RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 3/1 p. 3
  • Sei Tichida Kuponeswa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Tichida Kuponeswa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Rufu Ruchakundwa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Kana Munhu Afa Atotsakatika Here?
    Mukai!—2008
  • Kunyatsoongorora Dzimwe Nhema Dzinotaurwa Pamusoro Porufu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Rufu Unoruona Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 3/1 p. 3
Maruva anozoguma asvava

NYAYA IRI PAKAVHA | JESU ANOTIPONESA​—PACHII?

Sei Tichida Kuponeswa?

“Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa. Anobuda seruva, ogurwa, anotiza somumvuri uye haarambi aripo.”—Jobho 14:1, 2.

Kubvira kare, vanhu vagara vachida kuramba vari vaduku, vaine utano hwakanaka nekusingaperi. Asi zvinosuwisa kuti tinongofa chete. Zvakataurwa naJobho makore anopfuura 3 000 adarika, pana Jobho 14:1, 2 ndizvo zvichiri kuitika.

Munhu wese ane chido chakasimba chekurarama nekusingaperi. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akaisa mumwoyo medu chido chekurarama nekusingaperi uye chekuda kuziva kuti upenyu hwacho huchange hwakaita sei. (Muparidzi 3:11) Saka zvine musoro here kwauri kuti Mwari ane rudo atipe chido ichocho, izvo zvisingakwanisike? Kana wati hazvina musoro, wagona. Shoko raMwari rinoti rufu muvengi uye rinovimbisa kuti ‘ruchaparadzwa.’—1 VaKorinde 15:26.

Zviri pachena kuti rufu muvengi. Hapana munhu anofunga zvakanaka angarufarira. Patinoona zvinhu zvava kuda kuipa tinonzvenga, tinohwanda kana kutiza. Patinorwara, tinotsvaka rubatsiro kuti tipore. Tinoita zvose zvatinogona kuti tingwarire zvinhu zvinogona kutiuraya.

Pane here zvingaita kuti tive nechivimbo chekuti muvengi uyu ava nemakore achaparadzwa? Hongu zviripo. Jehovha Mwari, Musiki, haana kusika vanhu kuti vangorarama makore mashomanana. Anga asingadi kuti vanhu vafe. Aida kuti vanhu vararame nariini panyika, uye anozadzisa zvaanenge ataura.—Isaya 55:11.

Asi, rufu ruchapera sei? Vanhu vakabvira kare vachiedza kubvisa rufu, asi vachitadza. Nanhasi, vanhu vari kuramba vachiedza. Masayendisiti akagadzira mishonga inoshanda pakudzivirira nekurapa zvimwe zvirwere. Akakwanisa kunyatsoongorora masero ezvinhu zvipenyu. Munzvimbo dzakawanda, vanhu vava kurarama nguva yakati rebei kupfuura zvaiitika makore zana apfuura. Asi rufu ruchakapfunya chisero. Sezvinotaurwa neBhaibheri, ‘vose vanodzokera kuguruva.’—Muparidzi 3:20.

Chinofadza ndechekuti hatifaniri kuvimba nenjere dzevanhu kuti vagadzirise dambudziko iri rava nemakore. Jehovha Mwari akaronga kare kuti atiponese kana kuti kutinunura parufu, uye Jesu Kristu ndiye akapiwa basa guru paurongwa uhwu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe