RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 3 p. 3
  • Rufu Harunzvengeki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rufu Harunzvengeki
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vhidhiyo Inofanira Kufungisiswa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • “Madzidzisiro Aya Matsva!”
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 3 p. 3
Mapikicha emumwe mukadzi achiri mudiki, achiimba, akabata maruva, achichata, aine murume wake nemwanakomana wavo, aine murume wake vachembera, uye ari ega achembera

Rufu Harunzvengeki

NGATITII uri kuona firimu iri kuratidza upenyu hwemumwe muimbi waunofarira. Inotanga achiri mudiki, achidzidzira kuridza chimwe chiridzwa. Unozomuona ava kutoridza pane vanhu vakawanda, achienda kunyika dzakasiyana-siyana kusvikira ava kutozivikanwa pasi rese. Pasina nguva, anotanga kuratidzwa atochena musoro, uye panopera firimu racho, anobva afa.

Mafirimu akadai anoratidza zvinhu zvinotoitika muupenyu. Hazvinei nekuti munhu wacho aiva muimbi, shasha yekumhanya, kana zvimwewo, rufu runongomubata. Munhu wacho anogona kunge akaita zvinhu zvakawanda muupenyu, asi dai pasina kuchembera nekufa, aigona kunge akatoita zvimwe zvakawanda.

Rufu runorwadza, asi hapana anogona kurunzvenga. (Muparidzi 9:5) Tingaedza zvese zvatinogona, asi tinongokwegura, uye tinofa. Upenyu hwedu hunogonawo kungodimburirwa panzira netsaona kana kuti nekurwara. Sezvinotaurwa neBhaibheri, tiri “mhute inooneka nguva pfupi yobva yanyangarika.”​—Jakobho 4:14.

Vamwe vanoshaya kuti chatinomboraramira chii, saka upenyu hwavo ndehwekungoti “ngatidye, ngatinwe, nekuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Vanhu vane mafungiro akadai vanoziva kuti vanogona kungofa chero nguva, uye havana tariro. Asi tese muupenyu, dzimwe nguva tinombosvika pakuzvibvunza kuti: ‘Munhu akafa zvatopera here?’ Tingawanepi mhinduro?

Vakawanda vanovimba nenyanzvi dzesainzi. Ongororo dziri kuitwa uye mishonga iri kugadzirwa zviri kubatsira kuti vanhu vamboti raramei. Uye dzimwe nyanzvi dzesainzi dziri kutsvaga dzimwe nzira dzekuti vanhu vatorarama upenyu hwakareba. Pasinei nezvavachawana, mibvunzo inotevera inongoramba iripo: Nei tichikwegura uye tichifa? Pane tariro here yekuti muvengi wedu rufu achakundwa? Munhu akafa zvatopera here? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe