RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 4/1 p. 13
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo Rwouhama Runoshingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • ‘Kupa Zano Pahwaro Hworudo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Firemoni naOnesimo—Vakabatana Muuhama hwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 57—Firemoni
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 4/1 p. 13

WAIZVIZIVA HERE?

Varanda vaibatwa sei pasi peutongi hweRoma?

Simbi yakanyorwa yaiiswa muhuro mevaranda veRoma

Simbi yaiiswa muhuro mevaranda veRoma

MuUmambo hweRoma, vakawanda vaiitwa varanda pashure pokukundwa muhondo kana kuti kutapwa. Vaya vaitapwa vaitengeswa uye kakawanda kacho vaisazombodzokerazve kumusha kwavo kana kuzomboonazve mhuri dzavo.

Varanda vakawanda vaishandiswa zvokufa mumigodhi, asi vaya vaishanda muminda nemudzimba vaiva nani. Muranda aigona kumanikidzwa kupfeka simbi muhuro, yaiva yakanyorwa ichivimbisa mubayiro kune munhu aizodzosa muranda wacho kuna tenzi wake kana atiza. Vaya vairamba vachiedza kutiza vaigona kuiswa mucherechedzo pahuma, kazhinji wakanyorwa kuti F achimiririra fugitivus (munhu ari kutiza).

Bhuku remuBhaibheri raFirimoni rinotaura nezvemuapostora Pauro achidzosera muranda akanga atiza ainzi Onesimo, kuna tenzi wake Firimoni. Kunyange zvazvo Firimoni aiva nekodzero yepamutemo yokuranga Onesimo zvakasimba, Pauro akakumbira Firimoni kuti ‘amugamuchire nomutsa,’ achiratidza rudo uye ushamwari.​—Firimoni 10, 11, 15-18.

Nei Fenikiya yekare yaiva nemukurumbira wedhayi yepepuru?

Hozhwa dzemugungwa uye mvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru dzekuTire

Fenikiya, iyo ingangodaro iri Lebanon yemazuva ano, yaizivikanwa nedhayi yepepuru yekuTire. Mambo Soromoni weIsraeri yekare akashongedza temberi yake ne“mvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru” dzakagadzirwa neimwe nyanzvi yokuTire.​—2 Makoronike 2:​13, 14.

Pepuru yokuTire ndiyo yainyanya kukosha panguva yacho, kunyanya nemhaka yokuti raiva basa rakakura kuigadzira. Kutanga, vabati vehove vaiunganidza hozhwaa dzakawanda kubva mugungwa. Paitodiwa hozhwa dzinenge 12 000 kuti pagadzirwe dhayi yechipfeko chimwe chete. Zvadaro, hozhwa dzacho dzaibviswa mumatemhe adzo kuitira kuti dhayi yacho ibudiswe. Vagadziri vedhayi vaibva vasanganisa dhayi yacho nemunyu, voita kuti musanganiswa wacho uwane mhepo uye zuva kwemazuva matatu. Vaibva vausanganisa nemvura yemugungwa, vouisa mumudziyo wakavharwa, vougadza pamoto mushoma kwemamwezve mazuva.

Kwemazana emakore avaiita zvebhizimisi uye vachipamba dzimwe nyika, vaFenikiya vakaramba vachitengesa dhayi yepepuru yekuTire uye vachiigadzira. Pane zvisaririra zvezvinhu zvaishandiswa pakugadzira dhayi zvakawanikwa munharaunda dzakapoteredza Gungwa reMediterranean uyewo muCádiz, kuSpain.

a Matemhe ehozhwa dzacho akareba masendimita 5 kusvika 8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe