Waizviziva Here?
Nei vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaishandisa bhitumini sedhaka rokuvakisa?
▪ Bhaibheri parinotaura nezvevanhu vaivaka shongwe yeBhabheri rinoti, “zvidhinha zvakava matombo avo, asi bhitumini yakava dhaka ravo.”—Genesisi 11:3.
Bhitumini hachisi chinhu chinoita zvokugadzirwa. Inobva mupetroleum uye inowanikwa munzvimbo dzakawanda kuMesopotamia. Munzvimbo iyi, bhitumini inoita zvokunyuka muvhu yobva yagwamba. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, bhitumini yaishandiswa chaizvo pakunama zvinhu. Rimwe duramanzwi rinoti bhitumini “yainyatsoita pazvivako zvezvidhinha zvakaita zvokupiswa nemoto.”
Imwe nyaya iri mumagazini inonzi Archaeology inotsanangura zvakaonekwa pakashanyirwa dongo reshongwe riri muguta rekare reUri kuMesopotamia. Munyori wenyaya yacho anoti: “Bhitumini yacho iyo yakashandiswa sedhaka, ichiri kuoneka pazvidhinha zvakaita zvokupiswa nemoto. Apa ndipo pakatanga kushandiswa oiri yakawanda iri kumaodzanyemba kweIraq. Bhitumini iyi yakashandiswa kuvaka zvivako zvakawanda munzvimbo iyi, iye zvino ndiyo yava kuita kuti varwisane. Bhitumini yaishandiswa pakuvaka nokugadzira migwagwa yakabatsira kuti zvidhinha zvisina kupiswa zvokuSumeria zvisaparara nemvura uye nanhasi zvichiriko.”
Munguva inotaurwa muBhaibheri vanhu vaishandisa “pepa” rakaita sei?
▪ Mubvunzo uyu unomuka nemhaka yemashoko akanyorwa muBhaibheri naJohani okuti: “Kunyange ndiine zvinhu zvizhinji zvokukunyorerai, handidi kuita izvozvo nepepa neingi.”—2 Johani 12.
Shoko rechiGiriki rokuti kharʹtes rakashandurwa parugwaro urwu kuti “pepa” rinoreva kuti “nhokwe.” Nhokwe idzi dzinokura munzvimbo dzine mvura. Rimwe duramazwi rinotsanangura magadzirirwo aiitwa mapepa okunyorera pachishandiswa nhokwe richiti: “Nhokwe dzaigona kunge dzakareba mamita matatu dzaimenywa dzobva dzatsemurwa, uye dzaibva dzarukwa dzichipindana [sezvakaita shinda dzemasaga]. Mipumburu yacho yaibva yazorohwa nesando yedanda, yokwenenzverwa kuti itsvedzerere.
Vanochera matongo vakawana mipumburu yakawanda yenhokwe kuIjipiti uye kunharaunda yegungwa rinonzi Dead Sea. Mimwe mipumburu yenhokwe yeMagwaro yakawanikwa munzvimbo idzi ndeyemunguva yaJesu kana kuti asati auya panyika. Iyi ingangodaro iri iyo mipumburu yakashandiswa kunyorera dzimwe tsamba dzomuBhaibheri dzinosanganisira dzakanyorwa nevaapostora.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 11]
Spectrumphotofile/ photographersdirect.com
© FLPA/David Hosking/age fotostock