwana rubhapatidzo no ․․․․․․․; muna 70 N.V., vaJudha vasingapfidzi vakabhapatidzwa no ․․․․․․․. [uw-CA peji 96 ndima 4]
24. Rubhapatidzo rwaJesu mu ․․․․․․․ rwakavamba muna 29 N.V. asi haruna kupera kutozosvikira ․․․․․․․ chaizvoizvo uye ․․․․․․․. [uw-CA peji 97 ndima 6]
25. Mativi esungano itsva ndi ․․․․․․․. [gt-CA ganh. 114]
Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:
26. Sezvinooneka, “vamwari” vanonongedzerwa kwavari muna Pisarema 82 ndi (Satani namadhemoni; vamwari vechihedheni vamarudzi; varume vakanga vari vatongi vaIsraeri). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 12/15 peji 28.]
27. Chinangwa chikuru chokuuya kwaJesu munyika chakanga chiri (kuponesa vanhu; kuita vadzidzi; kupupura zvokwadi). [gt-CA ganh. 122]
28. Kana tikatambura nhamo yokunyama kana kurasikirwa nezvokunyama, Dhiabhorosi anoda kutiona (tichikudza Jehovha ndokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema; tichipa Mwari mhaka ndokuva vasina kuvimbika; tichitsungirira sezvakaita Jobho). [uw-CA peji 60 ndima 13]
29. Papomero yamativi matatu yakaitwa navakuru vorudzidziso wechiJudha kuna Jesu, sezvakanyorwa pana Ruka 23:2, pomero yakanga iri yeitiro hanya kuna Pirato yakanga ine chokuita no(kutsausa kwaJesu rudzi rwechiJudha; kurambidza kwaJesu kuripirwa kwemitero kuna Kesari; kutaura kwaJesu kwokuti iye amene ndiKristu mambo). [gt-CA ganh. 121]
30. Pana Pisarema 63:3, Dhavhidhi akanga achitaura chaizvoizvo kuti kuva noukama hwakaisvonaka naJehovha kwakanga (kuri chinhu chinotevera chakanakisisa kuupenyu; kwakafanana noupenyu; kuchitokosha zvikuru kupfuura upenyu humene). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85 4/1 peji 4.]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Pis. 86:1, 2; Mat. 26:52; Joh. 13:1-17; Joh. 15:8; VaH. 13:5, 6
31. Pasinei zvapo nokukwira kwemitengo uye kupararira kwokushayikwa kwamabasa, chero bedzi tichizvishandisa timene mutsinhirano nokutenda kwedu, Jehovha achava neidi rokuti tine zvatinoda chaizvoizvo. [uw-CA peji 89 ndima 6]
32. VaKristu vechokwadi havasi rutivi rwenyika; naizvozvo, havatendeukiri kuzvombo zvokunyama. [gt-CA ganh. 118; ona w94-CA 6/1 peji 12.]
33. Kunyange zvazvo tingatambura funganyo uye kuora mwoyo nemhaka yezvinetso zvinotiwira, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatendeudzira ngwariro yake kupasi rino ndokuteerera minyengetero yedu yokuzvininipisa. [Kurava Bhaibheri vhiki nevhiki; ona w92-CA 12/15 peji 9 ndima 3, 4.]
34. Tinogona kupa Mwari mbiri zvirokwazvo kupfurikidza nokuratidzira mavara akafanana naaKristu, zvikurukuru rudo, uye kupfurikidza nokugoverana zvizere sezvingabvira mumubato wokuita vadzidzi. [gt-CA ganh. 116 ndima 19]
35. SavaKristu tinofanira kuva vanodisa kubatira vamwe tisingasaruri, pasinei zvapo nokuti basa racho rakaderera kana kuti harifadzi sei. [gt-CA ganh. 113]