Zviri Mukati
VHIKI YAAUGUST 1-7, 2016
6 Ziva Kuti Jehovha Ndiye Muumbi Wedu
VHIKI YAAUGUST 8-14, 2016
11 Unobvumira Muumbi Mukuru Kuti Akuumbe Here?
Kuumba ibasa rinoda unyanzvi rinoitwa nemuumbi achishanda ari pedyo zvikuru neivhu raanenge achiumba. Munyaya mbiri idzi, tichaona kuti Jehovha anoshanda sei ‘seMuumbi wedu’ uye tichaonawo zvatingaita kuti tiite seivhu rakapfava riri mumaoko ake.
16 Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
VHIKI YAAUGUST 15-21, 2016
18 “Jehovha Mwari Wedu ndiJehovha Mumwe Chete”
Jehovha Mwari wedu “ndiJehovha mumwe chete” pakudii? Izvozvo zvinobatsira sei paukama hwedu naye uye nevatinonamata navo? Munyika yatiri kurarama ine vanhu vemarudzi netsika zvakasiyana-siyana, tinofanira kunzwisisa kuti Jehovha anoda kuti tiite sei kuti ave “Mwari wedu.”
VHIKI YAAUGUST 22-28, 2016
23 Usarega Zvikanganiso Zvevamwe Zvichikuvhiringidza Pakunamata
Vanhu vose vane zvavanokanganisa zvinogona kurwadzisa vamwe. Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inogona kutibatsira kunzwisisa kuti tingaita sei kana tikarwadziswa nemashoko kana kuti nezviito zvevamwe?