RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 5 p. 6
  • Kune Ngirozi Dzakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kune Ngirozi Dzakaipa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Madhimoni Ariko Here Zvechokwadi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 5 p. 6
Ngirozi dzakaipa kana kuti madhimoni

NYAYA IRI PAKAVHA | NGIROZI​—DZIRIKO HERE? KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

Kune Ngirozi Dzakaipa Here?

Ehe, ngirozi dzakaipa dziriko. Dzakabvepi? Uchiri kuyeuka here kuti Mwari paakasika ngirozi akadzipa rusununguko rwekusarudza zvadzinoda? Imwe ngirozi haina kushandisa rusununguko rwayo zvakanaka uye yakabva yafurira Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari. (Genesisi 3:1-7; Zvakazarurwa 12:9) Bhaibheri haritauri kuti ngirozi iyi isati yapanduka yainzi ani uye kuti yaiita basa rei. Asi payakazopanduka, yakabva yazopiwa zita rekuti Satani, kureva kuti “Mudzivisi,” uye rekuti Dhiyabhorosi kureva kuti “Mucheri.”​—Mateu 4:8-11.

Chinosuwisa ndechekuti kupanduka uku hakuna kungogumira ipapo. Panguva yakararama Noa, pane ngirozi dzisingataurwi kuti dzaiva ngani “dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” kudenga. Dzakauya panyika dzikachinja miviri yadzo dzikaita sevanhu dzikabva dzatanga kurara nevakadzi, zvinhu zvadzaiva dzisina kusikirwa kuti dziite.​—Judha 6; Genesisi 6:1-4; 1 Petro 3:19, 20.

Chii chakazoitika kungirozi idzi dzakaipa? Mwari paakanayisa mvura kuti iparadze vanhu vakaipa, ngirozi idzi dzakabva dzachinja miviri dzikadzokera kudenga. Asi Mwari akadzirambidza kuti dzidzokere ‘kunzvimbo yadzo yepakutanga.’ Akabva adzivharira “murima gobvu [panyaya dzekunamata],” rinonzi Tatarosi. (Judha 6; 2 Petro 2:4) Ngirozi idzi dziri pasi paSatani Dhiyabhorosi, “mutongi wemadhimoni,” uyo “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.”​—Mateu 12:24; 2 VaKorinde 11:14.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naMesiya hwakatanga kutonga muna 1914 uye ihurumende iri kudenga.a Pahwakangotanga kutonga, Satani nemadhimoni ake vakabva vadzingwa kudenga vakakandirwa panyika. Zvinhu zvakaipa zviri kuitika uye unzenza hwazara zvinongoratidza kuipa kwakaita Satani nemadhimoni ake uye hasha dzavainadzo.—Zvakazarurwa 12:9-12.

Kuwedzera kuri kuita unzenza uye kurwisana kunoratidza kuti kwasara nguva pfupi kuti zvichipera. Satani nemadhimoni ake vachasungwa kwemakore 1 000. Kana makore aya akwana, vachapiwa kamukana kadiki kekupedzisira kekuedza vanhu uye vachazoparadzwa zvachose.​—Mateu 25:41; Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10.

a Kana uchida kunzwa zvakawanda nezveUmambo hwaMwari, verenga chitsauko 8 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Riripowo pawebsite yedu inonzi www.jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe