RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 6/1 p. 32
  • “Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Uya unzwe hurukuro yavose “Kutenda Nenguva Yako Yemberi”
    Mukai!—1997
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Yakagadzirirwa Kuti Itibatsire Uye Ibatsirewo Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 6/1 p. 32

“Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”

● Kana uchiona nyika uri muchadenga zvinoita sokuti ihurungudo yakanaka. Asi ukanyatsozvitarisa unoona kuti panyika zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Nei zvakadaro? Nokuti vanhu havaitarisiri zvakanaka. Vari kuparadza nyika nokusvibisa mhepo uye mvura, kutema miti zvakanyanya uye havasi kushandisa zvakanaka zviwanikwa zviri pairi. Panewo kurwisana, kuurayana uye unzenza izvo zvakonzera kuti nyika isada kunamata Mwari uye iite zvinhu zvakafumuka.

Uprofita hwakawanda hwakanyorwa muBhaibheri makore 2 000 apfuura hwakafanotaura kuti zvinhu izvi zvinosuruvarisa zvaizoitika. (2 Timoti 3:1-5; Zvakazarurwa 11:18) Bhaibheri rakafanotaurawo kuti hapana mumwe munhu achanyatsogadzirisa zvinhu izvi kunze kwaMwari chete. Nyaya idzi dzinokosha dzichakurukurwa muhurukuro yavose inoti: “Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?” Hurukuro iyi ichakurukurwa paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha rine musoro unoti, “Umambo hwaMwari Ngahuuye!” richatanga muna May kuUnited States richizoitwawo munyika yose.

Unokokwa noushamwari kuzopinda gungano reruwa richaitirwa panzvimbo iri pedyo newe. Kuti uzive kuti richaitirwa papi uye nguvai, tapota taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti nyorera vanobudisa magazini ino. Kero yepaIndaneti inoti www.jw.org inoratidzawo nzvimbo dzichaitirwa magungano aya muno muZimbabwe uye mune dzimwe nyika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe