RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/94 p. 1
  • Zvino Yava Nguva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvino Yava Nguva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaitei Kuti Ndizadzise Zvinangwa Zvangu?
    Mukai!—2011
  • Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • 12 Zvinangwa
    Mukai!—2018
  • Ndingazadzisa Sei Zvinangwa Zvangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 10/94 p. 1

Zvino Yava Nguva

1 Apo muapostora Pauro akanyora tsamba yake yechipiri kuvaKorinte, akavayeuchidza kuti vakanga vasarudza kuita basa rakaisvonaka rokubetsera vatendi biyavo muJerusarema. Zvisinei, gore rakanga rapfuura, uye vakanga vachigere kupedza basa rakanga ratangwa. Naizvozvo akavakurudzira, kuti: “Pfuurirai uye ipedzei: ivai vanodisa kupedza gadziriro yacho sezvamakanga makaita kuti muigamuchire.”—2 VaK. 8:11, The New English Bible.

2 Pane imwe nguva, tose zvedu takazvigadzira timene nharidzano. Tingave takasarudza kuwedzera goverano yedu muushumiri hwomumunda, kusvika pakuziva hama dzedu zviri nani, kukwanirisa nokuda kweropafadzo yebasa, kana kuti kukurira utera hwakati. Kunyange zvedu takatanga nevavariro dzakanaka, tingave tisina kuita chinhu kuti tisvike nharidzano yedu. Tisati taziva, vhiki, mwedzi, kana kuti kunyange makore angave akapfuura pasina kuita kwedu fambiro mberi ipi neipi. Kungagona kuva here kuti tinofanira kushandisa kwatiri timene zano rokuti “pfuurirai uye ipedzei” chatakatanga?

3 Kusvika Nharidzano Dzedu: Kuri nyore kuita chisarudzo chomunhu oga asi kwakaoma zvikuru kuita chisarudzo ichocho. Kusundira mberi kunogona kudzivisa fambiro mberi ipi neipi. Tinofanira kusarudza uye ipapo kutsunga kupfuurira mberi pasina nonozeko. Kurongeka kwomunhu oga kuri madikanwa. Kunokosha kuisa parutivi nguva inodikanwa kuita kuti basa racho riitwe nokuva nechokwadi chokuti nguva inoshandiswa nokuda kwechinangwa ichocho. Ipfungwa yakanaka kugadza nguva yokupedza uye ipapo kushandisa kuzviranga kuva nechokwadi chokuti inosvikwa.

4 Apo tinokundikana kusvika nharidzano dzedu, kuri nyore kurangarira kuti: ‘Ndichaisvika gare gare.’ Asika hatizivi chichaitika munguva yemberi. Zvirevo 27:1 inoti: “Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.” Mudzidzi Jakobho akanyevera nezvekusanyanya kuvimba pamusoro penguva yemberi nemhaka yokuti “[hamuzivi chichava upenyu hwenyu mangwana. . . . (NW)] Uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye une zvivi.”—Jak. 4:13-17.

5 Tine zvinotsausa zvizhinji kwazvo pamwe chete neizvo vamwe vanoda kuti tiite, nharidzano dzedu dzinogona kusatana kudzikatidzwa. Nhamburiko ine mufungo inodikanwa kudzichengeta dziri itsva mundangariro. Kuchengeta nhau yacho muminyengetero yedu kunobetsera. Kukumbira vamwe vari pedyo nesu kutiyeuchidza nokutikurudzira kungaita musiyano. Kunyora pakarenda yedu kuchabatira sechiyeuchidzo chokunzvera fambiro mberi yedu. Munhu anofanira kusarudza kuti a“ite sezvaakafunga pamwoyo.”—2 VaK. 9:7.

6 Mwedzi waOctober unogovera mukana wakaisvonaka wokupa ngwariro panharidzano dzedu. Tichave tichigovera kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai! Kana kuzvinyoresa kusina kugamuchirwa, makopi maviri emagazini angagoverwa panzvimbo pako. Tingagona here kugadza nharidzano dzine mufungo dzinofanira kusvikwa? Zvakadini nokuedza kuwedzera kugovera kwedu magazini? Kusarudza kuita shanyo dzedzokerero dzakawanda uye kutanga fundo yeBhaibheri itsva kungagona kuva nharidzano dzine mufungo nokuda kwavazhinji.

7 Hakusati kuri kuchenjera kusundira mberi chiri chinokosha, sezvo “nyika [ino] inopfuura.” (1 Joh. 2:17) Ropafadzo chaidzo nezvikomborero mubasa raJehovha zvinowanika kwatiri zvino. Kuri kwatiri kuzvishandisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe