Paunonzwa Sekuti Hauchagoni Kutsungirira
Mumwe mukadzi wekuUnited States anonzi Sally,a akarasikirwa nezvinhu zvake zvese pakaitika dutu. Anoti: “Ndakaita mazuva akawanda ndichinzwa kuti handichakwanisi kutsungirira.”
Rimwe dambudziko nderekufirwa. Mumwe mukadzi wekuAustralia anonzi Janice, anoti: “Vana vangu vese vaviri pavakashaya, upenyu hwangu hwakaita sevhasi remaruva rapwanyika kuita mapisi mapisi. Ndakakumbira Mwari ndichiti: ‘Ini handichazvigoni! Chingondiregai hangu ndife ndizorore.’”
Kana wawakaroorana naye akatanga kudanana nemumwe munhu unorwadziwa chaizvo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Daniel. Anoti: “Mudzimai wangu paakandiudza kuti anga achidanana nemumwe murume, ndakanzwa sendabayiwa nebanga pamwoyo. Zvairamba zvichindirwadza uye zvakatora mwedzi yakawanda.”
Magazini ino icharatidza kuti pane chikonzero chekuti urarame kunyange kana
Pakaitika njodzi
Ukafirwa
Wawakaroorana naye akadanana nemumwe munhu
Uchirwara zvakanyanya
Ukagumirwa neupenyu
Iye zvino, ngatitangei nekuona zvatingaita kana pakaitika njodzi?
a Mamwe mazita ari mumagazini ino akachinjwa.