RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 5/1 p. 7
  • 4. Kusava Norudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 4. Kusava Norudo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Rubatsiro Kune Vaya Vari Kushungurudzwa Mudzimba
    Dzimwe Nyaya
  • Nei Varume Vachirova Vakadzi?
    Mukai!—2001
  • Apo Masimba Masimba Anotapura Musha
    Mukai!—1993
  • Chii Chinoparira Masimba Masimba Omumba?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 5/1 p. 7

4. Kusava Norudo

“Vanhu . . . vachange vasingadi mhuri dzavo.”—2 TIMOTI 3:1-3, God’s Word Bible

● Chris anoshandira rimwe sangano rinobatsira vanoitirwa mhirizhonga mudzimba kuNorth Wales. Anoti, “Ndinoyeuka mumwe mukadzi akauya akarohwa zvokuti ndakatadza kumuziva. Vamwe vakadzi vakashungurudzwa zvokuti havatombogoni kusimudza musoro nokutya.”

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Mune imwe nyika iri muAfrica, anenge mukadzi 1 pa3 voga-voga akamboshungurudzwa pabonde achiri muduku. Ongororo yakamboitwa munyika iyoyo yakaratidza kuti inoda kusvika hafu yevarume vomunyika iyi vaisaona chakaipa nokurova vakadzi vavo. Asi havasi vakadzi voga vanorohwa. KuCanada pavarume 10 voga-voga, 3 vavo vakamborohwa kana kushungurudzwa nevakadzi vavo.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Mhirizhonga mudzimba yakabvira kare. Kungoti yava kunyanya kutaurwa nezvayo kupfuura kare.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Mumakumi emakore adarika nyaya yemhirizhonga mudzimba iri kutaurwa chaizvo. Asi izvozvo zvaita kuti mhirizhonga mudzimba idzikire here? Kana. Kusava norudo ndiko kwanyanya kuzara.

IWE UNOFUNGEI? Rugwaro rwa2 Timoti 3:1-3 rwuri kuzadzika here? Vakawanda havadi mhuri dzavo here?

Uprofita hwechishanu hwauri kuona huchizadzika hunosanganisira musha wedu, iyo nyika. Chimboona zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Mhirizhonga mudzimba ndeimwe mhosva huru inoshungurudza isiri kumhan’arwa. Kazhinji mukadzi anoshungurudzwa nemurume wake anozomhan’ara kumapurisa pashure pokushungurudzwa ka35.”—MUTAURIRI WESANGANO ROKUWALES RINOBATSIRA VANOITIRWA MHIRIZHONGA MUDZIMBA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe