Bhokisi Remibvunzo
◼ Kungwarirai kunodikanwa apo tinoshanda ndima ine ngozi?
1 Nenzira inowedzera, tinonzwa mishumo yamasimba masimba, kudenhwa, uye kusaterama kwenzanga, zvikurukuru munharaunda dzomumaguta. Kunyange zvazvo tichinzwa tichiitira hanya, tinoziva kuti kunyange munharaunda dzisina kuterama, kune vanhu vapachokwadi avo vachagamuchira shoko roUmambo. Naizvozvo panguva yakakodzera, tinofanira kuva noushingi hwokupfuurira, tine chivimbo chokutarisira kwaJehovha.—Zvir. 29:25; 1 VaT. 2:2.
2 Apo tinopinda munharaunda inogona kuva ine ngozi, Jehovha anotikarira kuva vanongwarira uye kushandisa chisarudzo chakanaka. Svinura. “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvir. 22:3) Vaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira vanonzwisisa uchenjeri hwokushanda pamwe chete vari vaviri vaviri kana kuti kunyange mumapoka avaparidzi vanoverengeka, kana kuri madikanwa. Muparidzi 4:9, 12 inoti: “Vaviri vanopfuura mumwe . . . Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa.” Matsotsi kazhinji kazhinji anotsvaka avo vari voga uye nokudaro vari nyore zvikuru kuvaita vanyajambwa.
3 Iva anongwarira zvikuru pamusoro pokupinda mumabhuroko emafurati ane mikoto ine rima nenzvimbo dzematanho dzisina vanhu. Ngwarira pamusoro pokugamuchira kokero yokuti upinde muimba kana kuti furati. Usaita nharo naavo vangaratidzika kuva vanotyisidzira kana kuti vanodenha. Kurumidza kuzvizivisa umene somumwe weZvapupu zvaJehovha. Vamwe vaparidzi nguva dzose vanotakura Bhaibheri kana kuti magazini yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! muruoko rwavo nokuda kwechinangwa chezivikanwo.
4 Ngwarira vanhu vanofamba-famba munharaunda yacho. Ngwarira pamusoro pokupinda muchikwidzo navamwe vasingaratidziki kuva vagari vomuchivako chacho. Usapfeke zvishongo zvinodhura. Kana uchifanira kuva uri kunze pashure pokunge kwasviba, dzivisa kufamba mumigwagwa ine rima uko kune zvinofamba mumugwagwa zvishomanene. Kana uri nyajambwa wokudenhwa, usadzivisa kana iri bedzi mari yako kana kuti zvinhu zvavanoda; upenyu hwako hunokosha zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chokunyama chaunacho.—Marko 8:36.
5 Hama dzinotungamirira dzinofanira kuva dzakasvinura, dzichironda vaparidzi mundima. Kazhinji kazhinji kwakanakisisa kuita kuti boka racho rirambe riri munharaunda imwe cheteyo zvokuti vamwe vanova vari pedyo nguva dzose. Kana rudzi rupi norupi rwamasimba masimba kana kuti vhiringidziko rukatanga munharaunda yacho, boka rinofanira kubva mundima yacho pakarepo.
6 Kana tiri vakasvinura navakangwarira, tinogona kupfuurira kusvika avo vari munharaunda dzine utsotsi hukuru avo “vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa.”—Ezek. 9:4.