RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w16 April p. 32
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Zvidhindo Zvekare Zvaiva Zvakaita Sei?
    Dzimwe Nyaya
  • “Mweya Wacho Pachawo Unopupurirana Nemweya Wedu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mudzimu Wacho Unopupurirana Nomudzimu Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
w16 April p. 32

MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI

Chii chinonzi “chokumbofanobata” chinopiwa muKristu akazodzwa, uye “chisimbiso” chaanoiswa naMwari chii?​—2 VaK. 1:21, 22.

Munhu ari kudzvanyirira rin’i yechisimbiso padhaka riri pagwaro

Kare rin’i yechisimbiso yaidzvanyirirwa padhaka kana kuti pawax yozodhindiswa pagwaro

Chokumbofanobata: Maererano nerimwe bhuku, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chokumbofanobata” pana 2 VaKorinde 1:22, raishandiswa “pazvinhu zvine chekuita nemutemo uye mune zvekutengeserana,” richireva “chikamu chemari inotanga kubviswa nemunhu achitenga kana kuti kubhadhara chimwe chinhu. Mari iyi inonziwo dhipoziti. Pamutemo, kana munhu achinge abhadhara mari iyi yedhipoziti, chinhu chaanenge achitenga chinenge chava kutonzi ndechake. Mari iyi inoitawo kuti chibvumirano chinenge chaitwa chitange kushanda.” Saka kana vari vaKristu vakazodzwa vakapiwa chokumbofanobata chemubayiro wavachawana. Asi mubhadharo wacho wese wavanowana kana kuti mubayiro wavo ndiwo unotaurwa pana 2 VaKorinde 5:1-5 uchinzi unosanganisira kupfekedzwa muviri usingaori wekudenga. Mubayiro uyu unosanganisirawo kupiwa chipo chekusafa.​—1 VaK. 15:48-54.

Mazuva ano muchiGreek mune shoko rinoenderana nairoro rinoreva rin’i inopiwa musikana achivimbiswa kuti acharoorwa. Izvi zvinonyatsoenderana nezvinoitika kune vaya vachavawo muboka remudzimai waKristu wekufananidzira.​—2 VaK. 11:2; Zvak. 21:2, 9.

Chisimbiso: Kare chisimbiso kana kuti chidhindo chaishandiswa sesiginicha yekuratidza kuti chinhu ndechaani, kuti chinhu ndechechokwadi, kana kuti paitwa chibvumirano. Kana vari vaKristu vakazodzwa, vanoiswa “chisimbiso,” kana kuti chidhindo chekufananidzira, nemudzimu mutsvene zvichiratidza kuti vava pfuma yaMwari. (VaEf. 1:13, 14) Kana muKristu akazodzwa akaramba akatendeka anozoiswa chisimbiso ichi zvachose zvekusadzimwa pane imwe nguva asati afa, kana kuti pane imwe nguva kutambudzika kukuru kusati kwatanga.​—VaEf. 4:30; Zvak. 7:2-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe