RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 pp. 16-17
  • Sei VaKristu Vachibhabhatidzwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei VaKristu Vachibhabhatidzwa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Zvinoreva Rubhabhatidzo Rwako
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Sei VaKristu Vachibhabhatidzwa?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Zvinorevei kubhabhatidzwa somuKristu?

Munhu paanobhabhatidzwa anenge achikumbira kuti ave noukama hwakanaka naMwari. Izvi zvinoratidza kuti muKristu haafaniri kubhabhatidzwa achiri mucheche, asi anofanira kunge akura zvokugona kudzidza nezvaMwari kuti ave mudzidzi waJesu. (Mabasa 8:12; 1 Petro 3:21) Tinova vadzidzi vaJesu kana tikadzidza tobva taita zvaakarayira.—Verenga Mateu 28:19, 20.

Munguva yevaapostora vaJesu, paiva nevanhu vakawanda vasina kumboverengera panyaya yokudzidza nezvaMwari naJesu. Somuenzaniso, mumwe murume paakadzidza kuti rufu rwaJesu rwunoita kuti vanhu vawane mukana wokuponeswa, akabva angova mudzidzi waJesu. Mazuva ano vanhu vakawanda vaitsvaka chokwadi nomwoyo wose vakasarudza kuva vateveri vaJesu.—Verenga Mabasa 8:26-31, 35-38.

2. Nei Jesu akabhabhatidzwa?

Jesu akanga ava nemakore anenge 30 Johani Mubhabhatidzi paakamubhabhatidza achiita zvokumunyudza mumvura yoRwizi rwaJodhani. Kubhabhatidzwa kwaJesu kwaireva kuti akabvuma kuita zvaidiwa naMwari kwaari. (VaHebheru 10:7) Basa racho raizosanganisira kuzvipira kuurayiwa sechibayiro chokununura vanhu muzvivi. Jesu aiteerera Baba vake Jehovha nguva dzose uye aivada chaizvo kunyange paakanga asati auya pasi pano.—Verenga Mako 1:9-11; Johani 8:29; 17:5.

3. Nei munhu achifanira kutanga abhabhatidzwa kuti azova muKristu?

Isu takasiyana naJesu pakuti takaberekwa tiine chivi. Kunyange zvakadaro, rufu rwaJesu rwokuzvipira rwunoita kuti tikwanise kuva noukama hwakanaka naMwari. (VaRoma 5:10, 12; 12:1, 2) Tinogona kusvika pakuva vana vaMwari. (2 VaKorinde 6:18) Tingawana sei chikomborero chakadaro? Kuti uve muKristu unotofanira kunyengetera kuna Jehovha uri woga, uchimuudza kuti wazvipira kuita zvaanoda uye uchipika pamberi pake kuti uchaita zvaanoda kwoupenyu hwako hwose. Wadaro, unozobhabhatidzwa vanhu vachizviona, kuti uratidze kuti wakazvipira kuna Mwari.—Verenga Mateu 16:24; 1 Petro 4:2.

4. Unofanira kuitei kuti uzokwanisa kubhabhatidzwa?

Zvapupu zvaJehovha zvinodzidza Bhaibheri nomunhu wose anoda kuva noukama hwakanaka naMwari. Kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu kuchaita kuti uwedzere kuda Mwari uye kuchasimbisa kutenda kwako maari. Zvichakubatsirawo kuti uve munhu ane tsika dzakanaka. Kuva norudo nokutenda uye humwe unhu hwakanaka kuchakubatsira kuti uzadzise mhiko yaunenge waita yokuti unoda kunamata Mwari nokusingaperi.—Verenga Johani 17:3; VaHebheru 10:24, 25.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 18 chebhuku iri raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe