RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 June pp. 14-15
  • Usangotarisa Zvakaita Munhu Nechekunze

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usangotarisa Zvakaita Munhu Nechekunze
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 June pp. 14-15
Murume asina pekugara anonzi Peter

Usangotarisa Zvakaita Munhu Nechekunze

DON, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara muCanada, anoedza kutaura nevanhu vanogara mumigwagwa. Achitaura nezvemumwe wevanhu vakadaro, Don akati: “Mumwe murume ainzi Peter, uyo ainge asina pekugara, aiva mumwe wevarume vane utsvina hwandakanga ndisati ndamboona mumikoto. Aisemesa uye aigona chaizvo kuita kuti vanhu vasatambira pedyo naye. Vanhu vakawanda vaiedza kumubatsira asi airamba.” Kunyange zvakadaro, kwemakore anopfuura 14, Don akaramba achiedza kumubatsira nemwoyo murefu.

Don achiparidzira Peter mumukoto

Rimwe zuva Peter akabvunza Don kuti: “Unonetsekerei nezvangu? Vanhu vese vanongondisiya ndakadaro. Nei uine hanya neni?” Don akashandisa magwaro matatu neuchenjeri kuti aedze kusvika pamwoyo waPeter. Kutanga, akabvunza Peter kuti aiziva here kuti Mwari ane zita uye akamuti averenge Pisarema 83:18. Zvadaro, kuti amuratidze kuti nei aimuitira hanya, Don akati Peter averenge VaRoma 10:13, 14, iyo inotaura kuti “munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” Pakupedzisira, Don akaverenga Mateu 9:36 uye akaita kuti Peter azviverengerewo vhesi iyi. Vhesi yacho inoti: “Achiona mapoka evanhu [Jesu] akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” Achiyangarara misodzi mumaziso, Peter akabva abvunza Don kuti: “Ndiri mumwe wemakwai aya here?”

Peter akatanga kuchinja. Akageza, akachekerera ndebvu dzake zvakanaka, uye akapfeka hembe dzakanaka dzaakanga apiwa naDon. Peter akanga ava kugara akachena.

Peter aigara nebhuku raainyora zvaiitika muupenyu hwake. Zvaiva mumapeji ekutanga ebhuku racho zvaisiririsa uye zvairatidza kuti akanga asina tariro, asi zvaakanga ava kunyora kwekupedzisira zvainge zvasiyana. Pamwe pacho akanyora kuti: “Nhasi ndadzidza zita raMwari. Iye zvino pandinonyengetera, ndinogona kunyengetera kuna Jehovha. Zvinofadza kuziva zita rake. Don andiudza kuti Jehovha anogona kuva Shamwari yangu inogara iine nguva yekunditeerera pasinei nekuti inguvai kana kuti chii chandinoda kutaura.”

Mashoko aPeter ekupedzisira akaanyorera munin’ina wake nehanzvadzi yake. Akanyora kuti:

“Handisi kunzwa zvakanaka nhasi. Ndinofunga kuti ndazochembera manje. Asi kunyange zvazvo nhasi riri zuva rangu rekupedzisira, ndinoziva kuti ndichaonazve shamwari yangu [Don] muParadhiso. Kana muri kuverenga mashoko aya, handisisipo. Asi kana mukaona mumwe murume wamusingafungiri kuti angavapo parufu rwangu, taurai naye, uye verengai kabhuku kebhuruu aka [kureva kabhuku kanotsanangura Bhaibheri kaakanga apiwa makore akanga apfuura kanonzi “Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi”].a Kanotaura kuti ndichaonazve shamwari yangu muParadhiso. Ndinotenda izvi nemwoyo wangu wese. Ndini hama yenyu, Peter.”

Pashure pemariro acho, Ummi, hanzvadzi yaPeter akati: “Peter akataura neni anenge makore maviri apfuura. Kaiva kekutanga pashure pemakore akawanda kumuona achifara. Aitonyemwerera.” Ummi akaudza Don kuti: “Ndichaverenga kabhuku kacho nekuti chero chii zvacho chaikwanisa kusvika pamwoyo wehanzvadzi yangu chinofanira kunge chichikosha.” Akabvumawo kudzidza bhuku ratinoshandisa mazuva ano rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? nechimwe Chapupu chaJehovha.

Don anoenderera mberi nekuparidzira Peter, uyo akashambidzika uye akapfeka hembe dziri nani

Isuwo tinogona kusangotarisa zvakaita munhu nechekunze, tinogona kuratidza rudo rwechokwadi uye kuitira mwoyo murefu vanhu vemarudzi ese. (1 Tim. 2:3, 4) Kana tikadaro, tinogona kubatsira vanhu vakaita saPeter, avo vanogona kunge vasingaratidziki zvakanaka asi vaine mwoyo yakanaka. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari, uyo “anoona zvakaita mwoyo,” achaita kuti chokwadi chikure mumwoyo yevaya vanochida.—1 Sam. 16:7; Joh. 6:44.

a Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi hakachaprindwi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe