RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/94 p. 11
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 8/94 p. 11

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera amapeji 32 ringashandiswa nokuda kwe$2,30 rimwe: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya Upenyu Pasi pano Nokusingaperi!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, uye Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana? September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00. (Chinyorwa chiduku: $12,00.) October: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi naMukai! kwegore rimwe pa$38,00 kumwe kana kuti $19,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! yeShona inoita $19,00 kwegore). November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$8,00. CHEREKEDZAI: Ungano dzichigere kuodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita saizvozvo paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera. Tapota odhai magazini omuraudzo anodikanwa okugovera muna October.

◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya 1995 neodha yadzo yamabhuku yaSeptember. Karenda dzichawanika muChicheŵa, chiNgezi, chiPutukezi, Shona neZulu.

◼ Ungano imwe neimwe ichagamuchira mafomu matatu Okuverengwa Kwamabhuku (S-18). Munyori weungano anofanira kusangana nomubatiri wamabhuku pamavambo muna August ndokutsaura musi wokuverengwa kwamabhuku ari mudura reungano pamugumo pomwedzi wacho. Kuverengwa chaiko kunofanira kuitwa kwamabhuku ose ari mudura, uye hwerengedzo dzinofanira kupinzwa pafomu reS-18. Hwerengedzo yamagazini aripo inogona kuwanwa kumubatiri wamagazini. Tapota tumirai rokutanga kuSosaiti pasati pari pashure paSeptember 6. Chengetai rechipiri nokuda kwemipakwa yenyu. Kopi yechitatu ingashandiswa sepepa rokushandira. Kuverenga kunofanira kutarisirwa nomunyori, uye fomu rakazadzwa rinofanira kunzverwa nomutariri anotungamirira. Munyori nomutariri anotungamirira vachasaina fomu racho.

◼ Vaparidzi vanoronga kuvamba basa roupiyona hwenguva dzose pana September 1, 1994, vanofanira kukumbira pasina kunonoka.

◼ Munyori weungano achaunganidza mishumo yebasa kuti apinze pafomu Romushumo Wokukamuranisa Ungano (S-10). Achasanorayiridzawo mukuru upi noupi kana kuti mubatiri anoshumira angave achibetsera kuunganidza mushumo wacho. Ikoku kuchavimbisa kurongwa kwakarurama kwamashoko anodikanwa anobva pamakadhi eChinyorwa Chomuparidzi Weungano (S-21). Fomu Romushumo Wokukamuranisa Ungano (S-10) rinofanira kuzadzwa nenzira yakarurama neyakatsvinda uye ndokusanonzverwa nedare rebasa.

◼ Zvikoro zvichavharwa kubva pana August 4 kusvikira kuna September 6. Vaparidzi vakabhapatidzwa vanopinda chikoro vanogona kuronga kuita upiyona hwebetsero mukati menhambo iyoyi kana kuti vaparidzi vasina kubhapatidzwa vanogona kuwedzera basa ravo. Tinokurudzira vabereki kukurukura ikoku navana vavo.

◼ Zvinyorwa Zvitsva Zvinowanika:

ChiNgezi: Mavhoriyamu eWatchtower neAwake! a 1993.

◼ Zvinowanika Zvakare muZimbabwe:

Magazine File Case; Sing Praises to Jehovah (arubhamu ine makaseti masere).

◼ MaAudiocassette Matsva Anowanika:

ChiNgezi: Munhu Mukurusa Ati Amborarama (makaseti masere muarubhamu. $142,00 nokuda kwavaparidzi; $114,00 nokuda kwamapiyona).

◼ MaVideocassette Matsva Anowanika:

ChiNgezi: The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book ($100,00 nokuda kwavaparidzi; $82,00 nokuda kwamapiyona).

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe