Betsera Nenzira Yorudo Avo Vanoratidza Fariro
1 Apo akatungamirirwa nengirozi yaJehovha kumuEtiopia uyo akaratidza fariro yechokwadi muShoko raMwari rezvokwadi, mudzidzi Firipo akazvipira nenzira yorudo kumubetsera kunzwisisa zvaakanga achirava. (Mabasa 8:26-39) Isu tinoita nhamburiko chaiyo here kubetsera avo vanoratidza fariro? Tinofanira, sezvo basa redu roumwari richibatanidza kuitwa kwavadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Tinogona kuitei kuvabetsera?
2 Isa parutivi nguva vhiki imwe neimwe yokuita shanyo dzedzokerero. Gadzirira kushanyira avo vakaratidza fariro, uye edza kutangazve kurukurirano yapaMagwaro yakatangwa pashanyo yako yokutanga. Rangarira nharidzano yokutanga fundo yeBhaibheri. Dzokera nguva dzose kunogovera zvinyorwa zvazvino uno zveNharireyomurindi neMukai! kana kuti kugovera kuzvinyoresa.
3 Kana makakurukura kukosha kweBhaibheri pashanyo yako yokutanga, ungatangazve kurukurirano yacho, uchishandisa chikarakadzo chiri pamapeji 46 ne 47 ebhuku ra“Kurangarira” ndokutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vamwe vanorangarira kuti zano reBhaibheri harisati richishanda munyika yedu yazvino uno. Imi munorangarira sei pamusoro paikoko? [Bvumira mhinduro.] Hamusati maizobvuma here kuti bhuku rinogovera zano rakaisvonaka rinotigonesa kuva noupenyu hwemhuri hunofadza rinobetsera here? [Bvumira tsinhiro.] Fungidziro nemiitiro zvinobatanidza upenyu hwemhuri zvakachinja, uye migumisiro yatinoona nhasi haina kunaka. Asi mhuri dzinoshandisa chinotaura Bhaibheri dzakatsiga zvikuru uye dzinofara.” Rava VaKorose 3:18-21. Uchishandisa turakiti raChikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri, enzanisira nzira yatinokarakadza nayo purogiramu yefundo dzeBhaibheri yapachena.
4 Ungagona kuvamba kurukurirano pamusoro pamamirire avakafa neiyi nzira:
◼ “Kwave kune kutaura kwakawanda pamusoro pamamirire avakafa. Munofunga kuti chii chinoitika kwatiri patinofa? [Bvumira mhinduro.] Marudzidziso akawanda zvikurusa anodzidzisa kuti tinopfuurira kuvapo mune chimwe chimiro chakati. Vazhinji vakashamiswa kunzwa icho Bhaibheri rinotaura pamusoro penhau iyi. [Rava Muparidzi 9:5.] Nepo vakafa vasingazivi, ivo havana kukanganika. Mwari akavimbisa kuvadzorera kuupenyu mukutonga kwoUmambo hwake.” Tendeukira kuNharireyomurindi yaOctober 15, 1994, kana kuti kupeji 162 mubhuku raKurarama Nokusingaperi, uye kurukura magwaro acho nemifanikiso. Gadzirira imwe shanyo yedzokerero, une murangariro wokutanga fundo yeBhaibheri.
5 Kana uchida kupa imwe tsananguro pamusoro pomurangariro wechiKristu wehondo pakati pamarudzi, ungada kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vamwe vanodavira kuti kurwa ndiyo nzira bedzi yokupedza nayo magakava. Imi munorangarira sei pamusoro paikoko? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vagare pamwe chete murugare. [Rava VaRoma 12:17, 18.] Ikoko kuchaitika chaizvoizvo munyika yose mukutonga kwoUmambo hwaMwari.” Nongedzera kubhurocha raMwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, mapeji 25-6. Karakadza kudzokera kuzotsanangura chikonzero nei Jesu akatidzidzisa kunyengeterera ‘kuda kwaMwari kuitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga.’—Mat. 6:10.
6 Ngomwa yeEtiopia yakabvuma kusagona kwayo kunzwisisa pasina mumwe munhu wokuitungamirira. (Mabasa 8:31) Firipo nenzira yorudo akaipa betsero iyo yaida. Tinogona kuratidza rudo rwedu rwechokwadi kuvamwe kupfurikidza nokuvabetsera munzira imwe cheteyo.