RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w18 March p. 13
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 47—2 VaKorinte
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
w18 March p. 13
Muapostora Pauro

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichidhirowa mifananidzo yemuapostora Pauro aine mhanza kana kuti aine bvudzi shoma?

Kutaura chokwadi, mazuva ano hapana munhu anonyatsoziva kuti Pauro ainge akaita sei. Mifananidzo yaPauro iri mumabhuku edu yakaita zvekudhirowewa uye haibvi pazvinhu zvinowanikwa nevanochera matongo.

Zvisinei, pane zvinoratidza kuti Pauro ainge akaita sei. Semuenzaniso, Zion’s Watch Tower yaMarch 1, 1902, yakataura chimwe chacho ichiti: “Panyaya yechitarisiko chaPauro: . . . Mubhuku rinonzi ‘Acts of Paul and Thecla,’ . . . iro rakanyorwa munenge muna A. D. 150, mune rondedzero yaPauro iyo inofanira kunge iri iyo yakanakisisa, uye yaigamuchirwa nevanhu. Mubhuku iroro anorondedzerwa ‘seane muviri mudiki, ane mhanza, ane mateya, akagwinya, ane tsiye dzinosangana; ane mhino refu.’”

Richitaura nezvebhuku iroro rekare, The Oxford Dictionary of the Christian Church (ra1997) rinoti: “Zvinobvira kuti bhuku rinonzi ‘Acts of Paul and Thecla’ rinzi rine zvinhu zvechokwadi zvaiitika kare.” Bhuku racho raikosheswa chaizvo kwemazana emakore pashure pekunge ranyorwa, zvekuti kuchiine zvinyorwa zvaro 80 zvechiGiriki, uyewo zvemimwe mitauro. Saka mifananidzo yedu inoenderana nerondedzero dzekare dzinoratidza zvainge zvakaita muapostora wacho.

Asi ziva kuti pane zvimwe zvinhu zvinokosha chaizvo kupfuura chitarisiko chaPauro. Kunyange paaiita ushumiri hwake, vamwe vatsoropodzi vakati Pauro “haana simba uye kutaura kwake kunozvidzika.” (2 VaK. 10:10) Asi hatifaniri kukanganwa kuti akava muKristu kuburikidza nechishamiso chakaitwa naJesu. Tinogonawo kufunga zvakaitwa naPauro ‘semudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita raJesu kune mamwe marudzi.’ (Mab. 9:3-5, 15; 22:6-8) Uye funga kubatsirwa kwatinoitwa nemabhuku eBhaibheri ayo Jehovha akafemera Pauro kunyora.

Muapostora Pauro

Pauro haana kuzvirumbidza pamusana pezvaakaita asati ava muKristu, uyewo haana kutaura nezvechitarisiko chake. (Mab. 26:4, 5; VaF. 3:4-6) Akati: “Ndiri muduku pavaapostora vose, uye handina kukodzera kunzi muapostora.” (1 VaK. 15:9) Akazonyora kuti: “Ndakaitirwa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa, ini munhu muduku kupfuura muduku pavatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu.” (VaEf. 3:8) Mashoko iwayo anotonyanya kukosha kupfuura kufunga kuti Pauro angangodaro aiva nechitarisiko chakaita sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe