RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w18 December p. 8
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Paradhiso—Uchavamo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
w18 December p. 8
Muapostora Pauro

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvinorevei kuti muapostora Pauro ‘akatorwa akaendeswa kudenga rechitatu’ uye “kuparadhiso”?—2 VaK. 12:2-4.

Pana 2 VaKorinde 12:2, 3, Pauro anotaura nezvemumwe murume ‘akatorwa akaendeswa kudenga rechitatu.’ Murume wacho aiva ani? Achinyorera ungano yeKorinde, Pauro akasimbisa kuti Mwari aimushandisa semuapostora. (2 VaK. 11:5, 23) Akabva azotaura ‘nezvezvakaratidzwa uye zvakazarurwa naShe.’ Pauro paaitaura mashoko aya haana kutaura nezvedzimwe hama. Saka zviri pachena kuti aitaura nezvake pachake paakataura nezvemurume akaona zviratidzo uye zvakazarurwa.—2 VaK. 12:1, 5.

Saka Pauro ndiye ‘akatorwa akaendeswa kudenga rechitatu’ uye “akatorwa akaendeswa kuparadhiso.” (2 VaK. 12:2-4) Akashandisa shoko rekuti “zvakazarurwa,” iro rinoratidza kuti akaudzwa zvichaitika mune ramangwana.

Chii chakaonekwa naPauro chiri kunzi “denga rechitatu”?

MuBhaibheri, “denga” rinogona kureva denga ratinoona. (Gen. 11:4; 27:28; Mat. 6:26) Asi shoko rekuti “denga” rinoshandiswawo kureva zvimwe. Pamwe pacho rinoreva utongi hwevanhu. (Dhan. 4:20-22) Kana kuti rinogona kureva utongi hwaMwari, semuenzaniso kutonga kwaanoita achishandisa Umambo hwake.—Zvak. 21:1.

Pauro paakati akaona “denga rechitatu” airevei? Kakawanda Bhaibheri rinodzokorora chimwe chinhu katatu richisimbisa zviri kutaurwa. (Isa. 6:3; Ezek. 21:27; Zvak. 4:8) Zvinoita sekuti paaitaura ‘nezvedenga rechitatu,’ Pauro aisimbisa kukwirira kweutongi hwacho, kureva Umambo hwaMesiya hunenge huchitungamirirwa naJesu Kristu nevamwe 144 000 vaachatonga navo. (Ona Insight on the Scriptures, Vol. 1, peji 1059, 1062.) Sezvakanyorwa nemuapostora Petro, takamirira “matenga matsva” maererano nezvakavimbiswa naMwari.—2 Pet. 3:13.

Ko Pauro paakataura ‘nezveparadhiso’ airevei?

Shoko rekuti “paradhiso” rinogonawo kureva zvinhu zvakasiyana-siyana: (1) Tichifunga nezvemusha wevanhu wepakutanga, “paradhiso” inogona kureva Paradhiso yepasi pano iri kuuya. (2) Inogona kureva paradhiso yekunamata ichava nevanhu vaMwari munyika itsva. (3) Inogonawo kureva upenyu hwakanaka hwekudenga, “paradhiso yaMwari” inotaurwa pana Zvakazarurwa 2:7.—Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2015, peji 8 ndima 8.

Pauro anogona kunge aitaura nezvezvinhu zvitatu izvozvo pana 2 VaKorinde 12:4 paaitaura zvakaitika kwaari.

Pfupiso yenyaya yacho:

“Denga rechitatu” rinotaurwa pana 2 VaKorinde 12:2 rinogona kunge richireva Umambo hwaMesiya hunoumbwa naJesu Kristu nevanhu 144 000, kureva “matenga matsva.”—2 Pet. 3:13.

Rinonzi “denga rechitatu” nekuti Umambo hwacho utongi hwakakwirira.

‘Paradhiso yakaendeswa’ Pauro pane zvaakaratidzwa inogona kunge ichireva (1) Paradhiso ichazova panyika pano (2) paradhiso yekunamata ichavapo panguva iyoyo, iyo ichange yakanaka chaizvo kupfuura iripo iye zvino, uye (3) “paradhiso yaMwari” yekudenga.

Saka paradhiso ichasanganisira matenga matsva nenyika itsva. Uhwu huchava urongwa hutsva, hunobatanidza hurumende yeUmambo hwekudenga uye vanhu vachashumira Jehovha muparadhiso panyika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe