RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 1/1 p. 13
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Mufudzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 1/1 p. 13

WAIZVIZIVA HERE?

Shoko rechiGiriki rekuti eu·nouʹkhos rinorevei?

Mufananidzo wemukuru mukuru wekuAsiriya

Chikamu chemufananidzo wemukuru mukuru wekuAsiriya

Mune dzimwe ndima dzeBhaibheri shoko iri rakashandurwa richireva murume akabviswa manhu. Vamwe varume vaibviswa manhu senzira yekurangwa kana kuti pavaibatwa vova varanda. Varume vaivimbwa navo avo vainge vakabviswa manhu vaichengeta dzimba dzevakadzi pamizinda yemadzimambo. Somuenzaniso, vamwe vainge vakadaro ndiHegai naShaashgazi avo vaichengeta madzimai nevarongo vaMambo wePezhiya, Ahashivheroshi, uyo anofungidzirwa kuti ndiye ainzi Xerxes I.​—Esteri 2:3, 14.

Asiwo mune dzimwe ndima dzeBhaibheri shoko racho rinoshandurwa kuti “mukuru mukuru aipiwa mabasa mumuzinda wamambo.” Vamwe vevarume vakadaro vaiva Ebhedhi-mereki uyo aishanda naJeremiya, uye mumwe murume wekuItiopiya asina kunyorwa zita rake, uyo akaparidzirwa nemuevhangeri Firipi. Hapana mubvunzo kuti Ebhedhi-mereki aiva nechinzvimbo chepamusoro nokuti aitaura naMambo Zedhekiya mbune. (Jeremiya 38:7, 8) MuItiopiya uyu anonzi aiva muchengeti wepfuma yeumambo “akanga aenda kuJerusarema kunonamata.”​—Mabasa 8:27.

Nei vafudzi vanotaurwa muBhaibheri vaiparadzanisa makwai nembudzi?

Mufudzi ane makwai

Paaitsanangura nezvenguva iri kuuya yekutongwa, Jesu akati: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, . . . achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” (Mateu 25:31, 32) Sei vafudzi vachiparadzanisa mhuka idzi?

Kakawanda, makwai nembudzi zvaifudzwa uye zvaisiyiwa zvichifura pamwe chete muswere wezuva. Asi kana ava manheru zvaiiswa mumatanga, kuti zvisadyiwe nemhuka dzemusango, zvisabiwe uye zvisanyanya kutonhorwa. (Genesisi 30:32, 33; 31:38-40) Makwai nembudzi zvaiiswa mumatanga akasiyana kuti makwai, kunyanya nhunzvi pamwe nemakwayana, zvisakuvadzwa nembudzi dzine ukasha. Bhuku rinonzi All Things in the Bible, rinoti mufudzi aiparadzanisawo makwai nembudzi, makwai “paainge achibereka, achiyamwisa, kana kuti achiveurwa.” Saka muenzaniso wakashandiswa naJesu waibva pane zvaiitwa uye zvaizivikanwa nevanhu vaaiparidzira vekumaruwa, avo vaigara munharaunda yainge yakada kufanana neIsraeri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe