Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?
Chengeta aya mashoko apo unogona kuawana nokukurumidza sezvaanodikanwa
1 Hapana munhu anofunga zvikuru pamusoro pebviro yokuva muchipatara nhasi kana kuti mangwana. Zvisinei, ‘nguva nechinoitika chisingadeyi kuonwa zvinotiwira tose.’ (Mup. 9:11) Kunyange kana usingagamuchiri kurapwa sechimiro chaunoda chokutarisirwa kwoutano, chii chauchaita kuti uzvidzivirire umene pakuisirwa ropa kusingadikanwi kana tsaona ikakusiya usingazivi chinhu uye unomhanyiswa kuchipatara? Hungu, tsaona kana kuti mugariro woutano unoipa kamwe kamwe zvinogona kukuita kuti utarisane kamwe kamwe nedenho kukutenda kwako.
2 Kana ukazviwana umene uri muchipatara nokuda kwechikonzero chipi nechipi, chii chauchaita kuti uchengete perero kana mumwe munhu ikoko akakuudza kuti uchafa pasina kuisirwa ropa? Uchakurumidza kugamuchira kuti uku kutaura kunomirira zvirokwazvo mugariro wako here? Unopwiswa zvizere kuti haudi ropa here? Wakagadzirira here kutarisana neiyi denho kukutenda kwako uye ‘kurega ropa’?—Mabasa 15:28, 29.
3 Kudzivisa nenzira inobudirira kuisirwa ropa kusingadikanwi, kunosvibisa mumudzimu kunotanga nokupwiswa kwakasimba. Kupwiswa kwakadaro kunofanira kuvakirwa pakunzwisiswa kwakajeka kweizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro peropa. Zvikasadaro, unogona kusatana kutyisidzirwa nomumwe munhu uyo anotaura kuti anoziva zvakawanda pamusoro pomugariro wacho kupfuura zvaunoita. Ungatsauswa kuti ufunge kuti zvimwe vanachiremba vanoziva zvakawanda pamusoro peropa kupfuura zvinoita Mwari here? Zvamazvirokwazvo, muiyi migariro uchada ku“chenjera kwazvo” kuti uite “zvakarurama” mumeso aJehovha, pasinei zvapo neizvo vanhuwo zvavo vangataura. (Dheut. 12:23-25) Asi unofanira kutarisana neiyi denho uri woga zvako here?—Mup. 4:10, 12.
4 Hospital Information Services neMatare Okubata Nechipatara: Kubatsira avo vanoda betsero apo vanenge vatarisana nechinetso chokuisirwa ropa, Sosaiti yakaronga Hospital Information Services muBrooklyn. Yakaumbawo Matare Okubata Nechipatara anopfuura 1 000 munyika yose. Matare iwaya akaumbwa navakuru vanopfuura 600 vakarovedzwa chaizvo nokuda kweiri basa.
5 Hospital Information Services inokwanisa kuita nzvero mumagazini ezvokurapa anopfuura 3 600 munyika yose kuti iwane mashoko pamusoro pokuwanika nokubudirira kwezvimiro zvakawanda zvokuvhiya nokurapa zvisina ropa. Ipapo inogovera Matare Okubata Nechipatara, zvipatara, uye vamwe vanachiremba mashoko pamusoro peidzi fambiro mberi dzokurapa. (Pane dzimwe nguva, Hospital Information Services yakatumira nyaya dzezvokurapa idzo dzinoratidza zvinogona kuitwa pasina ropa ndokupedza nenzira inobudirira bonderano inopfuurira pachipatara.) Inochengeta matare achiziva pamusoro pezvisarudzo zvakanaka zvedare izvo zvichabatsira vatongi mukutarira nhau dzedu nenzwisiso yakawedzerwa. Inochengetawo zvinyorwa pamusoro pavanachiremba vanobatira pamwe vanopfuura 45 000 zvokuti matare acho ane mipakwa inowirirana nomusi yokushandisa apo zvinetso zvokuisirwa ropa zvinomuka.
6 Hospital Information Services inotarisirawo kurovedzwa nebasa raMatare Okubata Nechipatara. Mumaguta umo ari, Matare Okubata Nechipatara nguva dzose anoita kurukurirano dzinorayiridza navashandi vapachipatara kuti vavandudze kuwirirana nawo. Anonzverawo vashandi kuti awane vanachiremba vapi navapi vokuwedzera avo vachatirapa vasingashandisi ropa. Idzi hama dzakagadzirira kukubetsera, asi pane nhano dzinokosha dzapachine nguva mberi dzaunofanira kuita kuvanzarika hwaro hwokuti dziite ikoko nenzira inobudirira zvikurusa.
7 Nhano Dzinokosha Dzapachine Nguva Mberi—Wati Wadziita Here? Kutanga, iva nechokwadi chokuti vose vari mumhuri vakazadza zvakakwana gwaro ravo romunhu oga remedical directive—rine musi, rakasainwa uye rakapupurirwa. Dzimwe hama dzinosvika pachipatara dziine gwaro risina musi uye/kana kuti risina kupupurirwa dzakaita kuti kushanda kwaro kudenhwe. Uye vana vedu vose vasina kubhapatidzwa vane makadhi avo ezivikanwo akazadzwa here? Kana vasina, mumugariro unoda betsero yokukurumidza unobatanidza mwana wako, vashandi vapachipatara vanoziva sei chimiro chako pamusoro peropa newokudana?
8 Ipapo iva nechokwadi chokuti vose vanoramba vane magwaro iwaya PANGUVA DZOSE. Nzvera ikoku navana vako vasati vaenda kuchikoro zuva rimwe nerimwe, hungu, kunyange vasati vaenda kunzvimbo yokutambira kana kuti nharaunda yenhandaro. Tose zvedu tinofanira kuva nechokwadi chokuti tine aya magwaro kubasa, apo tinenge tiri pazororo, kana kuti pakokorodzano yechiKristu. Musatongova musinawo!
9 Funga zvingagona kuitika kwauri kana ukafanira kusvika uri mumugariro wakakomba pakamuri romugariro unoda betsero yokukurumidza rechipatara, usingazivi chinhu uye/kana kuti usingakwanisi kuzvitaurira umene. Kana usina gwaro racho, uye pachigere kuva nehama yokunyama kana kuti mukuru pachipatara kuti vakutaurire, uye kunogumiswa kuti u‘noda ropa,’ zvimwe uchaisirwa ropa. Nenzira isingafadzi, ikoku kwakaitika kune vamwe. Asi apo tinenge tine gwaro racho, rinotitaurira, richitaura kuda kwedu.
10 Ndicho chikonzero nei gwaro rezvokurapwa riri nani kupfuura ngetani yezvokurapwa kana kuti nekiresi. Zvadudzwa pashure hazvitsananguri zvikonzero zvakavakirwa paBhaibheri zvechimiro chedu uye hazvina masiginicha anosimbisa zvinotaurwa. Chimwe chisarudzo chedare reCanada chakati pamusoro pegwaro reimwe hanzvadzi: “[Murwere] akasarudza munzira bedzi inobvira kuzivisa vanachiremba uye vamwe vagoveri vokutarisirwa kwoutano, kana akava asingazivi chinhu kana kuti zvimwe asingakwanisi kutaura zvido zvake, kuti haabvumi kuisirwa ropa.” Naizvozvo usatongova asinaro!
11 Sezvo medical directive yedu yakagadzirirwa zvikurukuru kubata nemigariro inoda betsero yokukurumidza, ipapo mukuvhiyiwa kwakasarudzwa kare ungava akachenjera kunyora directive yako yapachine nguva mberi yakaitwa kuti ive yomunhu oga, yakakwana zvikuru (yakavakirwa pamedical directive yedu) kuti ugogona kubatanidza zvinhu zvakananga, zvakadai sorudzi rwokuvhiya namazita avanachiremba nechipatara. Maruramiro ako kuita ikoku nokudaro ndokuva nechokwadi chokurapwa kwechisarudzo chako. Kunyange zvazvo iwe nachiremba mungasakarira zvinetso zvakakomba, tsanangura kuti directive iyoyi inofanira kuteverwa muchinoitika chezvinoitika zvipi nezvipi zvisingakarirwi.—Zvir. 22:3.
12 Nhano inokosha inotevera ndeyokutaura navashandi vokurapa vari madikanwa vauchafanira kubata navo mukurapwa kwakasarudzwa kare kana kuti zvimwe kwomugariro unoda betsero yokukurumidza. Unofanira kutaura kuna ani zvikurukuru?
13 Taura Kuvashandi Vokurapa: BOKA RAVARAPI: Iyi inguva apo kutya munhu kusingafaniri kukurira. (Zvir. 29:25) Kana uchiratidzika kuva asina chokwadi, mumwe munhu angasarudza kuti hausati uri wapachokwadi. Apo kuvhiya kunenge kuchidikanwa, kwakasarudzwa kare kana kuti kwomugariro unoda betsero yokukurumidza, iwe kana kuti mutezo wemhuri uri pedyosa unofanira kubvunza nokutsunga mibvunzo yakananga mutungamiriri weboka rokuvhiya. Mumwe mubvunzo unokosha ndewokuti, Boka racho richaremekedza zvido zvomurwere uye mumigariro yose kurapa pasina ropa here? Pasina iyi vimbiso ungasazova akasanodzivirirwa.
14 Taura nenzira yakajeka uye nokupwiswa kune chiremera zviri zvido zvako. Jekesa kuti unoda kumwe kurapwa kusina ropa kwechinetso chako. Kurukura nenzira yakaterama uye nenzira ine chivimbo zvose zviri zviviri advance medical directive yako umene uyewo fomu rokusunungura chipatara pakuva nemhaka. Kana muvhiyi asingadisi kushanda nezvido zvako, uchachengetedza nguva kana ukakumbira mutarisiri wechipatara kukuwanira mumwe chiremba. Irworwo rutivi rwebasa rake.
15 MUTINDIVADZI: Pavose vari muboka rokurapa vaunofanira kutaura kwavari kuvhiya kusati kwaitwa, HAUFANIRI KUKUNDIKANA KUTAURA KUNA UYU CHIREMBA. Ane mutoro wokukuchengeta uri mupenyu apo muvhiyi anenge achivhiya, mutindivadzi ndiye anoita zvisarudzo pamusoro penhau dzakadai sokushandiswa kweropa. Naizvozvo hauna kudzivirirwa zvizere kupfurikidza nokutaura kumuvhiyi chete. Nokudaro, unofanira kutaura nomutindivadzi ndokumupwisa pamusoro pechimiro chako, uchiwana kana chicharemekedzwa kana kuti kwete.—Enzanisa naRuka 18:3-5.
16 Muitiro wenguva dzose, kunoratidzika kudaro, ndewokuti mutindivadzi ashanyire murwere kwenguva pfupi nguva yati perei usiku kuvhiya kusati kwaitwa—kunyanyononoka kana achishora chimiro chako pamusoro peropa. Omerera kuti muvhiyi asarudze pachine nguva mberi mutindivadzi anobatira pamwe waunogona kutaura kwaari kuvhiya kwakasarudzwa kare kuchiri mberi zvikuru. Ipapo kuchava nenguva yokuwana mumwe kana wokutanga asingadisi kuwirirana nezvido zvako. Usarega munhu upi noupi achiedza kukunyengetedza kuti usave naaya maruramiro okugutswa nomutindivadzi wokuvhiyiwa kwako.
17 Kuna vose ivava, unofanira kujekesa chimiro chako chisingakurukuriranwi: ROPA KWETE. Kumbira kumwe kurapwa kusina ropa kwechirwere chako. (Alternative nonblood medical management.) Dudza zvinotsiva ropa zvipi nezvipi zvinozivikanwa nokuda kwomugariro wako. Kana boka ravarapi richirangarira kuti izvozvi hazvibetseri muchirwere chako, vakumbire kunzvera dzimwe bviro mumabhuku ezvokurapa. Vavimbise kuti unogona kuvawanira mashoko akati, kana vachida, kupfurikidza nokukumbira vakuru vako kuonana neDare Rokubata Nechipatara riri pedyosa.
18 Kushandisa Maruramiro Ako: Sanonzvera fomu rokusunungura pakuva nemhaka nefomu rokubvuma iro chipatara chinokukumbira kusaina pakupiwa mubhedha. Pane dzimwe nguva, pashure chaipo pokutaura kuti vacharemekedza zvido zvako, ndima inotevera ichazivisa kuti anosaina anobvuma kuti chipatara chinogona kushandisa kurapa “kunoponesa upenyu” apo vanosangana nezvinetso. Ikoko kungagona kubatanidza ropa. Une maruramiro okuchinja kutaura kwakadaro kupi nokupi kuti kusabatanidze ropa kana kuti kubva wakanzura. Vakoti vangaedza kukuudza kuti haugoni kuita ikoko, asi unogona! Tsanangura kuti fomu rakadaro chibvumirano navo uye kuti haugoni kusaina chibvumirano chausingabvumirani nacho. Kana munhu upi noupi akaedza kukumanikidza kuti usaine mukurwisana nokuda kwako, kumbira kutaura nomutarisiri uye/kana kuti mumiriri wavarwere wechipatara ichocho.
19 Unogona kuita zvinhu zvakadaro here? Hungu, unogona. Naizvozvo ziva maruramiro ako somurwere. Aya maruramiro avanhu haasiyiwi pasuo rapamberi apo unopinda muchipatara. Haufaniri kuarega kuti urapwe. Usarega munhu upi noupi achikuudza zvakasiyana.
20 Mamwe maruramiro akadaro anonzi maruramiro okubvuma kwokuziva, uko kunoreva kuti hapana kurapwa kworudzi rupi norupi kunogona kukupiwa pasina mvumo yako. Unogona kunyange kuramba kurapa kwose kana uchida. Kubvuma kwako kurapwa kunofanira kutevera kutsanangurwa kwakajeka kweizvo boka ravarapi rinoda kuita, kubatanidza ngozi dzose. Tevere, vanofanira kukuudza pamusoro pezvinotsiva zvipi nezvipi zvinowanika. Ipapo, pashure pokunge waziviswa, unosarudza kurapwa kwaunoda.
21 Kuti uve nechokwadi chezvauri kubvuma, UNOFANIRA kubvunza mibvunzo yakanaka pamusoro pechinhu chipi nechipi chausinganzwisisi, zvikurukuru apo mashoko akareba kana kuti mashoko ezvokurapa anoshandiswa navashandi vapachipatara. Somuenzaniso, kana chiremba akataura kuti angada kushandisa “plasma,” ungagona kugumisa usingazivi kuti ari kunongedzera ku“plasma volume expander,” asi handizvo. Usati wabvuma, bvunza, kuti: “Ndezvinoumba ropa here?” Pamusoro poupi noupi wemiitiro yake, bvunza, kuti: “Kurapa ikoko kunobatanidza kushandiswa kwezvine ropa here?” Kana akarondedzera chinhu chaangada kushandisa, bvunza, kuti: “Ropa rangu rinochengetwa panguva ipi neipi mukati mokushandiswa kweichi chinhu here?”
22 Asi chii chaunofanira kuita kana waita zvose zviri pamusoro apa uye pachingori pasina batira pamwe kana kuti kunyange kudzivisa kwakati kuchimiro chako? Usazengurira kukumbira betsero. Vamwe vakamirira nguva yakanyanyoreba kuti vawane betsero ndokuisa upenyu hwavo humene mungozi.
23 Betsero Inokosha Munguva Yokuida: Cherekedza muitiro unotevera wokuwana betsero inodikanwa: (1) Nokukurumidza apo iwe kana kuti mudiwa anotarisana nokuvhiyiwa kwakasarudzwa kare kana kuti zvimwe kwomugariro unoda betsero yokukurumidza uko kune bonderano nemhaka yokuti chipatara chinoda kushandisa ropa; kana kuti (2) kana mugariro wako wokurapwa kana kuti uyo womudiwa ukaipa zvakakomba; kana kuti (3) kana muchinoitika chomwana (kana kuti munhu akura), chiremba, mukoti, kana kuti mutarisiri anotaura kuti vari kundowana murayiro wedare, ipapo:
24 DANA VAKURU VENYU VOMUNZVIMBOMO kana usati watoita saizvozvo. (Zvamazvirokwazvo, nemhaka yechimiro chedu pamusoro peropa, inzira youchenjeri kuzivisa vakuru vedu nguva ipi neipi yatinofanira kuenda kuchipatara.) Tevere, kana kukarangarirwa kuva kuri madikanwa VAKURU VACHADANA DARE ROKUBATA NECHIPATARA RIRI PEDYOSA. Kana uchida, mimwe mitezo yeDare Rokubata Nechipatara ingauya kuchipatara panguva iyoyi kuti ikubetsere.—Isa. 32:1, 2.
25 Ava vakuru veDare Rokubata Nechipatara vanoziva avo vari vanachiremba vanobatira pamwe munharaunda yenyu uye vanogona kuita kuti uonane navo ndokutanga kuronga vamwe vanachiremba kana kuti zvipatara kuti vabatsire. Kana pasina vanowanika munzvimbomo, vakuru vachanzvera nedare rinotevera rapedyosa. Uye kana ikoko kukasabudirira, vacharidzira runhare Hospital Information Services muHarare. Vangakwanisawo kuronga kubvunza mumwe chiremba anobatira pamwe uyo anogona kutsanangura kuboka rako razvino ravarapi chinogona kuitwa pasina ropa. Hama dzeDare Rokubata Nechipatara dzakarovedzwa kutarisira migariro yakadaro.
26 Mitezo yeMatare Okubata Nechipatara inodisawo kubetsera iwe kana kuti hama yokunyama kutaura kuna chiremba kana kuti mutarisiri, asi unofanira kukumbira betsero iyoyo. Chokwadika, idzi hama hadzigoni kukuitira zvisarudzo, asi kazhinji kazhinji dzinogona kukubatsira mukurangarira murangariro weSosaiti wezvinhu ndokukuzivisa zvisarudzo zvako mune zvokurapwa uye mune zvemitemo.
27 Kana boka ravarapi richingori risingadi kubatira pamwe, taura kumutarisiri wechipatara pamusoro pokuvatsiva navamwe vari muvashandi vake avo vacharemekedza zvido zvako. Kana mutarisiri achizengurira kuita ikoko uye kana BEDZI une chaizvoizvo mumwe muvhiyi akarongwa kune imwe nzvimbo uye uchigona kuchinjwa, ipapo une chisarudzo chokupa mutarisiri kutaura kwakanyorwa kune musi uye kwakasainwa uchidudza vanachiremba vasingabatiri pamwe uye uchitaura kuti vabviswa munhau yako.
28 Unogona kuita ikoko here? Hungu, une maruramiro iwayo. Uye kana nhau yacho ikauya gare gare pamberi pomutongi, kutaura kwako kwakanyorwa kunogona kubetsera zvikuru kuziva kwake zvido zvako. Kunogonawo sezvinobvira kuzarura nzira mumutemo yokuti vamwe vavhiyi vapindire zvino ndokupa betsero dzavo kwauri. Uye, chinokosha zvikurusa, kunogona kukuwanira ngwariro yokurapwa inodikanwa mugariro wako usati waipa nenzira ine ngozi. Usamira kwenguva yakanyanyoreba!
29 Nepo tisingagoni kuudza munhu upi noupi kuwana inishuwarenzi youtano, tinofanira kukuzivisai kuti tinowanzova nezvinetso zvakakomba kuwana chiremba anobatira pamwe kazhinji kazhinji kuti arape avo vasina inishuwarenzi yokurapwa yakakwana kana kuti ipi neipi.
30 Mibvunzo Yokuti Utaure Zvisizvo Yokungwarira: Unofanira kuziva kuti kune mimwe mibvunzo iyo vanachiremba navamwe vanobvunza iyo isingabvunzwi nguva dzose nevavariro yakanaka. Unobvunzwa kazhinji kazhinji zvikurusa navanachiremba (uye navamwe vatongi) ndouyu:
• “Ungasva hako wafa (kurega mwana wako achifa) kupfuura kugamuchira ‘kuisirwa ropa kunoponesa upenyu here’?”
31 Kana ukati hungu, ikoko kungava kwakarurama mupfungwa yorudzidziso. Asi mhinduro iyoyo kazhinji kazhinji inonzwisiswa zvisina kururama uye padzimwe nguva inotoparira zvisarudzo zvakaipa zvedare. Unofanira kuyeuka kuti hausati uri muushumiri muuyu mugariro. Panzvimbo pezvo, uri kutaura pamusoro pokurapa kunodikanwa. Nokudaro, unofanira kuchinjira kuvateereri vako, vokurapa kana kuti vomutemo.—Pis. 39:1; VaK. 4:5, 6.
32 Kuna chiremba, mutongi, kana kuti mutarisiri wechipatara, “hungu” anogona kureva kuti unoda kuva mufiri kutendeka kana kuti unoda kubayira mwana wako nokuda kwokutenda kwako. Kuvaudza pamusoro pokutenda kwako rumuko kwakasimba muuyu mugariro kazhinji kazhinji hakusati kuchizobetsera. Vachati uri munyanyisi worudzidziso, asingakwanisi kuita zvisarudzo zvine mufungo apo upenyu hunenge hwava mungozi. Muchinoitika chavana, vachakuona somubereki anoregeredza uyo anoramba kunonzi kurapa “kunoponesa upenyu.”
33 Asi HAUSATI uri kuramba kurapwa chaizvoizvo. Unongosiyana hako nachiremba pamusoro pokuti RUDZII rwokurapa. Ichi chimiro kazhinji kazhinji chichachinja nhau yose nokuda kwavo newe. Kunze kwezvo, kutsausa kuti vaite kuti kuratidzike sokunge ropa harina ngozi uye ndiko BEDZI kurapa “kunoponesa upenyu.” (Ona Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, mapeji 7-22.) Naizvozvo unofanira kujekesa zvikuru pfundo iroro. Unogona sei kukuita? Ungapindura, kuti:
• “Handidi (handidi mwana wangu [kuti afe]) kufa. Kudai ndaida (ndaida mwana wangu [kuti afe]) kufa, ndingadai ndagara kumusha. Asi ndauya kuno kuti ndirapwe kuti (kuita kuti mwana wangu [ararame]) ndirarame. Chandinoda kumwe kurapwa kwechirwere changu (chomwana wangu). Kune zvinotsiva zvinowanika.”
34 Mimwe mibvunzo inoverengeka inobvunzwa kazhinji kazhinji navanachiremba kana kuti vatongi ndeiyi:
• “Chii chichaitika kwauri kana kuisira kukamanikidzirwa nomurayiro wedare? Uchava nomutoro here?”
• “Kugamuchira kana kuti kuita kuti kuisira kumanikidzirwe pauri kunokuparira kubudiswa murudzidziso rwako kana kuti kunyimwa upenyu husingagumi here? Ucharangarirwa sei neungano yako?”
35 Imwe hanzvadzi yakapindura mutongi kuti muchinoitika chakadaro iyo ingasava nomutoro nokuda kwezvaanenge asarudza. Nepo yakanga yakarurama mumurangariro mumwe, mutongi akakurangarira kuva kunoreva kuti sezvo iyo yaisazova nomutoro, ipapo iye aizova nomutoro nokuda kwayo. Akarayira kuisira.
36 Unofanira kunzwisisa kuti mukubvunza mibvunzo iyoyi, vamwe kazhinji kazhinji vari kutsvaka nzira yokunzvenga nayo kuramba kwako kugamuchira ropa. Usaipa kwavari nenzira yokusaziva! Naizvozvo tingadzivisa sei kunzwisisa kusina kururama ikoko? Ungagona kupindura, kuti:
• “Kana ropa rikamanikidzirwa pandiri munzira ipi neipi, kwaizova kumwe cheteko kwandiri nokubatwa chibharo. Ndaizotambura miuyo yomurangariro neyokumudzimu yedenho iyoyo isingadikanwi pandiri kwoupenyu hwangu hwose hwasara. Ndaizodzivisa nesimba rangu rose kushatiswa kwakadaro kwomuviri wangu pasina kubvuma kwangu. Ndaizoita nhamburiko iri yose kusungisa vadenhi vangu kungofanana nezvandaizongoita muchinoitika chokubatwa chibharo.”
37 Murangariro wakasimba, wakajeka unofanira kuitwa wokuti kuisira kwokumanikidzira kwatiri kushatiswa kunonyangadza kwemiviri yedu. Haisati iri nhauwo zvayo. Naizvozvo tsunga. Jekesa kuti unoda kumwe kurapa kusina ropa.
38 Chii Chauchaita Kuti Uve Akagadzirira? Tahwirudzura zvimwe zvinhu zvaunofanira kuita kuti uzvidzivirire umene nemhuri yako pakuisirwa ropa kusingadikanwi. Nokuda kwamashoko okuwedzera pamusoro pokutarisira zvinetso zvinomuka apo vacheche kana kuti vana vanotyisidzirwa nokuisirwa ropa, tapota tendeukira kuwedzero yechinyorwa chaSeptember 1992 choUshumiri Hwedu hwoUmambo, ine musoro, unoti: “Kudzivirira Vana Venyu Pakushandiswa Zvisina Kufanira Kweropa.” Taonawo izvo Sosaiti yakaita nenzira yorudo kutigovera betsero munguva yokuida. Chii chaunofanira kuita naaya mashoko kuti uve nechokwadi chokuti wakagadzirira kutarisana nomugariro wokurapwa unodenha kutenda?
Kutanga: Iva nekurukurirano yemhuri kuti muhwirudzure idzi nhau uye kuti muwane zvamuchataura nokuita, zvikurukuru mumugariro unoda betsero yokukurumidza.
Tevere: Ona kuti mune magwaro ose amunoda.
Ipapo: Iite nhau yomunyengetero wakakomba kuna Jehovha kuti akutsigirei mukusarudza kwenyu kwakasimba ‘kuramba muchirega ropa.’ Kuteerera mutemo wake pamusoro peropa kunotivimbisa nyasha dzake nokuda kwoupenyu husingagumi.—Mabasa 15:29; Zvir. 27:11, 12.
[Bhokisi riri papeji 5]
Kana mugariro wokurapwa upi noupi ukaipa zvakakomba kusvikira kupfundo apo kuisira kuri kutyisidzirwa, nzvera iri bhokisi pamusoro pezvaunofanira kuita:
1. Dana vakuru vari muungano yenyu kuti vakubatsire.
2. Ita kuti vakuru vadane Dare Rokubata Nechipatara riri pedyosa, kana richidikanwa.
3. Dare Rokubata Nechipatara rinogona kukubatsira mukutaura kuna vanachiremba navamwe.
4. Dare Rokubata Nechipatara rinogona kukubetsera kuonana navamwe vanachiremba nokuda kwokubvunza vavhiyi varipo pamusoro pezvinotsiva.
5. Dare Rokubata Nechipatara rinogonawo kukubetsera kuchinjirwa kunzvimbo inoremekedza zvikuru nokuda kwokurapa kunodikanwa.