Zviri Mukati
VHIKI YAFEBRUARY 27, 2017–MARCH 5, 2017
7 “Vimba naJehovha Uite Zvakanaka”
Nyaya ino inoratidza kuti rugwaro rwedu rwegore rwa2017 ruchatikurudzira sei kuti tivimbe naJehovha kuti atibatsire patinosangana nematambudziko. Mienzaniso yevanhu vakatendeka vakararama kare ichatidzidzisa kuti tingavimba sei naJehovha kuti atitsigire ukuwo tichiedza kuita zvese zvatinogona kuti tigadzirise matambudziko edu uye kubatsirawo vamwe.
VHIKI YAMARCH 6-12, 2017
12 Koshesa Chipo Cherusununguko Rwekusarudza
Munyaya ino, tichadzidza kuti tingakoshesa sei chipo chatakapiwa naMwari cherusununguko rwekusarudza kuburikidza nekuchishandisa nenzira inomufadza. Ichatibatsirawo kuona kuti tingaremekedza sei mashandisiro anoita vamwe chipo ichi.
VHIKI YAMARCH 13-19, 2017
17 Nei Kuva Nemwero Kuchiri Kukosha?
VHIKI YAMARCH 20-26, 2017
22 Unogona Kuramba Uine Mwero Paunoedzwa
Nyaya idzi dzichatibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa chinonzi kuva nemwero. Nyaya yekutanga inotsanangura kuti kuva nemwero kunorevei uye kuti hakurevi chii. Nyaya yechipiri inotidzidzisa kuti tingaramba sei tiine mwero kunyange patinoedzwa.
VHIKI YAMARCH 27, 2017–APRIL 2, 2017
27 ‘Zvinhu Izvi Zvipe Varume Vakatendeka’
Nguva zvainenge ichifamba, hama dzakura dzinodzidzisa hama dzechidiki kuti dziite mamwe mabasa musangano raJehovha. Nyaya ino inoratidza kuti hama dzakura nehama dzechidiki dzingashanda sei pamwe chete kuti izvi zvibudirire.