RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 4/1 p. 3
  • Jesu Kristu Anombova Ani Chaizvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu Anombova Ani Chaizvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Nazareta—Musha Womuporofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 4/1 p. 3

Jesu Kristu Anombova Ani Chaizvo?

“Zvino paakapinda muJerusarema, guta rose rakanyonganiswa, richiti: ‘Uyu ndiani?’ Mapoka evanhu akaramba achiti: ‘Uyu ndiye muprofita Jesu, wokuNazareta reGarireya!’”—MATEU 21:10, 11.

SEI kusvika kwaJesu Kristua muJerusarema muchirimo cha33 C.E., kwakakonzera mhere-mhere yakadaro? Vakawanda vaiva muguta racho vakanga vanzwa nezvaJesu uye nezvezvishamiso zvaakanga aita. Vakaramba vachiudza vamwe nezvake. (Johani 12:17-19) Asi mapoka aya haana kumboziva kuti murume uyu aizochinja upenyu hwevanhu munyika yose kwemazana emakore aizotevera kusvikira kuzuva redu!

Ngatimboonai mienzaniso mishomanana yokuchinjwa kwakaitwa upenyu hwevanhu vakasiyana-siyana naJesu.

  • Karenda rinonyanya kushandiswa munyika dzakawanda rakatangira pagore rinofungidzirwa kuti ndiro rakaberekwa Jesu.

  • Chinenge chikamu chimwe pazvikamu zvitatu zvevanhu vari munyika (anenge mabhiriyoni maviri), chinozviti vaKristu.

  • Chitendero chechiIslam, chine vanhu vanopfuura bhiriyoni munyika yose, chinodzidzisa kuti Jesu “ndiye muprofita mukuru kupfuura Abrahamu, Noa naMosesi.”

  • Kutaura kwevanhu kwezuva nezuva kwava kusanganisira zvimwe zvirevo zvouchenjeri zvakataurwa naJesu. Zvimwe zvacho ndeizvi:

    ‘Mupe rimwe dama.’—MATEU 5:39.

    ‘MuSamariya akanaka.’—RUKA 10:33.

    ‘Hapana munhu angashandira vanatenzi vaviri.’—MATEU 6:24.

    ‘Usakandira nguruve maparera ako.’—MATEU 7:6.

    ‘Zvose zvaunoda kuti vamwe vakuitire, vaitirewo saizvozvo.’​—MATEU 7:12.

    ‘Kupa kune mufaro.’​—MABASA 20:35.

Hapana mubvunzo kuti Jesu akachinja upenyu hwevanhu. Asi zvinotendwa nevanhu nezvake uye pfungwa dzavanadzo zvakasiyana chaizvo. Saka unganetseka kuti, ‘Jesu Kristu anombova ani chaizvo?’ Bhaibheri roga ndiro rinotiudza kwakabva Jesu, mararamiro aaiita uye chaakafira. Kuziva chokwadi ichi nezvake kunogona kuchinjawo upenyu hwako iye zvino uye mune ramangwana.

a Zita romuprofita uyu wokuNazareta rokuti “Jesu,” rinoreva kuti “Jehovha Muponesi.” Zita rokuti “Kristu” izita rokuremekedza rinoreva kuti “Akazodzwa,” kuratidza kuti Jesu akazodzwa, kana kuti akagadzwa naMwari kuti ave nechinzvimbo chakakwirira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe