Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maMay: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi nokuda kwe$27,50 nokuda kwegore rimwe kana kuti $13,75 nokuda kwemwedzi mitanhatu. June: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? kana kuti rimwe bhuku ripi neripi ramapeji 192 nokuda kwe$5,50. July: Mubatanidzwa wamabhukwana maviri api naapi amapeji 32 pamwe chete nebhukwana raMidzimu Isingaoneki nokuda kwe$2,00.
◼ Musati matanga gadziriro yokuvakwa kweHoro yoUmambo, vakuru vanofanira kuonana neDare Rokuvaka Romunharaunda nokuda kwenzvimbo yavo. Matare omunharaunda akagoverwa mashoko ayo anogona kubatsira ungano mukuita zvisarudzo zvokuchenjera. Kuchenjera kurangarira zvikarakadzo zvinogoverwa namatare omunharaunda musati matenga zvinhu zvakadai sezvigaro, zvinovhara madziro, kapeti, kana kuti chokudziyisa nechokuchengeta mhepo iri pamwero wakafanana. Nepo Sosaiti isingarumbidzi vagoveri vapi navapi, mashoko anogoveranwa naMatare Okuvaka Omunharaunda pamusoro pavagoveri avo vakagovera zvinhu zvakanaka kare nomutoo wakavimbika.
◼ Zororo reChikoro: Vadzidzi vachave vari pazororo kuvambira pana April 15 kusvikira kuna May 9. Vanofanira kukurudzirwa kuwedzera goverano yavo mubasa zvimwe nokuita upiyona hwebetsero kana kuti savaparidzi veungano.
◼ Mazororo: May 2 na 25 angagona kuva mabanza enguva yakawedzerwa mubasa romumunda.
◼ Dzimwe ungano hadzina “Odha Yavagoveri” yamagazini neSosaiti. Nokuda kwedzimwe, ikoku imhaka yokuti dzine chikwereti asi ungano zhinji dzakapedza mungava wacho. Kana makapedza kuripira mungava wenyu, tapota itai odha yenyu yamagazini nehofisi yedu kuti mugogamuchira magazini okushandisa mubasa nepafundo yeNharireyomurindi. Kana odha yenyu yazvino ichikusiyai musina magazini ebasa, munogona here kuronga kuwedzera mugove wenyu kuti muve namagazini okushandisa mumunda?—wCA94 1/1, peji 24, ndima 17-22.
◼ Sosaiti iri kutsikirira zvino bhurocha mumutauro weChitonga rine nziyo 29 dzinobva mubhuku renziyo, Imbirai Jehovha Rumbidzo. Ungano dzipi nedzipi dzinofarira ichi chinyorwa nokuda kwezvinoitika zvenhandaro kana kuti nokuda kwokushandisa pamisangano umo nziyo dzakarongwa dzinowanika mubhurocha racho dzinofanira kuita odha dzadzo. Tapota odhai bedzi zvamunoda.
◼ Mabhuku Anowanika: Tine mudura maYearbook a 1993 na 1994. Iwaya ane nhauro dzinofadza dzebasa reZvapupu zvaJehovha kupote nyika yose. Izvi zvinhu Zvomudura Zvinodzorwa zvinofanira kuitwa kuti zviwanike kuvanhu vanofarira. Tapota odhai zvinowirirana.
◼ Makaseti eChinoitika Anowanika: ChiNgezi: Doing God’s Will with Zeal; Preserving Life in Time of Famine; Jehovah’s Judgement Against Law-Defying People; Beware of Losing Faith by Drawing Away From God; Jehovah Delivers Those Calling Upon His Name; Jehovah’s Name to be Declared in all the Earth. Shona: Jehovha Anonunura Avo Vanodana Pazita Rake. Makaseti zvinhu Zvomudura Zvinodzorwa.