Zviri Mukati
3 Ushumiri Hwako Hwakaita Sedova Here?
VHIKI YAMAY 30, 2016–JUNE 5, 2016
5 Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
Nyaya ino inoratidza kuti chii chakabatsira Jefta nemwanasikana wake kuti vararame maererano nezvinodiwa naMwari kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma. Tinodzidza kuti nei kufarirwa naMwari kuchikosha kupfuura zvimwe zvinhu zvese.
10 Zvinhu Zvaunofungidzira Zvakanaka Here?
VHIKI YAJUNE 6-12, 2016
13 “Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”
Kuti tiwane chipo choupenyu husingaperi, tinofanira kutsungirira kusvikira kumugumo. Nyaya ino ichataura zvinhu zvina zvinotibatsira kuti titsungirire uye mienzaniso mitatu yevamwe vakaramba vachitsungirira. Ichataurawo kuti kutsungirira kunofanira kupedza basa ripi kune mumwe nomumwe wedu.
VHIKI YAJUNE 13-19, 2016
18 Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
VaKristu vese vanosangana nezvinhu zvinogona kuvatadzisa kupinda misangano yeungano. Asi pane zvinogona kutibatsira. Munyaya ino tichakurukura kuti kupinda kwatinoita misangano kunotibatsira sei uye kunobatsira sei vamwe. Tichakurukurawo kuti Jehovha Mwari anonzwa sei patinopinda misangano.
23 Nyaya Youpenyu—Vakambopikira Usista Asi Iye Zvino Vava Hanzvadzi dzechiKristu
VHIKI YAJUNE 20-26, 2016
27 Ramba Usina Kwaunotsigira Munyika Isina Kubatana
Sezvo kwangosara nguva pfupi kuti hurumende dzevanhu dziparadzwe, tinogona kutarisira kuti zvinhu zvichatowedzera kuoma. Nyaya iyi inotaura zvinhu zvina zvinotibatsira kuti tisapindire mune zvematongerwo enyika uye kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha.