“Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa.”—PISAREMA 139:16
Mwari Anokunzwisisa Here?
ZVATINODZIDZA KUBVA PAMASIKIRWO AKAITWA VANHU
Imbofunga nezvekushamisa kunoita mapatya anenge akafanana. Zvakawanda zvaanoita zvakafanana uye anowirirana chaizvo. Nancy Segal akazvarwa vari mapatya uye mukuru wesangano rinonzi Twin Studies Center. Anoti “mamwe mapatya anotonzwisisa zviri kurehwa nemumwe wake pasina tsanangudzo dzakawanda.” Mumwe mukadzi akazvarwawo vari mapatya anoti: “Tinonyatsozivana.”
Chii chinoita kuti mapatya akafanana apindirane zvakadai? Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kunyange zvazvo nzvimbo inokurira vana vacho uye marererwo avo zvichiita kuti vadaro, chinonyanya kuita kuti vadaro ndechekuti zvitori mavari kubvira pakuberekwa.
FUNGA IZVI: Sezvo Mwari ari iye akasika mapatya, anonyatsonzwisisa zvakaita mumwe nemumwe wedu. Ndosaka munyori wepisarema Dhavhidhi akazoti: “Makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu. Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri pandakaitwa pakavanda. . . . Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.” (Pisarema 139:13, 15, 16) Mwari ndiye chete anogona kuziva uye kunzwisisa zvatiri uye zvakaitika muupenyu hwedu zvakazoita kuti tive neunhu hwatiinahwo. Kuziva kunoita Mwari zvinhu izvi kunoita kuti tinyatsova nechokwadi chekuti anonyatsotinzwisisa.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI NEZVEUCHENJERI HWAMWARI
Dhavhidhi akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu. Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai! Haiwa Jehovha, imi munotoriziva rose.” (Pisarema 139:1, 2, 4) Jehovha anoziva manzwiro atinoita nechemukati uye “anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.” (1 Makoronike 28:9; 1 Samueri 16:6, 7) Mavhesi aya anotidzidzisei nezvaMwari?
Musiki wedu haangooni zvatinoita asi anonzwisisawo chinenge chichiita kuti tiite zvatinoita. Anonzwisisa izvi kunyange tikatadza kuzvitaura patinenge tichinyengetera. Anozivawo zvinhu zvakanaka zvatinoda kuita kunyange tikazotadza kuzviita. Sezvo ari iye akaisa rudo matiri, ane chido chekuona tichifunga uye kuita zvinhu zvinoratidza kuti tine rudo.—1 Johani 4:7-10.
Mwari anoona zvese. Anotozivawo zvinhu zvinotidya mwoyo kunyange zvazvo vamwe vanhu vangasazviziva kana kunyatsozvinzwisisa
Magwaro anotivimbisa kuti
“Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.”—1 PETRO 3:12.
Mwari anoti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”—PISAREMA 32:8.
MWARI ANE TSITSI
Kuziva kuti Mwari anonzwisisa zviri kuitika muupenyu hwedu kungatibatsira here pamatambudziko atinosangana nawo? Inzwa zvakaitika kuna Anna, wekuNigeria. Anoti, “Nezvaiitika muupenyu hwangu ndakatanga kuona sekuti hapana chikonzero chekurarama. Ndaiva chirikadzi uye mwanasikana wangu aiva muchipatara nekuti akabatwa chirwere chekuva nemvura yakawanda mumusoro (hydrocephalus). Panguva iyi ini ndakabatwa nekenza yezamu uye ndaifanira kuoparetwa. Zvakanga zvakandiomera kuti ini ndiri muchipatara ukuwo mwana ari muchipatara.”
Chii chakabatsira Anna kuti atsungirire? “Ndakafungisisa nezvemagwaro akadai saVaFiripi 4:6, 7, inoti ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.’ Pese pandaifunga nezverugwaro urwu, ndainyatsonzwa ndiri pedyo naJehovha, ndichiziva kuti anondinzwisisa kupfuura zvandinozviita. Ndakakurudzirwawo nehama nehanzvadzi dzandinonamata nadzo muungano yedu.
“Kunyange zvazvo ndichiri kunetseka neutano, ini nemwana wangu tava kunzwa zviri nani. Kutsigirwa naJehovha kuri kuita kuti tione kuti hatifaniri kuramba tichifunga nezvematambudziko edu. Jakobho 5:11 inotivimbisa kuti: ‘Tinoti vanofara vaya vakatsungirira. Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.’” Jehovha ainyatsonzwisisa dambudziko rakasangana naJobho, uye tine chokwadi chekuti anonzwisisawo matambudziko atinosangana nawo.