RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 p. 7
  • ‘Ndakaita Kuti Vazive Zita Renyu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndakaita Kuti Vazive Zita Renyu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 p. 7

‘Ndakaita Kuti Vazive Zita Renyu’

“Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu. . . . Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa.”—JOHANI 17:6, 26.

Zvazvinoreva: Jesu paaiita ushumiri aishandisa zita raMwari kuiitira kuti vanhu varizive. Paaiverenga Magwaro, sezvaaigara achiita, anofanira kunge aidudza zita raMwari. (Ruka 4:16-21) Akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba, zita renyu ngaritsveneswe.”—Ruka 11:2.

Zvaiitwa nevaKristu Vokutanga: Muapostora Petro akaudza varume vakuru vaiva kuJerusarema kuti Mwari akanga atora “vanhu vezita rake” mumarudzi epanyika. (Mabasa 15:14) Vaapostora nevamwe vaiparidzira kuti “munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Mabasa 2:21; VaRoma 10:13) Vakashandisawo zita raMwari pavainyora Magwaro echiKristu echiGiriki. Mumwe muunganidzwa wemitemo yechiJudha unonzi The Tosefta wakapedza kunyorwa munenge muna 300 C.E., unoti nezvokupiswa kwemabhuku evaKristu nevaivashora: “Vanorega mabhuku evaEvhangeri nemabhuku evaminim [vanofungidzirwa kuti vaiva vaKristu vechiJudha] achitsva mumoto. Vanobvumidzwa kuapisa kana vaaona, . . . iwo neZita raMwari riri maari.”

Ndivanaani Vari Kutevedzera Muenzaniso Wacho? Mumashoko ayo okutanga, shanduro yeBhaibheri inonzi Revised Standard Version yakabvumidzwa neNational Council of the Churches of Christ in the United States inoti: “Kushandiswa kwezita raMwari chairo, sezvinonzi pane vamwe vanamwari vaaifanira kusiyaniswa navo, kwakaregwa nevaJudha chiKristu chisati chatanga uye hazvina kutombokodzera zvachose kuti rishandiswe neChechi yechiKristu.” Saka shanduro yacho yakatsiva zita raMwari nerokuremekedza rokuti, “ISHE.” Munguva pfupi yapfuura, muzinda weRoma uri kuVatican wakaudza mabhishopi awo kuti: “Zita raMwari rakanzi YHWHa harifaniri kuimbwa munziyo kana kuti kutaurwa muminamato.”

Mazuva ano ndivanaani vari kushandisa uye kuzivisa zita raMwari? Mumwe mukomana anonzi Sergey paakanga achiri kuyaruka ari kuKyrgyzstan, akaona rimwe firimu raitaura kuti zita raMwari ndiJehovha. Asi kwemakore anenge 10, haana kuzonzwazve zita raMwari. Pave paya, Sergey atamira kuUnited States, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakamushanyira kumba kwake zvikamuratidza zita raMwari muBhaibheri. Sergey akafara chaizvo kuwana chechi yaishandisa zita raJehovha. Zvinofadza kuti duramazwi rinonzi Webster’s Third New International Dictionary rinotsanangura kuti “Jehovha Mwari” zvinoreva “Mwari mukurusa anozivikanwa uye anonamatwa neZvapupu zvaJehovha.”

[Mashoko Omuzasi]

a MuchiShona, zita raMwari rinonzi “Jehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe