RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 10/1 pp. 24-25
  • Patinofanira Kunge Takamuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Patinofanira Kunge Takamuka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mukomana Akabatwa Nehope
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Rambai Makarinda”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 10/1 pp. 24-25

Dzidzisai Vana Venyu

Patinofanira Kunge Takamuka

UNGABVUMA kuti zvinokosha kuti kana uri kuchikoro ugare wakamuka. Vakawanda vanokotsira mukirasi, asi kuti udzidze, unofanira kuramba wakamuka. Pamwe unoenda kumisangano kwaunonodzidza Bhaibheri.

Unofunga kuti unofanira kuitei kuti urambe wakamuka?—a Chimwe chinokosha kukurumidza kunorara. Pamwe ungabatsirwawo nokumborara kwemaminitsi mashoma masikati. Ngationei zvatingadzidza pane zvakaitika kumukomana wechiduku akakotsira humwe usiku muapostora Pauro achipa hurukuro. Verenga muBhaibheri pana Mabasa chitsauko 20, ndima 7 kusvika ku12 uone zvakaitika.

Pauro akanga ari kushanyira ungano yaiva muguta raiva nechiteshi chengarava reTroasi. Bhaibheri rinoti Pauro “aizoenda zuva raitevera” nechikepe. Saka “akakurukura kwenguva refu kusvikira pakati pousiku.” Nyaya yacho inoti: “Rimwe jaya rakanga rigere pahwindo, rainzi Yutiko rakabatwa nehope huru Pauro paakaramba achitaura.” Chii chakazoitika?—

Yutiko akadonha nepahwindo a“chibva panhurikidzwa yechitatu.” Pauro nevamwe vakaita chipatapata vachienda pasi paaiva. Yutiko akanga ari pasi, atofa! Ungafungidzira here kusuruvara kwavakaita vose?— Bhaibheri rinoti Pauro akatora Yutiko akamugumbatira. Pasina nguva Pauro akashevedzera nomufaro achiti: ‘Musanetseka henyu, mupenyu!’ Mwari akanga amutsa Yutiko!

Zvakaitika kuna Yutiko zvinotidzidzisei nezvaMwari?— Kuti Baba vedu vokudenga Jehovha vanogona kumutsa vakafa, kusanganisira vana vaduku. Jehovha anokunzwisisa uye anokuda, kutopfuura zvinoita vabereki vako. Jesu paaiva pasi pano, akaita zvairatidza unhu hwaBaba vake paakatora vana vaduku akavakomborera. Akamutsawo vaduku, kusanganisira musikana aiva nemakore 12.

Kuziva kuti Baba vako vokudenga vanokuda kunoita kuti unzwe sei?— Kunoita kuti tidewo Jehovha uye tide kuteerera zvaanotaura. Unoziva here kuti tingaratidza sei kuti tinomuda?— Imwe nzira ndeyokutaura kuti tinomuda. Jesu akati: “Ndinoda Baba.” Asi haana kungogumira pakutaura kuti anoda Mwari. Akazviratidza nemabasa.

Jesu akateerera Mwari. Akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” Kana tikateererawo Jehovha kuti timufadze iye neMwanakomana wake Jesu, tichaedza nepatinogona napo kuti tirambe takamuka patinenge tiri kuchikoro uye kumisangano yechiKristu.

Verenga muBhaibheri rako

  • Mabasa 20:7-12

  • Ruka 8:49-56

  • Johani 8:29; 14:31

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe