RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 1 p. 3
  • Kuverenga Bhaibheri Kwakanakirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuverenga Bhaibheri Kwakanakirei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?
    Mukai!—2001
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 1 p. 3
Mukadzi ari kutora Bhaibheri pasherufu

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Kuverenga Bhaibheri Kwakanakirei?

“Ndaifunga kuti Bhaibheri rakaoma kunzwisisa.”​—Jovy

“Ndaifunga kuti harinakidzi.”​—Queennie

“Pandaiona kukura kwaro, ndaibva ndashaya chido chekuriverenga.”​—Ezekiel

Wakamboda kuverenga Bhaibheri here asi uchibva warega nemhaka yezvikonzero zvataurwa pamusoro apa? Vakawanda vanoona sekuti kuverenga Bhaibheri kwakaoma. Asi ko kana ukaziva kuti kuriverenga kunogona kukubatsira kuti ufare uye worarama upenyu hune chinangwa? Ko kana ukaziva kuti pane zvimwe zvaunogona kuita kuti kuverenga kwacho kunakidze? Ungada here kumboriedza?

Verenga unzwe zvakataurwa nevamwe vakaona kubatsira kunoita Bhaibheri.

Ezekiel, ane makore ekuma20 anoti: “Kare ndaiita semunhu aingotyaira mota asi asingazivi kwaari kuenda. Asi kuverenga Bhaibheri kwandibatsira kuti ndirarame upenyu hune chinangwa. Rine mazano anobatsira andinogona kushandisa muupenyu.”

Frieda, anewo makore ekuma20, uye anoti: “Ndaidziya musoro. Asi kuverenga Bhaibheri kwandibatsira kuti ndizvidzore. Izvi zvakaita kuti ndikwanise kuwirirana nevamwe uye ndava neshamwari dzakawanda.”

Mumwe mukadzi ane makore ekuma50 anonzi Eunice anoti nezveBhaibheri, “Riri kundibatsira kusiya unhu hwakaipa hwandaiva nahwo, kuti ndive munhu akanaka.”

Kuverenga Bhaibheri kunogona kukubatsira kuti ufare muupenyu sezviri kuita mamiriyoni evanhu, kusanganisira vataurwa pamusoro apa. (Isaya 48:17, 18) Richakubatsira pazvinhu izvi: (1) kugona kusarudza zvekuita, (2) kuva neshamwari dzakanaka, (3) kuderedza kuzvidya mwoyo, uye chinonyanya kukosha (4) kuziva chokwadi pamusoro paMwari. Mazano ari muBhaibheri anobva kuna Mwari, saka ukaashandisa zvinhu zvichakufambira zvakanaka. Mwari haapi vanhu mazano asingashandi.

Chinokosha ndechokuti utange kuriverenga. Zvii zvaungaita kuti utange uye kuti uwedzere kunakidzwa nekuriverenga?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe