RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w19 April pp. 26-30
  • Takawana ‘Parera Rinokosha Chaizvo’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takawana ‘Parera Rinokosha Chaizvo’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Varume Navadzimai Vanotaura Nomutoo Wakasiana Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—1994
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Zvitsuwa Zvizhinji Ngazvifare”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Rakanaka
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
w19 April pp. 26-30
Winston naPamela Payne, vachiri vadiki, vakagara padombo pedyo negungwa

NYAYA YEUPENYU

Takawana ‘Parera Rinokosha Chaizvo’

Yakataurwa naWinston naPamela Payne

WINSTON naPamela Payne vanoshumira paBheteri reAustralasia. Vararama upenyu hunofadza vari pamwe chete, asi vakasanganawo nematambudziko akadai sekuomerwa nekujairana nedzimwe tsika, uye kutsungirira kufirwa nemwana asati aberekwa. Pasinei nezvese izvi, vanoramba vachida Jehovha nevanhu vake uye vanonakidzwa neushumiri. Pakukurukura kwatakaita navo, takavakumbira kuti vatiudze nezveupenyu hwavo.

Hama Payne, mungatiudzawo here nezvekutsvaga Mwari kwamakaita?

Ndakakurira papurazi muQueensland, Australia, uye mhuri yedu yaisaita zvechitendero. Sezvo takakurira kwedu tega, ndaingozivana nehama dzangu chete. Ndakatanga kutsvaga Mwari ndiine makore 12. Ndakanyengetera kwaari ndichikumbira kuziva chokwadi nezvake. Ndakazobva papurazi ndikawana basa kuAdelaide, South Australia. Pandakanga ndava nemakore 21, ndakasangana naPamela ndiri pazororo kuSydney uye akandiudza nezvechitendero chinonzi British-Israel icho chinoti vanhu vekuBritain vakabva kumadzinza aIsraeri anonzi akarasika. Vanhu vechitendero chacho vanoti madzinza iwayo ndiwo madzinza gumi eumambo hwekumusoro hwaIsraeri akatapwa muna 740 B.C.E. Pandakadzokera kuAdelaide, ndakataura nyaya iyoyo nemumwe wandaishanda naye akanga atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Patainge tataura kwemaawa mashoma tichinyanya kutaura nezvedzidziso dzeZvapupu, ndakabva ndaziva kuti munyengetero wandakaita ndichiri mudiki wakanga wava kupindurwa. Ndakanga ndava kudzidza chokwadi nezveMusiki wangu uye Umambo hwake! Ndainge ndawana ‘parera rinokosha chaizvo.’—Mat. 13:45, 46.

Hanzvadzi Payne, makatangawo kutsvaga parera iri muchiri mudiki. Makazoriwana sei?

Ndakakurira mumhuri yaiita zvechitendero muguta reCoffs Harbour, New South Wales. Vabereki vangu nambuya nasekuru vakagamuchira dzidziso dzechitendero cheBritish-Israel. Ini nehanzvadzi yangu yaiva diki kwandiri nasisi vangu nedzimwe hama dzedu dzakawanda takakura tichidzidziswa kuti Mwari anofarira vanhu vane madzitateguru echiBritish. Asi ndaisabvumirana nedzidziso iyoyo uye ndainzwa ndiri kure naMwari. Pandakanga ndava nemakore 14, ndakapinda machechi akawanda kusanganisira Anglican, Baptist, uye Seventh-day Adventist. Asi haana kundibatsira kuziva Mwari.

Mhuri yedu yakazotamira kuSydney, kwandakaonana naWinston, uyo aiva pazororo ikoko. Sekutaura kwaaiita, kukurukura kwatakaita zvechitendero ndiko kwakazoita kuti adzidze neZvapupu. Kubvira ipapo, tsamba dzaaindinyorera dzainge dzakazara nemavhesi! Kutaura chokwadi, handina kumbozvifarira pakutanga uye ndaitogumburwa nazvo. Asi ndakatanga kuona kuti zvaainyora zvaiva nechokwadi.

Muna 1962, ndakatamira kuAdelaide kuti ndigare pedyo naWinston. Akanga aronga kuti ndigare neimwe mhuri yeZvapupu, Thomas naJanice Sloman, avo vaimbova mamishinari kuPapua New Guinea. Vakandibata zvakanaka chaizvo. Ndaingova nemakore 18 ipapo uye vakanyatsondibatsira kuti ndizive zvakawanda nezvaJehovha. Saka ndakatangawo kudzidza Shoko raMwari uye ndakabva ndangogutsikana kuti ndainge ndawana chokwadi. Ini naWinston patakachata, takabva tatotanga kurarama upenyu hunogutsa hwekushumira Jehovha, zvekuti pasinei nemiedzo yataisangana nayo, takakwanisa kuwedzera kukoshesa parera rakanaka chaizvo ratakanga tawana.

Hama Payne, tiudzeiwo nezvemakore enyu ekutanga mubasa raJehovha.

Mepu inoratidza nzvimbo dzaishanyirwa nemhuri yekwaPayne mubasa redunhu; zvitambi zvetsamba zvemune zvimwe zvitsuwa; chitsuwa cheFunafuti muTuvalu

A. Mepu inoratidza nzvimbo dzatakafamba tiri mubasa redunhu

B. Zvitambi zvaiiswa patsamba zvemune zvimwe zvitsuwa. Kare zvitsuwa zveKiribati neTuvalu zvaimbonzi zvitsuwa zveGilbert neEllice

C. Chitsuwa cheFunafuti chiri muTuvalu. Ichi ndechimwe chezvitsuwa zvakawanda zvatakashanyira kusati kwava nemamishinari

Tichangochata, Jehovha akativhurira suwo rekutanga ‘pamasuo makuru’ akawanda ekuwedzera basa redu. (1 VaK. 16:9) Rekutanga racho takariudzwa naHama Jack Porter, avo vakashanyira ungano yedu diki vari mutariri wedunhu. (Iye zvino tiri kushumira tese navo senhengo dzeDare reBazi reAustralasia.) Jack nemudzimai wake Roslyn vakatikurudzira kutora upiyona hwenguva dzese uye takanakidzwa chaizvo nekuita basa iri kwemakore mashanu. Pandakanga ndava nemakore 29 ini naPamela takakumbirwa kuti tiite basa redunhu pazvitsuwa zviri kuSouth Pacific, izvo zvaiva pasi pebazi rekuFiji. Zvitsuwa zvacho zvinoti: American Samoa, Samoa, Kiribati, Nauru, Niue, Tokelau, Tonga, Tuvalu, uye Vanuatu.

Mazuva iwayo, vanhu vemune zvimwe zvitsuwa zvaiva kure nezvimwe vakanga vasina kusununguka kuparidzirwa neZvapupu zvaJehovha, saka taifanira kungwarira. (Mat. 10:16) Ungano dzacho dzaiva diki uye dzimwe dzacho dzaitadza kutiwanira pekugara. Saka taitsvaga pekugara kuvanhu vemunharaunda dzacho uye vaigara vachitibatsira.

Hama Payne, munofarira chaizvo basa reshanduro. Zvakafamba sei kuti murifarire?

Winston Payne achiitisa chikoro chevakuru muSamoa

KuSamoa, ndichiitisa chikoro chevakuru

Patakatanga kushumira muTonga, hama dzepo dzaingova nematurakiti mashomanana netumabhuku mumutauro weTongan. Vaidzidza nevanhu muushumiri vachishandisa bhuku reChirungu raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Saka patakaita chikoro chevakuru kwemavhiki mana, vamwe vakuru avo vakanga vasinganyatsogoni Chirungu vakabvuma kushandura bhuku raZvokwadi vachiriisa mumutauro weTongan. Pamela ndiye ainyora mashoko acho uye takaatumira kubazi rekuUnited States kuti anoprindwa. Basa racho rese rekushandura rakatora mavhiki angasvika 8. Kunyange zvazvo shanduro yacho yakanga isina kunyatsonaka, bhuku racho rakabatsira vakawanda vaitaura chiTongan kuti vadzidze chokwadi. Ini naPamela hatisi vashanduri, asi zvatakaita ipapo zvakaita kuti tifarire basa iri chaizvo.

Nhai hanzvadzi Payne, mungatii nezveupenyu hwemuzvitsuwa kana muchihuenzanisa nehwekuAustralia?

Winston naPamela Payne vakamira pedyo nebhazi, mavaimbogara vachiita basa redunhu

Pamwe patakambogara tiri mubasa redunhu

Hwainge hwakasiyana chaizvo! Dzimwe nzvimbo dzaiva nemosikito, dzimwe dzaipisa chaizvo, kumwe tainetsana nemakonzo, kumwe tairwara uye dzimwe nguva taishaya zvekudya. Asi paipera zuva rimwe nerimwe, taizorodzwa chaizvo tichiona mvura yemunyanza takagara zvedu mukaimba kedu kaiva nedenga reuswa kasina madziro kanonzi fale. Mwedzi pawainge wakati ngwe-e usiku, miti yemakokonati yaioneka uye chiedza chemwedzi chaipenya pamusoro penyanza. Izvi zvaiita kuti tidzamise pfungwa tonyengetera uye taisazoramba tichifunga zvinhu zvaitidya mwoyo.

Takatanga kufarira vana uye tainakidzwa nezvavaiita, uye ivo vaishamiswa pavaitiona isu vachena. Pataiva pachitsuva cheNiue, kamwe kakomana kakapuruzira mvere dzemumaoko aWinston kakabva kati, “Ndinofarira manhenga enyu.” Zviri pachena kuti mwana uyu akanga asati amboona maoko ane mvere dzakadaro uye akashaya kuti ozviti chii.

Tairwadziwa chaizvo pataiona mararamiro aiita vanhu vakawanda. Vaigara munharaunda dzinoyevedza asi vakanga vasingawani zvakanyatsokwana panyaya dzekurapwa uye mvura yekunwa yainetsa. Asi hama dzedu dzakanga dzisinganetseki nazvo. Ndiwo aitova mararamiro avo. Vaigutsikana nekuva pamwe nemhuri dzavo, vaine pekunamatira uye vachikwanisa kurumbidza Jehovha. Mararamiro avo akatibatsira kuti tiise pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha, torega kuzviunganidzira zvinhu muupenyu.

Hanzvadzi Payne, dzimwe nguva maichera mvura uye maibika mega asi maitiro acho ainge akasiyana neekuAustralia. Maizviita sei?

MuTonga, Pamela achiwacha mbatya mubhavhu uye mubhaketi

KuTonga, Pamela achiwacha

Ndinotenda baba vangu nekundidzidzisa kwavakaita. Vakandidzidzisa zvakawanda, zvakadai sekubatidza moto nekubika nawo uye kurarama nezvinenge zviripo. Pane imwe nguva patakashanyira kuKiribati, takagara mune kamwe kaimba kaiva nedenga reuswa, kaine madziro emashenjere. Kuti ndibike, ndaibatidza moto mugomba randainge ndakachera uye makoko emakokonati ndiwo aiva huni dzacho. Ndaienda kunochera mvura kutsime nemamwe madzimai. Kuti vachere mvura yacho, vaishandisa chimuti chainge chakareba mamita maviri, chiine tambo nhete yakasungirirwa kumucheto chichiita sechirauro. Zvaizosiyana nechirauro pakuti kumucheto kwetambo yacho vaisungirira gaba. Kana chijana chemumwe chasvika, aibva akanda tambo yake, obva abhendesa ruoko rwake panguva chaiyo. Gaba racho raibva rapidiguka rochera mvura. Ndaifunga kuti zvaiva nyore, asi pakazosvika chijana changu, vanhu vakaonerera. Ndakakanda tambo yangu kakawanda, asi gaba racho raingorovera pamusoro pemvura royangarara! Pavakanga vasisaseki, mumwe mukadzi akabva andibatsira. Vanhu veko vaigara vachitibatsira.

Mese muri vaviri maida basa renyu kuzvitsuwa izvi. Mungatiudzawo here zvamuchiri kunyanya kuyeuka zvakaitika muri ikoko?

Winston: Zvakatitorera nguva kuti tijairane nedzimwe tsika dzeko. Semuenzaniso, hama padzaitipa zvekudya, dzaiwanzotipa zvese zvadzinenge dziinazvo. Mazuva ekutanga takanga tisingazivi kuti taifanira kuvasiirawo. Saka taidya zvese zvavaitipa! Asi patakazozviziva, tainge tava kuvasiira. Pasinei nekumbovhiringa kwataiita, hama dzainzwisisa. Uye vaifara chaizvo pavaitiona papera mwedzi 6 kana kupfuura pataivashanyira tiri mubasa redunhu. Uyewo kare ikako, ndisu tega Zvapupu zvavaiziva zvaibva kune imwe nzvimbo.

Winston achitungamirira boka muushumiri, vese vari pamidhudhu, vari muushumiri pachitsuwa cheNiue

Pachitsuwa cheNiue, ndichibuda nevamwe muushumiri

Kushanyira kwataiita ungano kwaipa uchapupu kuvanhu vemunharaunda dzacho. Vagari vemo vakawanda vaifunga kuti hama dzemo dzainge dzakangozvitangirawo dzega chitendero ichi. Saka isu vanobva kumhiri kwemakungwa patakadzishanyira, vagari vemo vakaona kuti iri rinotova sangano chairo uye vakabayiwa mwoyo.

Pamela: Ndichiri kuyeukawo kuKiribati, kwaiva neungano yaiva nehama nehanzvadzi shomanana. Maingova nemukuru mumwe chete ainzi Itinikai Matera uye aiita zvese zvaaigona kuti atichengete. Rimwe zuva akauya kwatiri aine kabhasiketi kaiva nezai. Akati, “Ndakuigirai.” Kare ikako zvakanga zvisingawanzoitiki kupiwa zai rehuku. Izvi zvakatibata chaizvo.

Hanzvadzi Payne, pane imwe nguva makabva pamuviri. Chii chakakubatsirai kutsungirira?

Ndakava nepamuviri muna 1973 patakanga tiri kuSouth Pacific. Takabva tadzokera kuAustralia, kwatakarasikirwa nemwana wedu pashure pemwedzi 4. Winston akarwadziwawo chaizvo nekufa kwemwana wake. Nekufamba kwenguva, marwadzo andaiva nawo akadzikira, asi akaramba aripo kusvikira pakazobuda Nharireyomurindi yaApril 15, 2009. Pachikamu chakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” paiva nemubvunzo waiti: “Pane tariro here yokuti kana mwana achiri mudumbu akafa achazomutswa?” Nyaya yacho yakaita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha ndiye anoziva zvaachaita uye agara achiita zvakanaka. Sezvo aine rudo, achabvisa zvinhu zvese zvinotirwadza munyika ino yakaipa achishandisa Mwanakomana wake ‘kuputsa mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Joh. 3:8) Nyaya yacho yakatibatsirawo kuti tiwedzere kukoshesa “parera” ratiinaro sevanhu vaJehovha! Kuziva zvichaitwa neUmambo kwakatinyaradza chaizvo.

Patakarasikirwa nemwana wedu, takazotangazve basa renguva yakazara. Takamboshumira kwemwedzi yakati paBheteri reAustralia, tikazotangazve basa redunhu. Pashure pekushumira kwemakore 4 kumaruwa ekuNew South Wales neSydney, muna 1981 takanzi tinoshumira paBheteri reAustralia, sekudanwa kwaraiitwa kare ikako, uye ndipo patichiri nanhasi.

Hama Payne, kushanda kwamakamboita muzvitsuwa zviri kuSouth Pacific kwakakubatsirai here pakushumira kwamuri kuita senhengo yeDare Rebazi reAustralasia?

Ehe kwakandibatsira chaizvo. Australia yakakumbirwa kuti ione nezvebasa riri kuitwa muAmerican Samoa neSamoa. Uye bazi rekuNew Zealand rakabatanidzwa nereAustralia. Iye zvino ndima yebazi reAustralasia inosanganisira Australia, American Samoa neSamoa, zvitsuwa zveCook, New Zealand, Niue, Timor-Leste, Tokelau, neTonga uye ndakava neropafadzo yekushanyira zvitsuwa zvakawanda zvacho ndiri mumiririri wehofisi yebazi. Kushanda kwandakaita nehama nehanzvadzi idzodzo dzakatendeka muzvitsuwa izvi kuri kundibatsira chaizvo sezvo ndava kudzishumira ndiri paBheteri.

Winston naPamela Payne pabazi reAustralasia

Winston naPamela vari paBheteri reAustralasia

Ndinoda kupedzisa ndichiti ini naPameIa takanyatsozvionera kuti vanhu vakuru havasivo vega vanotsvaga Mwari. Vechidiki vanodawo ‘parera iroro rinokosha chaizvo’ kunyange kana vamwe vemumhuri vakasarifarira. (2 Madz. 5:2, 3; 2 Mak. 34:1-3) Kutaura chokwadi, Jehovha ndiMwari anoda kuti vanhu vese, vakuru nevadiki, vawane upenyu!

Ini naPamela patakatanga kutsvaga Mwari makore anodarika 50 apfuura, takanga tisingambozivi kuti zvichatisvitsa kupi. Zviri pachena kuti chokwadi cheUmambo iparera rinokosha chaizvo! Takashinga kuramba takabatisisa parera iri rinokosha!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe