Zviri Mukati
VHIKI YAJULY 31, 2017–AUGUST 6, 2017
4 Jehovha Anotinyaradza Pakutambudzika Kwedu Kwose
Kunyange zvazvo tichisangana nemiedzo nematambudziko, Jehovha anotipa nyaradzo yatinoda. Nyaya ino inotaura zvinhu zvinokosha zvatingashandisa kuti tiwane nyaradzo iye zvino uye mune ramangwana.
VHIKI YAAUGUST 7-13, 2017
9 Isa Mwoyo Wako Papfuma Yekunamata
Nyaya ino ichatibatsira kushandisa chidzidzo chiri mumufananidzo waJesu wemutengesi aitsvaga maparera. Ichatibatsirawo kuongorora maonero atinoita chokwadi chatakadzidza uye ushumiri hunoponesa vanhu hunofanira kuitwa nevaKristu.
14 Usangotarisa Zvakaita Munhu Nechekunze
16 Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?
21 “Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe”
VHIKI YAAUGUST 14-20, 2017
22 Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Panyaya Inokosha
VHIKI YAAUGUST 21-27, 2017
27 Tsigira Uchangamire hwaJehovha!
Sezvo tichigara takabatikana, zviri nyore kuti tikanganwe kuti chii chinokosha. Nyaya dzino dzichatibatsira kunzwisisa kuti uchangamire hwaJehovha hunokosha zvakadini uye kuti tingahutsigira sei.