RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 1/1 p. 3
  • Kana Munhu Afa Zvatopera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Munhu Afa Zvatopera Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • “Muvengi Wokupedzisira” Achakurirwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kurwadza Kworufu Kunobviswa
    Mukai!—1992
  • Rufu Unoruona Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 1/1 p. 3
Mufananidzo wakatorwa nemudenga wemunhu akafa mutsaona yemumugwagwa

NYAYA IRI PAKAVHA | KANA MUNHU AFA ZVATOPERA HERE?

Kurwadza Kunoita Rufu

Rufu harujairiki. Vanhu vakawanda havadi kutaura nezvarwo. Asi runototiwira chete. Rufu runobaya setsono uye rwunorwadza.

Hapana chinogona kufanotidzikamisa kuti tisazorwadziwa kana tafirwa nemubereki, newatakaroorana naye kana kuti nemwana. Tinogona kungofirwa tisingafungiri kana kuti rufu rwacho rungazoitika munhu amborwara kwenguva yakareba. Pasinei nokuti runotiwira sei, rufu runorwadza uye rungaita kuti tishungurudzike zvikuru.

Antonio uyo akafirwa nababa vake mutsaona yemumugwagwa anotsanangura kuti: “Zvinoita sokuti mumwe munhu auya akakiya musha wako, obva atakura makiyi. Unenge usisakwanisi kudzokera kumba kunyange kwekanguva kadiki zvako. Dzinenge dzangova ndangariro chete. Ndizvo zvinenge zvatovapo. Ungasazvibvuma uchiti zvanga zvisingafaniri kudaro, asi hapana zvaungaita.”

Paakafirwawo, Dorothy uyo akava chirikadzi ava nemakore 47, akabva atsunga kutsvaga mhinduro. Kunyange zvazvo aidzidzisa kusandesikuru, haana kumbobvira afunga kuti kana munhu akafa zvinenge zvatopera. Asi ainetseka kuti chii chinoitika kana munhu afa. Akabvunza mufundisi wake weAnglican kuti, “Chii chinoitika kwatiri kana tafa?” Mufundisi wacho akapindura kuti, “Hapana anonyatsoziva. Tinongofanira kumirira kuti tizoona.”

Tinongofanira “kumirira kuti tizoona” here? Pane here chingatibatsira kunyatsoziva kana rufu uriwo mugumo wezvose?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe