RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 10/1 p. 6
  • 3 Mwari Anoda Zvokutsiva—Ichokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3 Mwari Anoda Zvokutsiva—Ichokwadi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga Kurangwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Vanhu Vakaipa Vachapiswa Mumoto Here?
    Mukai!—2009
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 10/1 p. 6

3 Mwari Anoda Zvokutsiva—Ichokwadi Here?

Zvaungadaro wakanzwa: “Mwari anongoti nanga-nanga nekose kawatadza uye anopisa vanhu nokusingaperi.”

“Mwari anoranga vatadzi nokuita kuti vawirwe nenjodzi dzinongoitika dzoga.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Pana 2 Petro 3:9 tinoverenga nezvaJehovha kuti “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” Pane kungoti nanga-nanga nezvatinotadza, Mwari anonyanya kutarisa zvatinogona. ‘Maziso aMwari anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.’—2 Makoronike 16:9.

Dzidziso yokunotsva nomoto haiwaniki muBhaibheri, uye pfungwa yokutambudza vanhu nokusingaperi inonyangadza kuna Mwari. Chirango chokupedzisira chaanopa vakaipa kuvatorera chipo choupenyu zvachose. (Jeremiya 7:31; VaRoma 6:7) Uyewo, njodzi dzinongoitika dzoga dzichiuraya vanhu zvakaipisisa hadzikonzerwi naMwari, asi zvinhu zvisingafanoonekwi zvinogona kungowira munhu wose.—Muparidzi 9:11.

Kubatsirwa kwaungaitwa nokuziva chokwadi: Tinogona kuswedera pedyo naMwari kana tikaziva kuti “akagadzirira kukanganwira” uye haakurumidzi kutipa mhosva. (Pisarema 86:5) Hatifaniri hedu kushumira Mwari kuti tivhare zvatinenge tamukanganisira kana kuti tichitya kuti tinozorangwa. Pane kudaro, tinogona kuvakira kutenda kwedu muna Jehovha nevavariro yakanaka, yokumuda. Rudo irworwo runotisimbisa kuti tiite zvose zvatinogona kuti timufadze.—Mateu 22:36-38; 1 Johani 5:3.

Mwari anoda kuti munhu wose aite zvakanaka, asi anoziva kuti vakawanda havasi kuzombozviita. Kudai kuri kuti aisazoranga vaya vanoita zvakaipa nemaune, aizongofanana nomutongi anodzika mitemo munyika asi asingaiti kuti mitemo yacho itevedzerwe. Izvi zvaizongoita kuti zvinhu zvakaipa nokutambura zvirambe zviripo nokusingaperi. (Muparidzi 8:11) Kuziva kwedu kuti Mwari haazorambi akapeta maoko zvachose kunoita kuti tive netariro yakasimba yekuti ramangwana richange rakajeka. Mwari akavimbisa kuti achabvisa vanhu vanoramba vachiita zvakaipa kuitira kuti “vanyoro” vararame nokusingaperi pasi pano vachifara sezvaakanga agara aronga.—Pisarema 37:10, 11, 29.a

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti udzidze zvakawanda nezvokuti Mwari achaita sei kuti nyika ive paradhiso, ona zvitsauko 3 ne8 zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Mwari anoda kuti timunamate tichityira kuti anozotiranga here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Engravings by Doré

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe